| ← Genesis (5/50) → |
| 1. | Ndirori bhuku ramarudzi aAdhamu. Musi waakasika munhu, Mwari wakamuita nomufananidzo waMwari; |
| 2. | wakavasika murume nomukadzi; akavaropafadza, akavatumidza zita rinonzi Munhu, musi wavakasikwa. |
| 3. | Adhamu wakagara makore ane zana namakumi matatu, akabereka mwanakomana wakafanana naye, wakamutodza; akamutumidza zita rinonzi Seti. |
| 4. | Mazuva aAdhamu shure kwokuberekwa kwaSeti akanga ari makore ana mazana masere; akabereka vanakomana navanasikana. |
| 5. | Mazuva ose oupenyu hwaAdhamu akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe namakumi matatu, akafa. |
| 6. | Seti wakagara makore ane zana namashanu, akabereka Enoshi; |
| 7. | Seti akagara makore ana mazana masere namanomwe shure kwokuberekwa kwaEnoshi, akabereka vanakomana navanasikana; |
| 8. | mazuva ose aSeti akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe negumi namaviri, akafa. |
| 9. | Enoshi wakagara makore makumi mapfumbamwe, akabereka Kenani; |
| 10. | shure kwokuberekwa kwaKenani Enoshi akagara makore ana mazana masere negumi namashanu; akabereka vanakomana navanasikana; |
| 11. | mazuva ose aEnoshi akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe namashanu, akafa. |
| 12. | Kenani wakagara makore makumi manomwe, akabereka Maharareri; |
| 13. | shure kwokuberekwa kwaMaharareri Kenani wakagara makore ana mazana masere namakumi mana; akabereka vanakomana navanasikana. |
| 14. | Mazuva ose aKenani akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe negumi, akafa. |
| 15. | Maharareri wakagara makore makumi matanhatu namashanu, akabereka Jaredhi; |
| 16. | shure kwokuberekwa kwaJaredhi, Maharareri akagara makore ana mazana masere namakumi matatu, akabereka vanakomana navanasikana; |
| 17. | mazuva ose aMaharareri akanga ari makore ana mazana masere namakumi mapfumbamwe namashanu, akafa. |
| 18. | Jaredhi wakagara makore ane zana namakumi matanhatu namaviri, akabereka Enoki; |
| 19. | shure kwokuberekwa kwaEnoki Jaredhi akagara makore ana mazana masere; akabereka vanakomana navanasikana; |
| 20. | mazuva ose aJaredhi akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namaviri, akafa. |
| 21. | Enoki wakagara makore makumi matanhatu namashanu, akabereka Metusera; |
| 22. | shure kwokuberekwa kwaMetusera, Enoki wakafamba naMwari makore ana mazana matatu; akabereka vanakomana navanasikana. |
| 23. | Mazuva ose aEnoki akanga ari makore ana mazana matatu namakumi matanhatu namashanu. |
| 24. | Enoki akafamba naMwari, akasazovapo, nokuti Mwari wakamutora. |
| 25. | Metusera wakagara makore ane zana namakumi masere namanomwe, akabereka Rameki; |
| 26. | shure kwokuberekwa kwaRameki, Metusera akagara makore ana mazana manomwe namakumi masere namaviri; akabereka vanakomana navanasikana. |
| 27. | Mazuva ose aMetusera akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namapfumbamwe, akafa. |
| 28. | Rameki wakagara makore ane zana namakumi masere namaviri; akabereka mwanakomana; |
| 29. | akamutumidza zita rinonzi Noa, achiti, "Uyu achativaraidza pabasa redu napakutambudzika kwamaoko edu, zvinobva panyika yakatukwa naJehovha." |
| 30. | Shure kwokuberekwa kwaNoa, Rameki akagara makore ana mazana mashanu namakumi mapfumbamwe namashanu; akabereka vanakomana navanasikana. |
| 31. | Mazuva ose aRameki akanga ari makore ana mazana manomwe namakumi manomwe namanomwe, akafa. |
| 32. | Noa wakanga ana makore ana mazana mashanu; Noa akabereka Shemu, naHamu, naJafeti. |
| ← Genesis (5/50) → |