Genesis (45/50)  

1. Zvino Josefa haana kugona ku­zvidzora pamberi pavose vakanga vamire naye, akadana, achiti, "Budisai vanhu vose vari pano neni." Zvino kwa­kanga kusina munhu akamira naye Josefa achizvizivisa kuvana vababa vake.
2. Aka­chema kwazvo, valjipiti naveimba yaFa­rao vakazvinzwawo.
3. Ipapo Josefa akati kuvana vababa vake, "Ndini Josefa! Baba vangu vachiri vapenyu Here?" Vana va­baba vake vakasagona kumupindura, no­kuti vakanga vachitya pamberi pake.
4. Josefa akati kuvana vababa vake, "Do­swederai henyu kwandiri." Zvino vaka­swedera. lye akati, "Ndini Josefa, mwana wababa venyu wamakatengesa ndikaiswa Ijipiti.
5. Zvino musazvidya moyo, kana kuzvitsamwira, zvamakanditengesera kuno; nokuti Mwari akandituma pamberi penyu, kuti ndichengete upenyu.
6. Nokuti zvino ava makore maviri enzara panyika ino; mamwe makore mashanu achiko, avasingazorimi nokukohwa nawo.
7. Mwari akandituma pamberi penyu kuti ndikuchengetei, muve navamwe vacha­sara panyika, ndikuraramisei kuti musu­nungurwe nokusunungurwa kukuru.
8. Zvino hamuzimi makandituma pano, asi Mwari; iye akandiita baba kuna Farao nashe weimba yake yose, nomubati we­nyika yose yeljipiti.
9. Kurumidzai, mu­kwire kuna baba vangu, mundoti kwavari, `Zvanzi naJosefa, mwanakomana wenyu, Mwari akandiita ishe weljipiti rose; buru­kirai kwandiri musanonoka;
10. mugare panyika yeGosheni, mugova pedo neni, imwi, navanakomana venyu, navana vavana venyu, namakwai enyu, nemombe dze­nyu, nezvose zvamunazvo;
11. ndichaku­chengetaipo, nokuti mamwe makore ma­shanu enzara achiripo, kuti murege kuzova varombo, imwi, naveimba yenyu, nezvose zvamunazvo.'
12. Tarirai meso enyu anoona, nameso omunun’una wangu Bhenjamini kuti muromo wangu unotaura kwamuri.
13. Mundoudza baba vangu ku­kudzwa kwangu kwose paljipiti, nezvose zvamaona; mukurumidze kuburutsira baba vangu kuno."
14. Akawira pamutsipa waBhenja­mini, munun’una wake, akachema, naiye Bhenjamini akachema pamutsipa wake.
15. Akatsvoda vakoma vake vose, aka­chema pamusoro pavo; shure kwaizvo­zvo vakoma vake vakataura naye.
16. Zvino mukurumbira wazvo waka­nzwika mumba maFarao, zvichinzi, "Vana vababa vaJosefa vasvika!" Farao navaranda vake vakafara naizvozvo.
17. Farao akati kuna Josefa, "Iti kuvana vababa vako, `Itai chinhu ichi: Takudzai zvipfuwo zvenyu, mufambe, muende ku­nyika yeKenani;
18. mundotora baba ve­nyu navedzimba dzenyu muuye kwa­ndiri; ndichakupai zvinhu zvakaisvonaka zvenyika yeIjipiti, mudye zvakakora zve­nyika.'
19. Zvino chiitai sezvamarairwa; torerai vana venyu vaduku navakadzi venyu ngoro panyika yeIjipiti, mundotora baba venyu, muuye.
20. Musafunga nhu­mbi dzenyu, nokuti zvakaisvonaka zve­nyika yose yeIjipiti ndezvenyu."
21. Vanakomana vaIsiraeri vakaita saizvozvo. Josefa akavapa ngoro, sezvaa­karairwa naFarao, akavapa mbuva yoku­famba nayo.
22. Akapa vose, mumwe no­mumwe nguvo dzakanaka; asi Bhenjamini akamupa mashekeri ana mazana matatu esirivha nenguvo dzakanaka shanu.
23. Nababa vake akavatumira mbo­ngoro dzine gumi, dzakanga dzakatakura zvinhu zvakaisvonaka zveIjipiti, namaka­dzi embongoro ane gumi akanga akata­kura zviyo, nechingwa, nezvokudya zva­baba vake zvorwendo.
24. Zvino akatendera vana vababa vake kuenda, vakabva; akati kwavari, "Chenjerai, mu­satukana munzira."
25. Ipapo vakabva Ijipiti, vakakwira, vakandosvika kunyika yeKenani kuna Jakobho, baba vavo.
26. Vakavaudza, va­kati, "Josefa achiri mupenyu; ndiye mu­bati wenyika yose yeIjipiti." Ipapo moyo wavo wakati rukutu, nokuti ha­vana kutenda.
27. Vakavaudza mashoko ose aJosefa; zvino vakati vaona ngoro dzakanga dza­tumwa naJosefa kuzovatakura, mweya waJakobho, baba vavo, ukaponazve;
28. Isiraeri akati, "Zvaringana! Josefa, mwanakomana wangu achiri mupenyu; ndichaenda ndimuone ndisati ndafa. "

  Genesis (45/50)