← Genesis (46/50) → |
1. | Zvino Isiraeri akabva nezvose zvaakanga anazvo, akasvika Bheerishebha, akabayira Mwari wababa vake Isaka zvibayiro. |
2. | Mwari akataura naIsiraeri nezviratidzo usiku, akati, "Jakobho ! Jakobho ! " Iye akati, "Ndiri pano hangu." |
3. | Akati, "Ndini Mwari, iye Mwari wababa vako; usatya hako kuburukira Ijipiti; nokuti ndichakuita rudzi rukuru ikoko; |
4. | ndichaburukira Ijipiti newe, ndigokudzosazve zvirokwazvo; Josefa uchaisa ruoko rwake pachiso chako." |
5. | Jakobho akasimuka, akabva Bheerishebha; vanakomana vaIsiraeri vakatakura Jakobho baba vavo, navana vavo vaduku, navakadzi vavo, nengoro dzakanga dzatumwa naFarao kuti dzivatakure. |
6. | Vakatora mombe dzavo nenhumbi dzavo dzavakanga vawana munyika yeKenani, vakasvika Ijipiti, Jakobho navanakomana vake vose pamwechete naye; |
7. | vanakomana vake, navana vavanakomana vake pamwechete naye, navakunda vake, navakunda vavanakomana vake, navose vorudzi rwake, vakaenda navo Ijipiti. |
8. | Ndiwo mazita avana vaIsiraeri vakasvika Ijipiti: Jakobho, navanakomana vake, vachiti: Rubheni, dangwe raJakobho. |
9. | Navanakomana vaRubheni: Hanoki, naParu, naHezironi, Karami. |
10. | Navanakomana vaSimioni: Jemueri, naJamini, naOhadhi, naJakini, naZohari, naShauri, waiva mwanakomana womukadzi weKenani. |
11. | Navanakomana vaRevhi: Gerishoni, naKohati, naMerari. |
12. | Navanakomana vaJudha: Eri, naOnani, naShera, naPerezi, naZera; asi Zera naOnani vakafira panyika yeKenani. Vanakomana vaPerezi vaiva Hezironi, naHamori. |
13. | Navanakomana vaIsakari: Tora, naPuwa, naJobho, naShimuroni. |
14. | Navanakomana vaZebhuroni: Seredhi, naEroni, naJareeri. |
15. | Ndivo vanakomana vaRea, vaakaberekera Jakobho paPadhanaramu, nomukunda wake Dhina; vanakomana vake navakunda vake vose vaiva vanhu vana makumi matatu navatatu. |
16. | Navanakomana vaGadhi: Zifioni, naHagi, naShumi, naEzibhoni, naEri, naArodhi, naAreri. |
17. | Navanakomana vaAsheri: Imuna, naIshivha, naIshivhi, naBheria, naSera, hanzvadzi yavo; navanakomana vaBhiriha vaiva Hebheri, naMakieri. |
18. | Ndivo vanakomana vaZiripa, Rabhani waakapa Rea, mukunda wake; akaberekera Jakobho vanhu ava vane gumi navatanhatu. |
19. | Vanakomana vaRakeri, mukadzi waJakobho, vaiva Josefa naBhenjamini. |
20. | Josefa akaberekerwa Manase naEfuremu panyika yeljipiti, ndivo vaakaberekerwa naAsenati, mukunda waPotifari, mupirisiti weOni. |
21. | Navanakomana vaBhenjamini: Bhera, naBhekeri, naAshibheri naGera, naNaamani, naEhi, naRoshi, naMupimi, naHupimi, naAdhi. |
22. | Ndivo vanakomana vaRakeri, vakaberekerwa Jakobho; vose vaiva vane gumi navana. |
23. | Navanakomana vaDhani: Hushimi. |
24. | Navanakomana vaNafutari: Jazeeri, naGuni, naJezeri, naShiremi. |
25. | Ndivo vanakomana vaBhiriha, Rabhani waakapa Rakeri, mukunda wake; ndivo vaakaberekera Jakobho; vose vaiva vanomwe. |
26. | Zvino vanhu vose vakauya naJakobho Ijipiti, vakanga vabuda pachiuno chake, vakadzi vavanakomana vaJakobho vasingaverengwi, vose vaiva vanhu vana makumi matanhatu navatanhatu. |
27. | Vanakomana vaJosefa vaakanga aberekerwa Ijipiti vaiva vanhu vaviri; vose veimba yaJakobho vakauya Ijipiti, vaiva vanhu vana makumi manomwe. |
28. | Akatuma Judha pamberi pake kuna Josefa kuti amuratidze nzira inoenda Gosheni. |
29. | Ipapo Josefa akagadzira ngoro yake, akakwira Gosheni, kundosangana naIsiraeri, baba vake; akazvizivisa kwavari, akawira pamutsipa wavo, akachema pamutsipa wavo nguva huru. |
30. | Isiraeri akati kuna Josefa, "Zvino ngandichifa hangu, nokuti ndaona chiso chako, kuti uchiri mupenyu." |
31. | Zvino Josefa akati kuvana vababa vake naveimba yababa vake, "Ini ndichakwira kundoudza Farao, ndichiti kwaari, `Vana vababa vangu, naveimba yababa vangu, vaigara kunyika yeKenani, vasvika kwandiri'; |
32. | varume ava vafudzi, nokuti vaipfuwa zvipfuwo; vauya namakwai avo, nemombe dzavo, nezvose zvavanazvo. |
33. | Zvino kana modanwa naFarao, akati, `Basa renyu nderei?' |
34. | Muti, `Varanda venyu vaiva vapfuwi vezvipfuwo kubva paucheche hwedu kusvikira zvino, isu namadzibaba edu;' kuti mugare munyika yeGosheni, nokuti vafudzi vose vanonyangadza vaIjipiti." |
← Genesis (46/50) → |