Genesis (46/50)  

1. Zvino Isiraeri akabva nezvose zvaakanga anazvo, akasvika Bheerishebha, akabayira Mwari wababa vake Isaka zvibayiro.
2. Mwari akataura naIsiraeri nezviratidzo usiku, akati, "Jakobho ! Jakobho ! " Iye akati, "Ndiri pano hangu."
3. Akati, "Ndini Mwari, iye Mwari wababa vako; usatya hako kuburukira Ijipiti; nokuti ndichakuita rudzi rukuru ikoko;
4. ndichaburukira Ijipiti newe, ndigokudzosazve zvirokwazvo; Josefa uchaisa ruoko rwake pachiso chako."
5. Jakobho akasimuka, akabva Bheeri­shebha; vanakomana vaIsiraeri vakata­kura Jakobho baba vavo, navana vavo vaduku, navakadzi vavo, nengoro dzaka­nga dzatumwa naFarao kuti dzivatakure.
6. Vakatora mombe dzavo nenhumbi dzavo dzavakanga vawana munyika yeKenani, vakasvika Ijipiti, Jakobho nava­nakomana vake vose pamwechete naye;
7. vanakomana vake, navana vavanako­mana vake pamwechete naye, navakunda vake, navakunda vavanakomana vake, navose vorudzi rwake, vakaenda navo Ijipiti.
8. Ndiwo mazita avana vaIsiraeri va­kasvika Ijipiti: Jakobho, navanakomana vake, vachiti: Rubheni, dangwe raJako­bho.
9. Navanakomana vaRubheni: Ha­noki, naParu, naHezironi, Karami.
10. Na­vanakomana vaSimioni: Jemueri, naJamini, naOhadhi, naJakini, naZohari, naShauri, waiva mwanakomana womu­kadzi weKenani.
11. Navanakomana vaRe­vhi: Gerishoni, naKohati, naMerari.
12. Navanakomana vaJudha: Eri, naOnani, naShera, naPerezi, naZera; asi Zera naOnani vakafira panyika yeKenani. Vanako­mana vaPerezi vaiva Hezironi, naHa­mori.
13. Navanakomana vaIsakari: Tora, naPuwa, naJobho, naShimuroni.
14. Nava­nakomana vaZebhuroni: Seredhi, naEroni, naJareeri.
15. Ndivo vanakomana vaRea, vaakaberekera Jakobho paPadhanaramu, nomukunda wake Dhina; vanakomana vake navakunda vake vose vaiva vanhu vana makumi matatu navatatu.
16. Navanakomana vaGadhi: Zifioni, naHagi, naShumi, naEzibhoni, naEri, naArodhi, naAreri.
17. Navanakomana vaAsheri: Imuna, naIshivha, naIshivhi, naBheria, naSera, hanzvadzi yavo; nava­nakomana vaBhiriha vaiva Hebheri, naMakieri.
18. Ndivo vanakomana vaZiripa, Rabhani waakapa Rea, mukunda wake; akaberekera Jakobho vanhu ava vane gumi navatanhatu.
19. Vanakomana vaRakeri, mukadzi waJakobho, vaiva Josefa naBhenjamini.
20. Josefa akaberekerwa Manase naEfu­remu panyika yeljipiti, ndivo vaakabere­kerwa naAsenati, mukunda waPotifari, mupirisiti weOni.
21. Navanakomana vaBhenjamini: Bhera, naBhekeri, naAshi­bheri naGera, naNaamani, naEhi, naRo­shi, naMupimi, naHupimi, naAdhi.
22. Ndivo vanakomana vaRakeri, vakaberekerwa Jakobho; vose vaiva vane gumi navana.
23. Navanakomana vaDhani: Hu­shimi.
24. Navanakomana vaNafutari: Ja­zeeri, naGuni, naJezeri, naShiremi.
25. Ndivo vanakomana vaBhiriha, Rabhani waakapa Rakeri, mukunda wake; ndivo vaakaberekera Jakobho; vose vaiva vano­mwe.
26. Zvino vanhu vose vakauya naJa­kobho Ijipiti, vakanga vabuda pachiuno chake, vakadzi vavanakomana vaJakobho vasingaverengwi, vose vaiva vanhu vana makumi matanhatu navatanhatu.
27. Vana­komana vaJosefa vaakanga aberekerwa Ijipiti vaiva vanhu vaviri; vose veimba yaJakobho vakauya Ijipiti, vaiva vanhu vana makumi manomwe.
28. Akatuma Judha pamberi pake kuna Josefa kuti amuratidze nzira inoe­nda Gosheni.
29. Ipapo Josefa akagadzira ngoro yake, akakwira Gosheni, kundosa­ngana naIsiraeri, baba vake; akazvizivisa kwavari, akawira pamutsipa wavo, aka­chema pamutsipa wavo nguva huru.
30. Isiraeri akati kuna Josefa, "Zvino nga­ndichifa hangu, nokuti ndaona chiso chako, kuti uchiri mupenyu."
31. Zvino Josefa akati kuvana vababa vake naveimba yababa vake, "Ini ndicha­kwira kundoudza Farao, ndichiti kwaari, `Vana vababa vangu, naveimba yababa vangu, vaigara kunyika yeKenani, va­svika kwandiri';
32. varume ava vafudzi, nokuti vaipfuwa zvipfuwo; vauya nama­kwai avo, nemombe dzavo, nezvose zva­vanazvo.
33. Zvino kana modanwa naFa­rao, akati, `Basa renyu nderei?'
34. Muti, `Varanda venyu vaiva vapfuwi vezvipfuwo kubva paucheche hwedu kusvikira zvino, isu namadzibaba edu;' kuti mugare munyika yeGosheni, nokuti vafudzi vose vanonyangadza vaIjipiti."

  Genesis (46/50)