Genesis (7/50)  

1. Zvino Jehovha wakati kuna Noa, "Pindai muareka, iwe nemhuri yako yose; nokuti ndakuona iwe kuti wakaru­rama pamberi pangu parudzi urwu.
2. Pa­mhuka dzose dzakanaka utore nomwe nomwe, mukono nehadzi yayo; napa­mhuka dzose dzisina kunaka utore mbiri mbiri, mukono nehadzi yayo;
3. napashiri dzedenga utore nomwe nomwe, jongwe nemhambo, kuti uraramise marudzi ose ari panyika.
4. Nokuti kwasara mazuva manomwe, ipapo ndichanaisa mvura pa­nyika mazuva ana makumi mana nou­siku hunamakumi mana; zvipenyu zvose zvandakaita ndichazviparadza panyika. "
5. Noa akaita zvose sezvaakarairwa naJe­hovha.
6. Noa wakanga ava namakore ana mazana matanhatu panguva yokuuya kwemvura zhinji panyika.
7. Ipapo Noa wakapinda muareka, navanakomana vake, nomukadzi wake, navakadzi vava­nakomana vake, nokuda kwemvura zhi­nji.
8. Pamhuka dzakanaka, napamhuka dzisina kunaka, neshiri, nezvose zvinoka­mbaira panyika,
9. zvakapinda kuna Noa muareka zviviri zviviri, mukono nehadzi, Mwari sezvaakaraira Noa.
10. Mazuva ma­nomwe akati apfuura, mvura zhinji ika­vapo panyika.
11. Pagore ramazana matanhatu rou­penyu hwaNoa, nomwedzi wechipiri, nezuva regumi namanomwe romwedzi, nezuva iroro matsime ose apakadzika­dzika akadziurwa, namahwindo edenga akazarurwa;
12. mvura zhinji ikanaya pa­nyika mazuva ana makumi mana nousiku hunamakumi mana.
13. Nomusi iwoyo Noa wakapinda muareka, naShemu, naHamu, naJafeti, vanakomana vaNoa, no­mukadzi waNoa, navakadzi vatatu vava­nakomana vake pamwechete naye;
14. ivo, nemhuka dzose namarudzi adzo, nezvi­pfuwo zvose namarudzi azvo, nezvino­kambaira zvose zvinokambaira panyika namarudzi azvo, nezvinobhururuka zvose namarudzi azvo, neshiri dzose dzamarudzi ose.
15. Zvakapinda kuna Noa muareka, zviviri zviviri zvezvipenyu zvose zvinomweya woupenyu.
16. Zvose, zvakapinda, zvakapinda zvichiita mu­kono nehadzi, zvose zvipenyu, sezvaaka­rairwa naMwari, Jehovha akamuzaririra mukati.
17. Mvura zhinji ikavapo panyika ma­zuva ana makumi mana; mvura ikawa­nda, ikasimudza areka, ikakwiridzirwa pamusoro penyika.
18. Mvura ikakwirira, ikawanda kwazvo panyika, areka ikafa­mba pamusoro pemvura.
19. Mvura ika­kwirira kwazvo kwazvo panyika, ma­komo marefu ose pasi pedenga rose akafukidzwa.
20. Mvura ikakwirira kusvi­kira pamakubhiti ane gumi namashanu pamusoro pawo; makomo akafukidzwa.
21. Zvipenyu zvose zvaifamba panyika zvikafa, zvaiti, shiri, nezvipfuwo, ne­mhuka, nezvinokambaira, zvose zvaika­mbaira panyika, navanhu vose;
22. zvinhu zvose zvakanga zviine kufema kwo­mweya woupenyu mumhino dzazvo, zvose zvakanga zviri pakaoma pasi, zvi­kafa.
23. Zvipenyu zvose, zvakanga zviri pasi pose, zvikaparadzwa, zvaiti, vanhu, nezvipfuwo, nezvinokambaira, neshiri dzedenga; zvikaparadzwa panyika; Noa oga akasara, nezvakanga zviri muareka naye.
24. Mvura ikaramba yakakwirira pa­nyika mazuva ane zana namakumi ma­shanu.

  Genesis (7/50)