Genesis (44/50)  

1. Zvino akaraira mutariri weimba yake, achiti, "Zadza homwe dzavarume nezvokudya, sezvavanogona ku­takura, uisewo mari yomumwe nomu­mwe pamuromo wehomwe yake.
2. No­mukombe wangu, mukombe wesirivha, uuise pamuromo wehomwe yomuduku, pamwechete nemari yezviyo zvake." Iye akaita sezvaakaudzwa naJosefa.
3. Zvino fume mangwana kwoedza varume vaka­tenderwa kuenda, ivo nembongoro dzavo.
4. Vakati vabuda muguta, vasati vaenda kure, Josefa akaudza mutariri wake, akati, "Simuka, tevera varume; kana wavabata, uti kwavari, `Matsindiki­reiko zvamaitirwa zvakanaka?'
5. Ko ha­chizi chinhu chinonwira ishe wangu, chaanoshopera nacho here? Chinhu ichi chamaita chakaipa. "
6. Akandovabata, akataura mashoko iwayo kwavari.
7. Vakati kwaari, "Ko ishe wedu anotaurirei mashoko akadai? Haisva, varanda venyu havangaiti chinhu chakadai.
8. Tarirai, mari yatakawana pa­miromo yehomwe dzedu takadzoka nayo kwamuri tichibva kunyika yeKe­nani; taigoba seiko sirivha kana ndarama mumba mashe wenyu?
9. Ani naani wa­varanda venyu anowanikwa anawo, ngaafe; nesu tichava vasungwa vashe wedu. "
10. Iye akati, "Ndizvo hazvo, nga­zvive sezvamataura; iye anowanikwa aine mukombe, ndiye achava musungwa wangu; imwi vamwe hamungavi nemho­sva."
11. Ipapo vakakurumidza mumwe nomumwe kuburutsira homwe yake pasi, mumwe nomumwe akasunungura homwe yake.
12. Iye akatsvaka, akatanga kumu­kuru, akaguma kumuduku; mukombe ukawanikwa muhomwe yaBhenjamini.
13. Ipapo vakabvarura nguvo dzavo, mu­mwe nomumwe akatakudza mbongoro yake, akadzokera kuguta.
14. Judha navana vababa vake vaka­dzokera kuimba yaJosefa, iye achirimo, vakawira pasi pamberi pake.
15. Zvino Josefa akati kwavari, "Chinyiko ichi chamaita? Hamuzivi kuti munhu akaita seni anogona kushopera here?"
16. Judha akati, "Ko tingadiniko kuna ishe wangu? Tingataureiko? Tingazvipe­mbedza sei? Mwari akawana kutadza kwavaranda venyu; tarirai tiri vasungwa vashe wedu, isu naiye akawanikwa aine mukombe."
17. Iye akati, "Haisva, handingaiti sai­zvozvo; munhu uyo akawanikwa ano mukombe muruoko, ndiye achava musu­ngwa wangu; kana muri imwi, endai henyu norugare kuna baba venyu."
18. Ipapo Judha akaswedera kwaari, akati, "Haiwa, ishe wangu, dotenderai henyu muranda wenyu kutaura shoko munzeve dzashe wangu, kutsamwa kwe­nyu kurege kumukira muranda wenyu, nokuti imwi makaenzana naFarao.
19. Ishe wangu akabvunza varanda vake, achiti, `Muna baba here, kana munun’una?'
20. Isu tikati kuna ishe wedu, `Tina baba vava­mutana, vanomwana woutana hwavo, achiri muduku hake; mukoma wake akafa, iye akasara ari oga, mwana wamai vake, baba vake vanomuda.'
21. imwi mu­kati kuvaranda venyu, `Burukai naye kwandiri, ndimuone nameso angu.'
22. Isu tikati kuna ishe wedu, `Mukomana haa­ngasiyi baba vake, nokuti kana akasiya baba vake, baba vake vangafa.'
23. Zvino makati kuvaranda venyu, `Kana munu­n’una wenyu worugotwe asingaburuki nemi, hamungaonizve chiso changu.'
24. Zvino takati takwira kumuranda we­nyu, baba vedu, tikavaudza mashoko ashe wedu.
25. Baba vedu vakati, `Endai­zve, mutitengere zvokudya zvishoma­nana.'
26. Isu tikati, `Hatingaburuki, kana munun’una wedu asingaburuki nesu; nokuti hatingaoni chiso chomurume uya, kana munun’una wedu asinesu.'
27. Muranda wenyu, baba vedu, vakati kwatiri, `Mu­noziva kuti mukadzi wangu akandibere­kera vanakomana vaviri;
28. mumwe aka­bva kwandiri,' ndikati, `Zvirokwazvo akabvamburwa; kubva musi iwoyo ha­ndina kuzomuonazve;
29. kana mukandi­torera nouyuwo, akawirwa nenjodzi, mu­chaburutsira vhudzi rangu jena kuhwiro nokuchema.'
30. Naizvozvo, kana zvino ndikandosvika kumuranda wenyu, baba vangu, tisinaiye mukomana, mweya wavo zvawakabatanidzwa nomweya wo­mukomana,
31. vachati kana vachiona kuti mukomana asinesu, vachafa; naizvozvo varanda venyu vachaburutsira vhudzi jena romuranda wenyu, baba vedu, ku­hwiro nokuchema.
32. Nokuti muranda wenyu akazviita rubatso rwomukomana kuna baba vangu, ndikati, `Kana ndikasauya naye kwamuri,ini ndichava ne­mhosva kuna baba vangu nokusinga­peri.'
33. Naizvozvo zvino ndinokumbira kuti muranda wenyu agare hake ari musungwa washe wangu pachigaro chomukomana, asi mukomana akwire hake navana vababa vake.
34. Nokuti ndinga­kwira seiko kuna baba vangu, ndisina mukomana? Ndirege hangu kuona njodzi ichawira baba vangu."

  Genesis (44/50)