| ← Genesis (45/50) → |
| 1. | Zvino Josefa haana kugona kuzvidzora pamberi pavose vakanga vamire naye, akadana, achiti, "Budisai vanhu vose vari pano neni." Zvino kwakanga kusina munhu akamira naye Josefa achizvizivisa kuvana vababa vake. |
| 2. | Akachema kwazvo, valjipiti naveimba yaFarao vakazvinzwawo. |
| 3. | Ipapo Josefa akati kuvana vababa vake, "Ndini Josefa! Baba vangu vachiri vapenyu Here?" Vana vababa vake vakasagona kumupindura, nokuti vakanga vachitya pamberi pake. |
| 4. | Josefa akati kuvana vababa vake, "Doswederai henyu kwandiri." Zvino vakaswedera. lye akati, "Ndini Josefa, mwana wababa venyu wamakatengesa ndikaiswa Ijipiti. |
| 5. | Zvino musazvidya moyo, kana kuzvitsamwira, zvamakanditengesera kuno; nokuti Mwari akandituma pamberi penyu, kuti ndichengete upenyu. |
| 6. | Nokuti zvino ava makore maviri enzara panyika ino; mamwe makore mashanu achiko, avasingazorimi nokukohwa nawo. |
| 7. | Mwari akandituma pamberi penyu kuti ndikuchengetei, muve navamwe vachasara panyika, ndikuraramisei kuti musunungurwe nokusunungurwa kukuru. |
| 8. | Zvino hamuzimi makandituma pano, asi Mwari; iye akandiita baba kuna Farao nashe weimba yake yose, nomubati wenyika yose yeljipiti. |
| 9. | Kurumidzai, mukwire kuna baba vangu, mundoti kwavari, `Zvanzi naJosefa, mwanakomana wenyu, Mwari akandiita ishe weljipiti rose; burukirai kwandiri musanonoka; |
| 10. | mugare panyika yeGosheni, mugova pedo neni, imwi, navanakomana venyu, navana vavana venyu, namakwai enyu, nemombe dzenyu, nezvose zvamunazvo; |
| 11. | ndichakuchengetaipo, nokuti mamwe makore mashanu enzara achiripo, kuti murege kuzova varombo, imwi, naveimba yenyu, nezvose zvamunazvo.' |
| 12. | Tarirai meso enyu anoona, nameso omunun’una wangu Bhenjamini kuti muromo wangu unotaura kwamuri. |
| 13. | Mundoudza baba vangu kukudzwa kwangu kwose paljipiti, nezvose zvamaona; mukurumidze kuburutsira baba vangu kuno." |
| 14. | Akawira pamutsipa waBhenjamini, munun’una wake, akachema, naiye Bhenjamini akachema pamutsipa wake. |
| 15. | Akatsvoda vakoma vake vose, akachema pamusoro pavo; shure kwaizvozvo vakoma vake vakataura naye. |
| 16. | Zvino mukurumbira wazvo wakanzwika mumba maFarao, zvichinzi, "Vana vababa vaJosefa vasvika!" Farao navaranda vake vakafara naizvozvo. |
| 17. | Farao akati kuna Josefa, "Iti kuvana vababa vako, `Itai chinhu ichi: Takudzai zvipfuwo zvenyu, mufambe, muende kunyika yeKenani; |
| 18. | mundotora baba venyu navedzimba dzenyu muuye kwandiri; ndichakupai zvinhu zvakaisvonaka zvenyika yeIjipiti, mudye zvakakora zvenyika.' |
| 19. | Zvino chiitai sezvamarairwa; torerai vana venyu vaduku navakadzi venyu ngoro panyika yeIjipiti, mundotora baba venyu, muuye. |
| 20. | Musafunga nhumbi dzenyu, nokuti zvakaisvonaka zvenyika yose yeIjipiti ndezvenyu." |
| 21. | Vanakomana vaIsiraeri vakaita saizvozvo. Josefa akavapa ngoro, sezvaakarairwa naFarao, akavapa mbuva yokufamba nayo. |
| 22. | Akapa vose, mumwe nomumwe nguvo dzakanaka; asi Bhenjamini akamupa mashekeri ana mazana matatu esirivha nenguvo dzakanaka shanu. |
| 23. | Nababa vake akavatumira mbongoro dzine gumi, dzakanga dzakatakura zvinhu zvakaisvonaka zveIjipiti, namakadzi embongoro ane gumi akanga akatakura zviyo, nechingwa, nezvokudya zvababa vake zvorwendo. |
| 24. | Zvino akatendera vana vababa vake kuenda, vakabva; akati kwavari, "Chenjerai, musatukana munzira." |
| 25. | Ipapo vakabva Ijipiti, vakakwira, vakandosvika kunyika yeKenani kuna Jakobho, baba vavo. |
| 26. | Vakavaudza, vakati, "Josefa achiri mupenyu; ndiye mubati wenyika yose yeIjipiti." Ipapo moyo wavo wakati rukutu, nokuti havana kutenda. |
| 27. | Vakavaudza mashoko ose aJosefa; zvino vakati vaona ngoro dzakanga dzatumwa naJosefa kuzovatakura, mweya waJakobho, baba vavo, ukaponazve; |
| 28. | Isiraeri akati, "Zvaringana! Josefa, mwanakomana wangu achiri mupenyu; ndichaenda ndimuone ndisati ndafa. " |
| ← Genesis (45/50) → |