Genesis (5/50)  

1. Ndirori bhuku ramarudzi aAdhamu. Musi waakasika munhu, Mwari wakamuita nomufananidzo waMwari;
2. wakavasika murume nomuka­dzi; akavaropafadza, akavatumidza zita rinonzi Munhu, musi wavakasikwa.
3. Adhamu wakagara makore ane zana namakumi matatu, akabereka mwanako­mana wakafanana naye, wakamutodza; akamutumidza zita rinonzi Seti.
4. Mazuva aAdhamu shure kwokuberekwa kwaSeti akanga ari makore ana mazana masere; akabereka vanakomana navanasikana.
5. Mazuva ose oupenyu hwaAdhamu aka­nga ari makore ana mazana mapfumba­mwe namakumi matatu, akafa.
6. Seti wakagara makore ane zana namashanu, akabereka Enoshi;
7. Seti aka­gara makore ana mazana masere nama­nomwe shure kwokuberekwa kwaEnoshi, akabereka vanakomana navanasikana;
8. mazuva ose aSeti akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe negumi nama­viri, akafa.
9. Enoshi wakagara makore makumi mapfumbamwe, akabereka Kenani;
10. shure kwokuberekwa kwaKenani Eno­shi akagara makore ana mazana masere negumi namashanu; akabereka vanako­mana navanasikana;
11. mazuva ose aEno­shi akanga ari makore ana mazana ma­pfumbamwe namashanu, akafa.
12. Kenani wakagara makore makumi manomwe, akabereka Maharareri;
13. shure kwokuberekwa kwaMaharareri Kenani wakagara makore ana mazana masere namakumi mana; akabereka va­nakomana navanasikana.
14. Mazuva ose aKenani akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe negumi, akafa.
15. Maharareri wakagara makore ma­kumi matanhatu namashanu, akabereka Jaredhi;
16. shure kwokuberekwa kwaJare­dhi, Maharareri akagara makore ana mazana masere namakumi matatu, akabe­reka vanakomana navanasikana;
17. ma­zuva ose aMaharareri akanga ari makore ana mazana masere namakumi mapfu­mbamwe namashanu, akafa.
18. Jaredhi wakagara makore ane zana namakumi matanhatu namaviri, akabe­reka Enoki;
19. shure kwokuberekwa kwaEnoki Jaredhi akagara makore ana mazana masere; akabereka vanakomana navanasikana;
20. mazuva ose aJaredhi akanga ari makore ana mazana mapfu­mbamwe namakumi matanhatu namaviri, akafa.
21. Enoki wakagara makore makumi matanhatu namashanu, akabereka Metu­sera;
22. shure kwokuberekwa kwaMetusera, Enoki wakafamba naMwari makore ana mazana matatu; akabereka vanakomana navanasikana.
23. Mazuva ose aEnoki aka­nga ari makore ana mazana matatu nama­kumi matanhatu namashanu.
24. Enoki aka­famba naMwari, akasazovapo, nokuti Mwari wakamutora.
25. Metusera wakagara makore ane zana namakumi masere namanomwe, akabereka Rameki;
26. shure kwokubere­kwa kwaRameki, Metusera akagara ma­kore ana mazana manomwe namakumi masere namaviri; akabereka vanakomana navanasikana.
27. Mazuva ose aMetusera akanga ari makore ana mazana mapfu­mbamwe namakumi matanhatu namapfu­mbamwe, akafa.
28. Rameki wakagara makore ane zana namakumi masere namaviri; akabe­reka mwanakomana;
29. akamutumidza zita rinonzi Noa, achiti, "Uyu achativa­raidza pabasa redu napakutambudzika kwamaoko edu, zvinobva panyika yaka­tukwa naJehovha."
30. Shure kwokubere­kwa kwaNoa, Rameki akagara makore ana mazana mashanu namakumi mapfu­mbamwe namashanu; akabereka vanako­mana navanasikana.
31. Mazuva ose aRa­meki akanga ari makore ana mazana manomwe namakumi manomwe nama­nomwe, akafa.
32. Noa wakanga ana makore ana mazana mashanu; Noa akabereka Shemu, naHamu, naJafeti.

  Genesis (5/50)