Genesis (47/50)  

1. Zvino Josefa akaenda, akandoudza Farao, akati, "Baba vangu navana vababa vangu vasvika, vachibva kunyika yeKenani, vane makwai avo, nemombe dzavo, nezvose zvavanazvo; zvino, tarirai vari munyika yeGosheni."
2. Akatora varume vashanu kuvana vababa vake, akavaisa pamberi paFarao.
3. Farao akati kuvakoma vake, "Basa renyu nde­reiko?" Vakati kuna Farao, "Varanda venyu vafudzi, isu namadzibaba edu tose."
4. Vakati kuna Farao, "Tauya kuzogara tiri vatorwa munyika ino; nokuti hakuna mafuro amakwai avaranda venyu, nokuti kune nzara kunyika yeKenani; zvino tinokumbira kuti varanda venyu vagare munyika yeGosheni."
5. Ipapo Farao aka­taura naJosefa, akati, "Baba vako navana vababa vako vauya kwauri;
6. nyika yeIji­piti iri pamberi pako; baba vako navana vababa vako ngavagare panzvimbo ya­kaisvonaka panyika ino, ngavagare pa­nyika yeGosheni; kana uchiziva kuti pakati pavo pana varume vakangwara, uvaite vatariri vemombe dzangu."
7. Josefa akapinda naJakobho, baba vake, akavaisa pamberi paFarao; Jakobho akaropafadza Farao.
8. Farao akati kuna Jakobho, "Manganiko mazuva amakore oupenyu hwenyu?"
9. Jakobho akati kuna Farao, "Mazuva amakore outorwa hwangu makore ane zana namakumi matatu; mazuva amakore oupenyu hwangu akanga ari mashoma hawo, akaipa, haana kusvikira pamazuva amakore oupenyu hwamadzibaba angu pamazuva outorwa hwavo."
10. Jakobho akaropafadza Farao, akabuda pamberi paFarao.
11. Zvino Josefa akapa baba vake navana vababa vake pokugara, akavapa nzvimbo panyika yeIjipiti, kuti ive yavo, pakaisvonaka panyika iyo, panyika yeRa­mesesi, sezvaakarairwa naFarao.
12. Josefa akachengeta baba vake, navana vababa vake, navose veimba yababa vake, aka­vapa zvokudya achiverenga navana va­vowo.
13. Zvino pakanga pasina zvokudya panyika yose, nokuti nzara yakanga iri huru, nyika yeIjipiti nenyika yeKenani dzikaziya nenzara.
14. Josefa akaunganidza mari yose yakanga iri panyika yeIjipiti, napanyika yeKenani, yavakatenga zviyo nayo, Josefa akaisa mari iyo mumba maFarao.
15. Mari yose yakati yapera mu­nyika yeljipiti, napanyika yeKenani, vaIjipiti vose vakauya kuna Josefa, vakati, "Tipei zvokudya, nokuti tingafa seiko pamberi penyu? Nokuti mari yapera."
16. Josefa akati, "Uyai nemombe dze­nyu, ndikupei zvokudya pamusoro pezvi­pfuwo zvenyu, kana mari yapera."
17. Zvino vakauya kuna Josefa nezvipfuwo zvavo; Josefa akavapa zvokudya, vachi­tsinhanha namabhiza, namakwai, nemo­mbe, nembongoro; akavararamisa nezvo­kudya, vachitsinhanha nezvipfuwo zvavo zvose gore iroro.
18. Gore iroro rakati rapera, vakauya kwaari negore rechipiri, vakati kwaari, "Hatingavanziri ishe wedu kuti mari yedu yose yapera, mapoka ezvipfuwo ava ashe wedu; hakuchina chakasara pamberi pashe wedu, asi miviri yedu neminda yedu;
19. zvino tingafa seiko pamberi pe­nyu, isu nenyika yedu? Titengei henyu, isu nenyika yedu, tive varanda vaFarao; tipeiwo mbeu tirarame tirege kufa, nenyika irege kushanduka iite sango.'
20. Zvino Josefa akatengera Farao nyika yose yeIjipiti, nokuti vaIjipiti vaka­tengesa mumwe nomumwe munda wake, nokuti nzara yakanga iri huru pamusoro pavo, nyika ikava yaFarao.
21. Kana vari vanhu akavatamisa kumaguta, kubva ku­muganhu mumwe weIjipiti kusvikira kuno mumwe muganhu wayo.
22. Asi nyika yavapirisiti yoga haana kuitenga, nokuti vapirisiti vakanga vaganhurirwa mugove wavo naFarao; vaidya mugove wavo wavaipiwa naFarao. Naizvozvo havana kutengesa nyika yavo:
23. Zvino Josefa akati kuvanhu, "Tarirai, ndakate­ngera Farao imwi nenyika yenyu nhasi, hedzi mbeu, mudyare panyika.
24. Ne­nguva yokukohwa munofanira kupa Fa­rao cheshanu, zvina zvichava zvenyu, zvive mbeu dzeminda, nezvokudya zve­nyu, nezvavari mudzimba dzenyu, nezvo­kudya zvepwere dzenyu."
25. Ivo vakati, "Ndimwi makatiche­ngeta; ngatiwane hedu nyasha panashe wedu, tive varanda vaFarao."
26. Josefa akatema mutemo panyika yeIjipiti, uripo nanhasi, kuti Farao apiwe cheshanu; asi nyika yavapirisiti yoga haina kuva yaFa­rao.
27. Zvino vaIsiraeri vakagara panyika yeIjipiti, panyika yeGosheni, vakazviwa­nira fuma imomo, vakabereka vana, vakawanda kwazvo.
28. Jakobho akagara panyika yeljipiti makore ane gumi namanomwe; naizvo­zvo mazuva aJakobho makore oupenyu hwake, akanga ari makore ane zana namakumi mana namanomwe.
29. Zvino nguva yokufa kwaIsiraeri yakanga ya­swedera, iye akadana mwanakomana wake Josefa, akati kwaari, "Kana nda­wana nyasha kwauri, chiisa hako ruoko rwako pasi pechidya changu, undiitire ngoni nezvokwadi; rega hako kundiviga paIjipiti;
30. asi kana ndavata namadzibaba angu, undibvise paIjipiti, unondiviga mu­hwiro hwavo." Iye akati, "Ndichaita sezvamataura. "
31. Vakati, "Ndipikire;" iye akavapi­kira. Ipapo Isiraeri akakotamira pamu­soro wouvato hwake.

  Genesis (47/50)