Genesis (49/50)  

1. Zvino Jakobho akadana vanakomana vake, akati, "Unganai, ndi­kuudzei zvamuchaitirwa namazuva ano­tevera.
2. Unganai, munzwe imwi vanakomana vaJakobho, Teererai Isiraeri, baba venyu.
3. Rubheni, iwe uri dangwe rangu, simba rangu, nokutanga kwesimba rangu; Ukuru hwokukudzwa, noukuru hwesimba;
4. Unotutuma semvura, haungavi noukuru; Nokuti wakakwira kuuvato hwababa vako, Ukahusvibisa; wakakwira kumubhedha wangu.
5. Simiyoni naRevhi vana vamai vamwe; Minondo yavo inhumbi dzokurwa nesimba.
6. Mweya wangu, rega kupinda pakurangana kwavo. Kukudzwa kwangu, rega kusanganiswa neungano dzavo; Nokuti pakutsamwa kwavo vakauraya vanhu, Nokuda kwavo vakagura marunda emombe.
7. Kutsamwa kwavo ngakutukwe, nokuti kwakanga kuri kukuru; Nehasha dzavo, nokuti dzakanga dzakaipa; Ndichavaparadzanisa pakati paJakobho, nokuvaparadzira pakati paIsiraeri.
8. Iwe Judha, ucharumbidzwa nehama dzako; Ruoko rwako ruchava pamitsipa yavavengi vako, Vana vababa vako vachakotamira pamberi pako.
9. Judha mwana weshumba; Iwe mwanakomana wangu, wakwira uchibva pane zvakaurawa; Wakakotama, wakanyanga seshumba, Seshumbakadzi; ndianiko achamumutsa?
10. Tsvimbo youshe haingabvi kuna Judha, Kana mudonzvo, womubati pakati petsoka dzake, Kusvikira Shiro auya; Ndudzi dzose dzavanhu dzichamuerera iye.
11. Unosungira mbongoro yake pamuzambiringa, Nomwana wembongoro yake pamuzambiringa wakaisvonaka; Wakasuka nguvo dzake newaini, Nezvokufuka zvake muropa ramazambiringa.
12. Meso ake achatsvuka newaini, Meno ake achachena nomukaka.
13. Zebhuroni uchagara pamhenderekedzo dzegungwa; iye achava mhenderekedzo panopinda zvikepe; Muganhu wake uchasvika paSidhoni.
14. Isakari imbongoro ine simba, Inovata pasi, pakati pamatanga amakwai;
15. Akaona zororo kuti rakanaka, Nenyika kuti inofadza, Akarerekera fudzi rake kuti atakure, akava mubatiri wechibharo.
16. Dhani achatonga mhaka dzavanhu vake, Sorumwe rwamarudzi alsiraeri.
17. Dhani achava senyoka munzira, Semvumbi mugwara, Inoruma zvitsitsinho zvebhiza; Kuti mutasvi waro awire pasi neshure.
18. Ndakamirira ruponeso rwenyu imwi Jehovha.
19. Gadhi achavambwa nehondo, Asi iye achavavamba pazvitsitsinho zvavo.
20. Asheri achava nezvokudya zvakakora; Iye achauya nezvinonaka zvinofanira madzishe.
21. Nafutari isheche yemhembwe yakasununguka, Anotaura mashoko akanaka.
22. Josefa idavi rinobereka, Idavi rinobereka patsime; matavi ake anodarika madziro.
23. Vapfuri nouta vakamutambudza kwazvo, Vakamupfura, vakamuvenga;
24. asi uta hwake hwakaramba hune simba, Maoko ezvanza zvake akasimbiswa Namaoko oWamasimbaose waJakobho, (Ndipo panobva Mufudzi, neBwe raIsiraeri),
25. Mwari wababa vako achakubatsira; Wamasimbaose, achakuropafadza, Neropafadzo dzinobva kudenga kumusoro, Ropafadzo dzinobva pamvura yakadzika iri pasi, Ropafadzo dzamazamu nedzechizvaro.
26. Ropafadzo dzababa vako Dzinopfuura ropafadzo dzamateteguru angu, kusvikira kumugumo wamakomo asingaperi; dzichagara pamusoro waJosefa, Pamusoro waiye akanga ari muchinda pakati pehama dzake.
27. Bhenjamini ibere rinoparadza; Mangwanani achadya chakaurawa, Madeko achagovera zvaakapamba."
28. Ava vose ndiwo marudzi ane gumi namaviri alsiraeri; ndizvo zvakataura baba vavo kwavari, akavaropafadza; va­karopafadza mumwe nomumwe nokuro­pafadzwa kwake.
29. Akavaraira, akati kwavari, "Ini ndobva ndosanganiswa na­vanhu vangu; mundondiviga kuna madzi­baba angu, mubako riri mumunda waEfuroni, muHeti,
30. bako riri mumunda weMakapera, pakatarisana neMamure, panyika yeKenani, riya rakatengwa naAbhurahamu pamwechete nomunda kuna Efuroni, muHeti, kuti zvive zvake, ive nzvimbo yake yokuviga;
31. ndipo pavaka­viga Abhurahamu naSara, mukadzi wake; ndipo pavakaviga Isaka naRabheka, mu­kadzi wake; ndipo pandakaviga Rea;
32. munda uya nebako riri mukati mawo, zvakatengwa kuvana vaHeti."
33. Zvino Jakobho akati apedza kuraira vanako­mana vake, akadzosera tsoka dzake pau­vato, mweya wake ukabuda, akasangani­swa navanhu vake

  Genesis (49/50)