| ← Genesis (44/50) → |
| 1. | Zvino akaraira mutariri weimba yake, achiti, "Zadza homwe dzavarume nezvokudya, sezvavanogona kutakura, uisewo mari yomumwe nomumwe pamuromo wehomwe yake. |
| 2. | Nomukombe wangu, mukombe wesirivha, uuise pamuromo wehomwe yomuduku, pamwechete nemari yezviyo zvake." Iye akaita sezvaakaudzwa naJosefa. |
| 3. | Zvino fume mangwana kwoedza varume vakatenderwa kuenda, ivo nembongoro dzavo. |
| 4. | Vakati vabuda muguta, vasati vaenda kure, Josefa akaudza mutariri wake, akati, "Simuka, tevera varume; kana wavabata, uti kwavari, `Matsindikireiko zvamaitirwa zvakanaka?' |
| 5. | Ko hachizi chinhu chinonwira ishe wangu, chaanoshopera nacho here? Chinhu ichi chamaita chakaipa. " |
| 6. | Akandovabata, akataura mashoko iwayo kwavari. |
| 7. | Vakati kwaari, "Ko ishe wedu anotaurirei mashoko akadai? Haisva, varanda venyu havangaiti chinhu chakadai. |
| 8. | Tarirai, mari yatakawana pamiromo yehomwe dzedu takadzoka nayo kwamuri tichibva kunyika yeKenani; taigoba seiko sirivha kana ndarama mumba mashe wenyu? |
| 9. | Ani naani wavaranda venyu anowanikwa anawo, ngaafe; nesu tichava vasungwa vashe wedu. " |
| 10. | Iye akati, "Ndizvo hazvo, ngazvive sezvamataura; iye anowanikwa aine mukombe, ndiye achava musungwa wangu; imwi vamwe hamungavi nemhosva." |
| 11. | Ipapo vakakurumidza mumwe nomumwe kuburutsira homwe yake pasi, mumwe nomumwe akasunungura homwe yake. |
| 12. | Iye akatsvaka, akatanga kumukuru, akaguma kumuduku; mukombe ukawanikwa muhomwe yaBhenjamini. |
| 13. | Ipapo vakabvarura nguvo dzavo, mumwe nomumwe akatakudza mbongoro yake, akadzokera kuguta. |
| 14. | Judha navana vababa vake vakadzokera kuimba yaJosefa, iye achirimo, vakawira pasi pamberi pake. |
| 15. | Zvino Josefa akati kwavari, "Chinyiko ichi chamaita? Hamuzivi kuti munhu akaita seni anogona kushopera here?" |
| 16. | Judha akati, "Ko tingadiniko kuna ishe wangu? Tingataureiko? Tingazvipembedza sei? Mwari akawana kutadza kwavaranda venyu; tarirai tiri vasungwa vashe wedu, isu naiye akawanikwa aine mukombe." |
| 17. | Iye akati, "Haisva, handingaiti saizvozvo; munhu uyo akawanikwa ano mukombe muruoko, ndiye achava musungwa wangu; kana muri imwi, endai henyu norugare kuna baba venyu." |
| 18. | Ipapo Judha akaswedera kwaari, akati, "Haiwa, ishe wangu, dotenderai henyu muranda wenyu kutaura shoko munzeve dzashe wangu, kutsamwa kwenyu kurege kumukira muranda wenyu, nokuti imwi makaenzana naFarao. |
| 19. | Ishe wangu akabvunza varanda vake, achiti, `Muna baba here, kana munun’una?' |
| 20. | Isu tikati kuna ishe wedu, `Tina baba vavamutana, vanomwana woutana hwavo, achiri muduku hake; mukoma wake akafa, iye akasara ari oga, mwana wamai vake, baba vake vanomuda.' |
| 21. | imwi mukati kuvaranda venyu, `Burukai naye kwandiri, ndimuone nameso angu.' |
| 22. | Isu tikati kuna ishe wedu, `Mukomana haangasiyi baba vake, nokuti kana akasiya baba vake, baba vake vangafa.' |
| 23. | Zvino makati kuvaranda venyu, `Kana munun’una wenyu worugotwe asingaburuki nemi, hamungaonizve chiso changu.' |
| 24. | Zvino takati takwira kumuranda wenyu, baba vedu, tikavaudza mashoko ashe wedu. |
| 25. | Baba vedu vakati, `Endaizve, mutitengere zvokudya zvishomanana.' |
| 26. | Isu tikati, `Hatingaburuki, kana munun’una wedu asingaburuki nesu; nokuti hatingaoni chiso chomurume uya, kana munun’una wedu asinesu.' |
| 27. | Muranda wenyu, baba vedu, vakati kwatiri, `Munoziva kuti mukadzi wangu akandiberekera vanakomana vaviri; |
| 28. | mumwe akabva kwandiri,' ndikati, `Zvirokwazvo akabvamburwa; kubva musi iwoyo handina kuzomuonazve; |
| 29. | kana mukanditorera nouyuwo, akawirwa nenjodzi, muchaburutsira vhudzi rangu jena kuhwiro nokuchema.' |
| 30. | Naizvozvo, kana zvino ndikandosvika kumuranda wenyu, baba vangu, tisinaiye mukomana, mweya wavo zvawakabatanidzwa nomweya womukomana, |
| 31. | vachati kana vachiona kuti mukomana asinesu, vachafa; naizvozvo varanda venyu vachaburutsira vhudzi jena romuranda wenyu, baba vedu, kuhwiro nokuchema. |
| 32. | Nokuti muranda wenyu akazviita rubatso rwomukomana kuna baba vangu, ndikati, `Kana ndikasauya naye kwamuri,ini ndichava nemhosva kuna baba vangu nokusingaperi.' |
| 33. | Naizvozvo zvino ndinokumbira kuti muranda wenyu agare hake ari musungwa washe wangu pachigaro chomukomana, asi mukomana akwire hake navana vababa vake. |
| 34. | Nokuti ndingakwira seiko kuna baba vangu, ndisina mukomana? Ndirege hangu kuona njodzi ichawira baba vangu." |
| ← Genesis (44/50) → |