Genesis (6/50)  

1. Zvino vanhu vakati votanga kuwa­nda panyika, vachiberekerwa vanasi­kana,
2. vanakomana vaMwari vakaona vakunda vavanhu kuti vakanaka, vaka­zvisarudzira pakati pavose vavakada kuva vakadzi vavo.
3. Ipapo Jehovha akati, "Mweya wangu haungarambi uchigara mumunhu nokusingaperi, zvaari wenya­mawo hake; naizvozvo mazuva ake achava makore ane zana namakumi ma­viri."
4. Panguva iyo kwakanga kuna va­nhu varefu kwazvo panyika, napashu­rewo, kana vanakomana vaMwari vakapinda kuvanasikana vavanhu, ivo vakavaberekera vana. Ndivo vaiva vanhu vane simba vakare, vakanga vakakuru­mbira.
5. Zvino Jehovha wakaona kuti kuipa kwavanhu kwakanga kuri kukuru panyika, nendangariro dzokufunga kwe­moyo yavo dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose.
6. Jehovha akazvidemba pa­musoro pokuita kwake vanhu panyika, akava neshungu pamoyo pake.
7. Jeho­vha akati, "Ndichaparadza vanhu vanda­kasika ndivabvise panyika vanhu, ne­mhuka, nezvinokambaira, neshiri dzedenga; nokuti ndinozvidemba kuti ndakazviita."
8. Asi Noa wakawana tsitsi pamberi paJehovha.
9. Marudzi aNoa ndiwo: Noa waka­nga ari munhu wakarurama, asina mho­sva mumarudzi ake; Noa wakafamba naMwari.
10. Noa akabereka vanakomana vatatu, vaiti: Shemu, naHamu, naJafeti.
11. Nyika yakanga yakaora pamberi paMwari, nyika yakanga izere nokumani­kidzana.
12. Mwari akaona nyika kuti yakaora; nokuti vanhu vose vakanga vaodza mufambiro wavo panyika.
13. Ipapo Mwari wakati kuna Noa, "Kupera kwavanhu vose kwasvika pa­mberi pangu; nokuti vakazadza nyika nokumanikidzana; tarira, ndichavauraya pamwechete nenyika.
14. Uzviitire areka nomuti wemugoferi; uite makamuri mua­reka, uinamire nechomukati nechoku­nze nenamo.
15. Unofanira kuiita kudai: Kureba kweareka ngakuve makubhiti ana mazana matatu, nokufara kwayo makubhiti makumi mashanu, nokukwi­rira kwayo makubhiti makumi matatu.
16. Usiye buri paareka; uripedze kana kwasara kubhiti rimwe kubva kumusoro; nomusuo weareka uuise parutivi rwayo; uiite ine dzimba nhatu, mupanda woku­tanga, nowechipiri, nowechitatu.
17. Ta­rira, ini ndinouyisa panyika mvura zhi­nji, kuti iparadze zvipenyu zvose, zvinomweya woupenyu, pasi pedenga; zvose zviri panyika zvichafa.
18. Asi ndichaita sungano yangu newe; unofa­nira kupinda muareka, iwe navanako­mana vako, nomukadzi wako, navaka­dzi vavanakomana vako pamwechete newe.
19. Napazvipenyu zvose zvenyama uise muareka zviviri zviviri zvamarudzi ose, kuti zvirarame pamwechete newe; ngazvive mukono nehadzi.
20. Shiri na­marudzi adzo, nezvipfuwo namarudzi azvo, nezvinokambaira pasi zvose na­marudzi azvo, zvichauya kwauri zviviri zviviri zvamarudzi ose, kuti zvirarami­swe.
21. Iwe utore marudzi ose ezvoku­dya zvose zvinodyiwa, uzviunganidzire kwauri; kuti zvive zvokudya zvako nezvazvo."
22. Noa akaita saizvozvo; se­zvaakarairwa naMwari, wakaita zvose saizvozvo.

  Genesis (6/50)