Genesis (48/50)  

1. Shure kwaizvozvo Josefa akaudzwa, zvichinzi, "Tarira, baba vako vanorwara;" iye akatora vanako­mana vake vaviri, Manase naEfuremu.
2. Jakobho akaudzwa, zvichinzi, "Tarirai, mwanakomana wenyu, Josefa, wauya kwamuri." Isiraeri akazvisimbaradza, akagara pauvato.
3. Zvino Jakobho akati kuna Josefa, "Mwari Wamasimbaose akazviratidza paRuzi, panyika yeKenani, akandiropafadza,
4. akati kwandiri, `Ta­rira, ndichakuberekesa, ndichakuwanza, ndichakuita ndudzi zhinji; ndichapa vana vako vanokutevera nyika ino, ive yavo nokusingaperi.'
5. "Zvino vanakomana vako vaviri, vawakaberekerwa panyika yeIjipiti, ndi­sati ndasvika kwauri paljipiti, ndavangu; Efuremu naManase vachava vangu sa­vana Rubheni naSimiyoni.
6. Asi vana vako, vawakabereka shure kwavo, va­chava vana vako, vachatumidzwa nezita ravakuru vavo panhaka yavo.
7. Kana ndirini, pakubva kwangu paPadhani, nda­kafirwa naRakeri panyika yeKenani mu­nzira ndasvika pedo neEfurata, ndika­muvigapo panzira inoenda Efurata (rimwe zita ndiBheterehemu)."
8. Isiraeri akaona vanakomana vaJo­sefa, akati, "Ndivananiko?"
9. Josefa akati kuna baba vake, "Ndivo vanakomana vangu vandakapiwa pano naMwari." Vakati, "Douya navo kwandiri ndivaropafadze."
10. Zvino meso aIsiraeri akanga oona madzerere noku­kwegura, akanga asisagoni kuona. Aka­vaswededza kwavari, Isiraeri akavatsvoda, akavambundikira.
11. Isiraeri akati kuna Josefa, "Handina kufunga kuti ndichaona chiso chakozve, zvino tarira, Mwari aka­ndionesa navana vakowo."
12. Josefa aka­vabvisa pakati pamabvi avo akakotamira pasi nechiso chake.
13. Josefa akavabata vari vaviri, Efu­remu norudyi rwake kuruboshwe rwaIsi­raeri, naManase noruboshwe rwake kuru­dyi rwaIsiraeri, akavaswededza pedo naye.
14. lsiraeri akatambanudza ruoko rwake rworudyi, akaruisa pamusoro paEfuremu, aiva muduku, noruoko rwake rworuboshwe pamusoro waManase, aka­pesanisa maoko ake achizviziva, nokuti Manase akanga ari wedangwe.
15. Akaropafadza Josefa, akati, "Mwari uya, akafamba madzibaba angu pamberi pake, vana Abhurahamu naIsaka, Mwari akandifudza paupenyu hwangu hwose kusvikira zuva ranhasi;
16. mutumwa wakandidzikunura pane zvakaipa zvose, ngaaropafadze vanakomana ava; zita rangu ngaritumidzwe kwavari, namazita amadzibaba angu, Abhurahamu naIsaka, vawande kwazvo panyika."
17. Zvino Josefa akati achiona kuti baba vake vaisa ruoko rwavo rworudyi pamusoro waEfuremu, hazvina kumufa­dza, akabata ruoko rwababa vake, kuti arubvise pamusoro waEfuremu, aruise pamusoro waManase.
18. Josefa akati kuna baba vake, "Regai kudaro, baba vangu, nokuti ndiye wedangwe, isai ruoko rwe­nyu pamusoro wake."
19. Baba vake vakaramba, vakati, "Ndinoziva, mwana wangu, ndinoziva; naiyewo achava rudzi, naiye achava mu­kuruwo, asi munun’una wake achava mu­kuru kwaari, vana vake vachava ndudzi zhinji."
20. Akavaropafadza nomusi iwoyo, akati, "Newe vaIsiraeri vacharopafadza, vachiti, `Mwari ngaakuite saEfuremu naManase.' " Akaisa Efuremu pamberi paManase.
21. Zvino Isiraeri akati kuna Josefa, "Tarira, ndofa, asi Mwari achava nemi, achakudzoserai kunyika yamadzibaba enyu.
22. Newe ndinokupa mugove mu­mwe kupfuura vamwe vana vababa vako, uya wandakatorera vaAmori nomunondo wangu nouta hwangu."

  Genesis (48/50)