Genesis (50/50)    

1. Zvino Josefa akawira pamusoro pechiso chababa vake, akachema pamusoro pake, akamutsvoda.
2. Josefa akaraira varanda vake dzakanga dziri n’anga, kuti vasasike baba vake, n’anga dzikasasika Isiraeri.
3. Vakapedza mazuva makumi mana naye, nokuti ndiwo aiva mazuva okusasika; navaljipiti vakamu­chema mazuva makumi manomwe.
4. Zvino mazuva okuchema akati apera, Josefa akataura naveimba yaFarao, akati, "Zvino kana ndawana nyasha kwa­muri, dorevai munzeve dzaFarao, muti,
5. `Baba vangu vakandipikisa, vachiti tari­rai, ndofa, muhwiro hwandakazvicherera munyika yeKenani, ndimo maunofanira kundivigamo.' Naizvozvo zvino dondite­nderai henyu kuti ndikwire, ndindoviga baba vangu, ndogodzoka."
6. Farao akati, "Kwira, undoviga baba vako, sezvavakakupikisa."
7. Ipapo Josefa akakwira kundoviga baba vake, navaranda vose vaFarao va­kakwira naye, vakuru veimba yake, na­vakuru venyika yeIjipiti,
8. naveimba yose yaJosefa, navana vababa vake, naveimba yababa vake; asi pwere dzavo dzoga, namakwai avo, nemombe dzavo, vaka­zvisiya panyika yeGosheni,
9. ngoro nava­tasvi vamabhiza vakakwirawo naye, ri­kava boka guru-guru.
10. Vakasvika paburiro raAtadhi, riri mhiri kwaJorodhani, vakamuchemapo nokuchema kukuru kwazvo; akachema baba vake mazuva manomwe.
11. Zvino vanhu vaigara panyika yeKenani vakati vachiona kuchema ikoko paburiro raAtadhi, vakati, "Kuchema uku kukuru ndokwavaIjipiti;" naizvozvo nzvimbo iyoyo ikatumidzwa Abherimiziraimu, iri mhiri kwaJorodhani.
12. Vanakomana vake vakamuitira sezvaakanga avaraira;
13. nokuti vanakomana vake vakando­muisa kunyika yeKenani, vakamuviga mubako romunda weMakapera, riya ra­katengwa naAbhurahamu, pamwechete nomunda kuna Efuroni muHeti, pakata­risana neMamure, kuti zvive zvake, ive nzvimbo yake yokuviga.
14. Zvino Josefa akati aviga baba vake, akadzokera Ijipiti, iye navakoma vake, navose vakanga vakwira naye ku­ndoviga baba vake.
15. Zvino vakoma vaJosefa vakati vachiona kuti baba vavo vafa, vakati, "Zvimwe Josefa achative­nga, nokutitsiva kwazvo zvakaipa zvose zvatakamuitira."
16. Naizvozvo vakatuma shoko kuna Josefa, vachiti, "Baba venyu vakaraira, vasati vafa, vachiti,
17. `Taurai naJosefa,' muti, `Zvino dokanganwirai henyu kutadza kwavakoma venyu; ne­zvivi zvavo, nokuti vakakuitirai zva­kaipa; zvino dokanganwirai kutadza kwa­varanda vaMwari wababa venyu.' " Josefa akachema pakutaura kwavo naye.
18. Vakuru vake vakaendawo, vaka­wira pasi pamberi pake, vakati, "Tarirai, tiri varanda venyu."
19. Josefa akati kwavari, "Musatya, nokuti ini ndiri pachigaro chaMwari here?
20. Kana murimwi, makandifungira zvakaipa, asi Mwari akafunga kuti zvive zvakanaka, kuti zviitwe sezvinoitwa nhasi, kuti vanhu vazhinji vararamiswe.
21. Naizvozvo zvino musatya, ndichaku­chengetai, nepwere dzenyu." Akavanya­radza, akataura navo nomoyo waka­naka.
22. Josefa akagara Ijipiti, iye navei­mba yababa vake; Josefa akagara makore ane zana negumi.
23. Josefa akaona vana vaEfuremu vorudzi rwechitatu, navana vaMakiri, mwanakomana waManase, va­kaberekerwa pamabvi aJosefa.
24. Josefa akati kuhama dzake, "Ndofa, asi Mwari achakumutsai zvirokwazvo, nokukubudi­sai panyika ino, muende kunyika yaaka­pikira Abhurahamu naIsaka, naJakobho."
25. Josefa akapikisa vana vaIsiraeri, akati, "Mwari achakumutsai zvirokwazvo, nemi mutakure mapfupa angu abve pano."
26. Ipapo Josefa akafa, ava namakore ane zana negumi; vakamusasika, akaiswa mubhokisi paIjipiti.

  Genesis (50/50)