← Genesis (43/50) → |
1. | Zvino nzara yakanga iri huru munyika iyoyo. |
2. | Zvino vakati vapedza zviyo, zvavakanga vabva nazvo Ijipiti, baba vavo vakati kwavari, "Dzokai, endaizve mutitengere zvokudya zvishoma." |
3. | Judha akataura navo, akati, "Murume uya akatinyevera kwazvo, akati, `Hamungatongooni chiso changu, kana munun’una wenyu asati anemi.' |
4. | Kana mukatuma munun’una wedu nesu, tichaburuka, kundotenga zvokudya; |
5. | asi kana musingamutumi, hatingaburuki; nokuti murume uya akati kwatiri, `Hamungaoni chiso changu, kana munun’una wenyu asati anemi.' " |
6. | Isiraeri akati, "Makandiitireiko zvakaipa zvakadai, zvamakaudza murume uya kuti munomunun’una?" |
7. | Ivo vakati, "Murume uya akatibvunzisisa pamusoro pedu, napamusoro pehama dzedu, akati, `Baba venyu vapenyu here? Mune munun’una here?' " Tikamupindura namashoko aya; taigoziva here kuti achati, "Burukai nomunun’una wenyu?" |
8. | Zvino Judha akati kuna Isiraeri, baba vake, "Tumai henyu mukomana neni, tisimuke, tiende, tirarame, tirege kufa, isu nemi, navana vedu. |
9. | Ini ndichava rubatso rwake; mungamureva paruoko rwangu; kana ndikasauya naye, ndikamuisa pamberi penyu, ini ndichava nemhosva kwamuri nokusingaperi. |
10. | Nokuti dai tisina kunonoka, zvirokwazvo, tingadai tadzoka zvino rwechipiri." |
11. | Ipapo Isiraeri, baba vavo, akati kwavari, "Kana zvakadaro, itai chinhu ichi; torai michero yakanaka yenyika mumidziyo yenyu, muburuke nechipo kumunhu uyo, chebhasami shomanana, nouchi ushomanana, nezvinonhuwira, nemura, nemichero yomuti wepisitakio, namaamanda; |
12. | mutore mari yakapamhidzwa kaviri mumaoko enyu, neiya mari yakanga yadzoserwa mumiromo yehomwe dzenyu, muende makaibata mumaoko enyu; zvimwe vakakanganisa. |
13. | Nomunun’una wenyu mumutorei, musimuke, mudzokere kumurume uyo; |
14. | Mwari waMasimbaose ngaakupei nyasha pamberi pomurume uyo, akusunungurirei mumwe munun’una wenyu naBhenjaminiwo. Kana ndatorerwa vana vangu, ndatorerwa hangu." |
15. | Zvino varume vakatora chipo ichocho, vakabata mumaoko avo mari yakapamhidzwa kaviri, naBhenjamini, vakasimuka, vakaburukira Ijipiti, vakandomira pamberi paJosefa. |
16. | Zvino Josefa akati achiona Bhenjamini anavo, akati kumutariri weimba yake, "Uya navarume mumba, ubaye, ugadzire; nokuti varume ava vachadya neni masikati." |
17. | Murume uyo akaita sezvaakaudzwa naJosefa; murume uyo akaisa varume avo mumba maJosefa. |
18. | Varume vakatya, zvavakaiswa mumba maJosefa, vakati, "Tinoiswamo nokuda kwemari yakadzoserwa muhomwe dzedu panguva yokutanga, kuti atsvake mhosva kwatiri, atibate, nokutiita varanda vake, achitorawo mbongoro dzedu." |
19. | Ipapo vakaswedera kumutariri weimba yaJosefa, vakataura naye pamusuo weimba; |
20. | vakati, "Haiwa, ishe wedu, zvirokwazvo panguva yokutanga takaburuka kuzotenga zvokudya; |
21. | tikati tichisvika patakavata usiku, tikasunungura homwe dzedu, onei mari yomumwe nomumwe iri mumuromo wehomwe yake, mari yedu yose sezvayakayerwa; zvino tadzoka nayo pamaoko edu. |
22. | Zvino taburuka tiine imwe marizve mumaoko edu kuti titenge zvokudya nayo; hatizivi kuti mari yedu yakaiswa muhomwe dzedu nani?" |
23. | Iye akati, "Farai henyu, musatya; Mwari wenyu, Mwari wababa venyu, akakupai fuma muhomwe dzenyu; mari yenyu yakasvika kwandiri." Akavabudisira Simioni. |
24. | Murume uyo akaisa varume avo muimba yaJosefa, akavapa mvura, vakashambidza tsoka dzavo, akapawo mbongoro dzavo zvokudya. |
25. | Vakagadzira chipo kusvikira kuuya kwaJosefa masikati, nokuti vakanga vanzwa kuti vachadya zvokudya ipapo. |
26. | Josefa akati asvika kumba, vakapinda mumba nechipo chakanga chiri mumaoko avo, vakakotamira pasi pamberi pake. |
27. | Iye akavabvunza mufaro wavo, akati, "Baba venyu vakafara here, uya mutana wamaireva? Vachiri vapenyu here?" |
28. | Ivo vakati, "Muranda wenyu, baba vedu, vakafara havo, vachiri vapenyu." Vakakotama, vakanamata. |
29. | Iye akasimudza meso ake, akaona Bhenjamini, munun’una wake, mwanakomana wamai vake, akati, "Ndiye here munun’una wenyu muduku worugotwe, wamakandiudza?" Akati, "Mwari ngaave nenyasha newe, mwana wangu." |
30. | Zvino Josefa akakurumidza, nokuti moyo wake wakachema munun’una wake, akatsvaka paangachema; akapinda muimba yake yomukati, akachemapo. |
31. | Akazoshambidza chiso chake, akabudazve, akazvidzora akati, "Pakurai zvokudya." |
32. | Vakamupakurira iye oga, naivo voga, navaIjipiti havana kutenderwa kudya navaHebheru, nokuti zvinonyangadza kuna vaIjipiti. |
33. | Vakagara pamberi pake, wedangwe paudangwe hwake, nomuduku kuna vose pauduku hwake; varume vakatarirana, vakashamiswa. |
34. | Akavagovera zvokudya zvakanga zviri pamberi pake, asi mugove waBhenjamini wakaenzana nowavashanu vavo. Vakanwa, vakafara naye. |
← Genesis (43/50) → |