| ← Genesis (47/50) → | 
| 1. | Zvino Josefa akaenda, akandoudza Farao, akati, "Baba vangu navana vababa vangu vasvika, vachibva kunyika yeKenani, vane makwai avo, nemombe dzavo, nezvose zvavanazvo; zvino, tarirai vari munyika yeGosheni." | 
| 2. | Akatora varume vashanu kuvana vababa vake, akavaisa pamberi paFarao. | 
| 3. | Farao akati kuvakoma vake, "Basa renyu ndereiko?" Vakati kuna Farao, "Varanda venyu vafudzi, isu namadzibaba edu tose." | 
| 4. | Vakati kuna Farao, "Tauya kuzogara tiri vatorwa munyika ino; nokuti hakuna mafuro amakwai avaranda venyu, nokuti kune nzara kunyika yeKenani; zvino tinokumbira kuti varanda venyu vagare munyika yeGosheni." | 
| 5. | Ipapo Farao akataura naJosefa, akati, "Baba vako navana vababa vako vauya kwauri; | 
| 6. | nyika yeIjipiti iri pamberi pako; baba vako navana vababa vako ngavagare panzvimbo yakaisvonaka panyika ino, ngavagare panyika yeGosheni; kana uchiziva kuti pakati pavo pana varume vakangwara, uvaite vatariri vemombe dzangu." | 
| 7. | Josefa akapinda naJakobho, baba vake, akavaisa pamberi paFarao; Jakobho akaropafadza Farao. | 
| 8. | Farao akati kuna Jakobho, "Manganiko mazuva amakore oupenyu hwenyu?" | 
| 9. | Jakobho akati kuna Farao, "Mazuva amakore outorwa hwangu makore ane zana namakumi matatu; mazuva amakore oupenyu hwangu akanga ari mashoma hawo, akaipa, haana kusvikira pamazuva amakore oupenyu hwamadzibaba angu pamazuva outorwa hwavo." | 
| 10. | Jakobho akaropafadza Farao, akabuda pamberi paFarao. | 
| 11. | Zvino Josefa akapa baba vake navana vababa vake pokugara, akavapa nzvimbo panyika yeIjipiti, kuti ive yavo, pakaisvonaka panyika iyo, panyika yeRamesesi, sezvaakarairwa naFarao. | 
| 12. | Josefa akachengeta baba vake, navana vababa vake, navose veimba yababa vake, akavapa zvokudya achiverenga navana vavowo. | 
| 13. | Zvino pakanga pasina zvokudya panyika yose, nokuti nzara yakanga iri huru, nyika yeIjipiti nenyika yeKenani dzikaziya nenzara. | 
| 14. | Josefa akaunganidza mari yose yakanga iri panyika yeIjipiti, napanyika yeKenani, yavakatenga zviyo nayo, Josefa akaisa mari iyo mumba maFarao. | 
| 15. | Mari yose yakati yapera munyika yeljipiti, napanyika yeKenani, vaIjipiti vose vakauya kuna Josefa, vakati, "Tipei zvokudya, nokuti tingafa seiko pamberi penyu? Nokuti mari yapera." | 
| 16. | Josefa akati, "Uyai nemombe dzenyu, ndikupei zvokudya pamusoro pezvipfuwo zvenyu, kana mari yapera." | 
| 17. | Zvino vakauya kuna Josefa nezvipfuwo zvavo; Josefa akavapa zvokudya, vachitsinhanha namabhiza, namakwai, nemombe, nembongoro; akavararamisa nezvokudya, vachitsinhanha nezvipfuwo zvavo zvose gore iroro. | 
| 18. | Gore iroro rakati rapera, vakauya kwaari negore rechipiri, vakati kwaari, "Hatingavanziri ishe wedu kuti mari yedu yose yapera, mapoka ezvipfuwo ava ashe wedu; hakuchina chakasara pamberi pashe wedu, asi miviri yedu neminda yedu; | 
| 19. | zvino tingafa seiko pamberi penyu, isu nenyika yedu? Titengei henyu, isu nenyika yedu, tive varanda vaFarao; tipeiwo mbeu tirarame tirege kufa, nenyika irege kushanduka iite sango.' | 
| 20. | Zvino Josefa akatengera Farao nyika yose yeIjipiti, nokuti vaIjipiti vakatengesa mumwe nomumwe munda wake, nokuti nzara yakanga iri huru pamusoro pavo, nyika ikava yaFarao. | 
| 21. | Kana vari vanhu akavatamisa kumaguta, kubva kumuganhu mumwe weIjipiti kusvikira kuno mumwe muganhu wayo. | 
| 22. | Asi nyika yavapirisiti yoga haana kuitenga, nokuti vapirisiti vakanga vaganhurirwa mugove wavo naFarao; vaidya mugove wavo wavaipiwa naFarao. Naizvozvo havana kutengesa nyika yavo: | 
| 23. | Zvino Josefa akati kuvanhu, "Tarirai, ndakatengera Farao imwi nenyika yenyu nhasi, hedzi mbeu, mudyare panyika. | 
| 24. | Nenguva yokukohwa munofanira kupa Farao cheshanu, zvina zvichava zvenyu, zvive mbeu dzeminda, nezvokudya zvenyu, nezvavari mudzimba dzenyu, nezvokudya zvepwere dzenyu." | 
| 25. | Ivo vakati, "Ndimwi makatichengeta; ngatiwane hedu nyasha panashe wedu, tive varanda vaFarao." | 
| 26. | Josefa akatema mutemo panyika yeIjipiti, uripo nanhasi, kuti Farao apiwe cheshanu; asi nyika yavapirisiti yoga haina kuva yaFarao. | 
| 27. | Zvino vaIsiraeri vakagara panyika yeIjipiti, panyika yeGosheni, vakazviwanira fuma imomo, vakabereka vana, vakawanda kwazvo. | 
| 28. | Jakobho akagara panyika yeljipiti makore ane gumi namanomwe; naizvozvo mazuva aJakobho makore oupenyu hwake, akanga ari makore ane zana namakumi mana namanomwe. | 
| 29. | Zvino nguva yokufa kwaIsiraeri yakanga yaswedera, iye akadana mwanakomana wake Josefa, akati kwaari, "Kana ndawana nyasha kwauri, chiisa hako ruoko rwako pasi pechidya changu, undiitire ngoni nezvokwadi; rega hako kundiviga paIjipiti; | 
| 30. | asi kana ndavata namadzibaba angu, undibvise paIjipiti, unondiviga muhwiro hwavo." Iye akati, "Ndichaita sezvamataura. " | 
| 31. | Vakati, "Ndipikire;" iye akavapikira. Ipapo Isiraeri akakotamira pamusoro wouvato hwake. | 
| ← Genesis (47/50) → |