Genesis (8/50)  

1. Zvino Mwari wakarangarira Noa nezvipenyu zvose, nezvipfuwo zvose zvakanga zviri muareka naye; Mwari akafambisa mhepo panyika, mvura ikaserera,
2. namatsime apakadzika namahwindo edenga akazarirwa, nemvura yakabva kudenga ikadziviswa,
3. mvura ikaramba ichidzoka panyika; mazuva ane zana namakumi mashanu akati apfuura, mvura ikaderera.
4. Nomwedzi wechino­mwe, nezuva regumi namanomwe ro­mwedzi, areka ikamira pamusoro pama­komo eArarati.
5. Mvura ikaramba ichiderera kusvikira pamwedzi wegumi; nomwedzi wegumi, nezuva rokutanga romwedzi misoro yamakomo ikaonekwa.
6. Mazuva ana makumi mana akati apfuura, Noa akazarura hwindo reareka raakanga aita;
7. akabudisa gunguvo, iro rikaramba richibhururuka-bhururuka ku­svikira mvura yapwa panyika.
8. Ipapo akabhururutsa njiva paakanga ari, kuti aone kana mvura yaserera panyika;
9. asi njiva haina kuwana pokuzorodza rutsoka rwayo, ikadzokera kwaari kuareka, no­kuti mvura yakanga iri pamusoro penyika yose; akatambanudza ruoko rwake, akai­tora, akaipinza kwaari muareka.
10. Ipapo akagara mamwe mazuva manomwezve, akabudisazve njiva paa­reka;
11. njiva ikapinda kwaari made­kwana; onei mumuromo mayo makanga muine rushizha rwomuorivhi rwakata­nhwa; naizvozvo Noa wakaziva kuti mvura yakanga yaserera panyika.
12. Aka­garazve mazuva manomwe, akabudisa­zve njiva; iyo haina kudzokerazve kwaari.
13. Pagore ramazana matanhatu neri­mwe, pamwedzi wokutanga, nomusi wo­kutanga womwedzi, mvura yakanga ya­pwa panyika; ipapo Noa akabvisa denga reareka, akatarira, onei pasi pose paoma.
14. Nomwedzi wechipiri, nezuva rama­kumi maviri namanomwe romwedzi, nyika yakanga yaoma.
15. Zvino Mwari wakataura naNoa akati,
16. "Budai muareka, iwe, nomukadzi wako, navanakomana vako, navakadzi vavanakomana vako, pamwechete newe.
17. Budisawo pamwechete newe zvipenyu zvose zvenyama zvinewe, zvinoti, shiri, nezvipfuwo, nezvinokambaira zvose, ne­zvinokambaira panyika, kuti zviwande panyika, zvibereke, zvive zvizhinji pa­nyika."
18. Ipapo Noa akabuda, iye nava­nakomana vake, nomukadzi wake, nava­kadzi vavanakomana vake pamwechete naye;
19. nemhuka dzose, nezvinoka­mbaira zvose, neshiri dzose, nezvose zvinofamba panyika, namarudzi azvo, zvakabuda paareka.
20. Noa akavakira Je­hovha aritari, akatora dzimwe pamhuka dzose dzakanaka neshiri dzose dzaka­naka, akapisira zvipiriso zvinopiswa paa­tari.
21. Jehovha akanzwa kunhuwira kwa­kanaka, Jehovha akati mumoyo make, "Handichazotukizve nyika nokuda kwo­munhu; nokuti kufunga kwomoyo wo­munhu kwakaipa kubva pauduku hwake; handichazorovizve zvipenyu zvose, se­zvandakaita.
22. Nguva yose yenyika ku­dzvara nokucheka, kutonhora nokudziya, zhizha nechando, masikati nousiku hazvi­ngagumi."

  Genesis (8/50)