| ← Genesis (49/50) → |
| 1. | Zvino Jakobho akadana vanakomana vake, akati, "Unganai, ndikuudzei zvamuchaitirwa namazuva anotevera. |
| 2. | Unganai, munzwe imwi vanakomana vaJakobho, Teererai Isiraeri, baba venyu. |
| 3. | Rubheni, iwe uri dangwe rangu, simba rangu, nokutanga kwesimba rangu; Ukuru hwokukudzwa, noukuru hwesimba; |
| 4. | Unotutuma semvura, haungavi noukuru; Nokuti wakakwira kuuvato hwababa vako, Ukahusvibisa; wakakwira kumubhedha wangu. |
| 5. | Simiyoni naRevhi vana vamai vamwe; Minondo yavo inhumbi dzokurwa nesimba. |
| 6. | Mweya wangu, rega kupinda pakurangana kwavo. Kukudzwa kwangu, rega kusanganiswa neungano dzavo; Nokuti pakutsamwa kwavo vakauraya vanhu, Nokuda kwavo vakagura marunda emombe. |
| 7. | Kutsamwa kwavo ngakutukwe, nokuti kwakanga kuri kukuru; Nehasha dzavo, nokuti dzakanga dzakaipa; Ndichavaparadzanisa pakati paJakobho, nokuvaparadzira pakati paIsiraeri. |
| 8. | Iwe Judha, ucharumbidzwa nehama dzako; Ruoko rwako ruchava pamitsipa yavavengi vako, Vana vababa vako vachakotamira pamberi pako. |
| 9. | Judha mwana weshumba; Iwe mwanakomana wangu, wakwira uchibva pane zvakaurawa; Wakakotama, wakanyanga seshumba, Seshumbakadzi; ndianiko achamumutsa? |
| 10. | Tsvimbo youshe haingabvi kuna Judha, Kana mudonzvo, womubati pakati petsoka dzake, Kusvikira Shiro auya; Ndudzi dzose dzavanhu dzichamuerera iye. |
| 11. | Unosungira mbongoro yake pamuzambiringa, Nomwana wembongoro yake pamuzambiringa wakaisvonaka; Wakasuka nguvo dzake newaini, Nezvokufuka zvake muropa ramazambiringa. |
| 12. | Meso ake achatsvuka newaini, Meno ake achachena nomukaka. |
| 13. | Zebhuroni uchagara pamhenderekedzo dzegungwa; iye achava mhenderekedzo panopinda zvikepe; Muganhu wake uchasvika paSidhoni. |
| 14. | Isakari imbongoro ine simba, Inovata pasi, pakati pamatanga amakwai; |
| 15. | Akaona zororo kuti rakanaka, Nenyika kuti inofadza, Akarerekera fudzi rake kuti atakure, akava mubatiri wechibharo. |
| 16. | Dhani achatonga mhaka dzavanhu vake, Sorumwe rwamarudzi alsiraeri. |
| 17. | Dhani achava senyoka munzira, Semvumbi mugwara, Inoruma zvitsitsinho zvebhiza; Kuti mutasvi waro awire pasi neshure. |
| 18. | Ndakamirira ruponeso rwenyu imwi Jehovha. |
| 19. | Gadhi achavambwa nehondo, Asi iye achavavamba pazvitsitsinho zvavo. |
| 20. | Asheri achava nezvokudya zvakakora; Iye achauya nezvinonaka zvinofanira madzishe. |
| 21. | Nafutari isheche yemhembwe yakasununguka, Anotaura mashoko akanaka. |
| 22. | Josefa idavi rinobereka, Idavi rinobereka patsime; matavi ake anodarika madziro. |
| 23. | Vapfuri nouta vakamutambudza kwazvo, Vakamupfura, vakamuvenga; |
| 24. | asi uta hwake hwakaramba hune simba, Maoko ezvanza zvake akasimbiswa Namaoko oWamasimbaose waJakobho, (Ndipo panobva Mufudzi, neBwe raIsiraeri), |
| 25. | Mwari wababa vako achakubatsira; Wamasimbaose, achakuropafadza, Neropafadzo dzinobva kudenga kumusoro, Ropafadzo dzinobva pamvura yakadzika iri pasi, Ropafadzo dzamazamu nedzechizvaro. |
| 26. | Ropafadzo dzababa vako Dzinopfuura ropafadzo dzamateteguru angu, kusvikira kumugumo wamakomo asingaperi; dzichagara pamusoro waJosefa, Pamusoro waiye akanga ari muchinda pakati pehama dzake. |
| 27. | Bhenjamini ibere rinoparadza; Mangwanani achadya chakaurawa, Madeko achagovera zvaakapamba." |
| 28. | Ava vose ndiwo marudzi ane gumi namaviri alsiraeri; ndizvo zvakataura baba vavo kwavari, akavaropafadza; vakaropafadza mumwe nomumwe nokuropafadzwa kwake. |
| 29. | Akavaraira, akati kwavari, "Ini ndobva ndosanganiswa navanhu vangu; mundondiviga kuna madzibaba angu, mubako riri mumunda waEfuroni, muHeti, |
| 30. | bako riri mumunda weMakapera, pakatarisana neMamure, panyika yeKenani, riya rakatengwa naAbhurahamu pamwechete nomunda kuna Efuroni, muHeti, kuti zvive zvake, ive nzvimbo yake yokuviga; |
| 31. | ndipo pavakaviga Abhurahamu naSara, mukadzi wake; ndipo pavakaviga Isaka naRabheka, mukadzi wake; ndipo pandakaviga Rea; |
| 32. | munda uya nebako riri mukati mawo, zvakatengwa kuvana vaHeti." |
| 33. | Zvino Jakobho akati apedza kuraira vanakomana vake, akadzosera tsoka dzake pauvato, mweya wake ukabuda, akasanganiswa navanhu vake |
| ← Genesis (49/50) → |