Genesis (43/50)  

1. Zvino nzara yakanga iri huru munyika iyoyo.
2. Zvino vakati vapedza zviyo, zvavakanga vabva nazvo Ijipiti, baba vavo vakati kwavari, "Dzo­kai, endaizve mutitengere zvokudya zvi­shoma."
3. Judha akataura navo, akati, "Mu­rume uya akatinyevera kwazvo, akati, `Hamungatongooni chiso changu, kana munun’una wenyu asati anemi.'
4. Kana mukatuma munun’una wedu nesu, tichabu­ruka, kundotenga zvokudya;
5. asi kana musingamutumi, hatingaburuki; nokuti murume uya akati kwatiri, `Hamungaoni chiso changu, kana munun’una wenyu asati anemi.' "
6. Isiraeri akati, "Makandiitireiko zvakaipa zvakadai, zvamakaudza mu­rume uya kuti munomunun’una?"
7. Ivo vakati, "Murume uya akatibvunzisisa pamusoro pedu, napamusoro pehama dzedu, akati, `Baba venyu vapenyu here? Mune munun’una here?' " Tikamu­pindura namashoko aya; taigoziva here kuti achati, "Burukai nomunun’una we­nyu?"
8. Zvino Judha akati kuna Isiraeri, baba vake, "Tumai henyu mukomana neni, tisimuke, tiende, tirarame, tirege kufa, isu nemi, navana vedu.
9. Ini ndi­chava rubatso rwake; mungamureva pa­ruoko rwangu; kana ndikasauya naye, ndikamuisa pamberi penyu, ini ndichava nemhosva kwamuri nokusingaperi.
10. No­kuti dai tisina kunonoka, zvirokwazvo, tingadai tadzoka zvino rwechipiri."
11. Ipapo Isiraeri, baba vavo, akati kwavari, "Kana zvakadaro, itai chinhu ichi; torai michero yakanaka yenyika mu­midziyo yenyu, muburuke nechipo kumu­nhu uyo, chebhasami shomanana, nouchi ushomanana, nezvinonhuwira, nemura, nemichero yomuti wepisitakio, namaama­nda;
12. mutore mari yakapamhidzwa kaviri mumaoko enyu, neiya mari yakanga ya­dzoserwa mumiromo yehomwe dzenyu, muende makaibata mumaoko enyu; zvi­mwe vakakanganisa.
13. Nomunun’una wenyu mumutorei, musimuke, mudzokere kumu­rume uyo;
14. Mwari waMasimbaose ngaa­kupei nyasha pamberi pomurume uyo, akusunungurirei mumwe munun’una wenyu naBhenjaminiwo. Kana ndatorerwa vana vangu, ndatorerwa hangu."
15. Zvino varume vakatora chipo ichocho, vakabata mumaoko avo mari yakapamhidzwa kaviri, naBhenjamini, vakasimuka, vakaburukira Ijipiti, vaka­ndomira pamberi paJosefa.
16. Zvino Jo­sefa akati achiona Bhenjamini anavo, akati kumutariri weimba yake, "Uya navarume mumba, ubaye, ugadzire; no­kuti varume ava vachadya neni masi­kati."
17. Murume uyo akaita sezvaakau­dzwa naJosefa; murume uyo akaisa varume avo mumba maJosefa.
18. Varume vakatya, zvavakaiswa mu­mba maJosefa, vakati, "Tinoiswamo no­kuda kwemari yakadzoserwa muhomwe dzedu panguva yokutanga, kuti atsvake mhosva kwatiri, atibate, nokutiita va­randa vake, achitorawo mbongoro dzedu."
19. Ipapo vakaswedera kumutariri weimba yaJosefa, vakataura naye pamu­suo weimba;
20. vakati, "Haiwa, ishe wedu, zvirokwazvo panguva yokutanga takaburuka kuzotenga zvokudya;
21. tikati tichisvika patakavata usiku, tikasunu­ngura homwe dzedu, onei mari yomu­mwe nomumwe iri mumuromo weho­mwe yake, mari yedu yose sezvayakayerwa; zvino tadzoka nayo pa­maoko edu.
22. Zvino taburuka tiine imwe marizve mumaoko edu kuti titenge zvo­kudya nayo; hatizivi kuti mari yedu yakaiswa muhomwe dzedu nani?"
23. Iye akati, "Farai henyu, musatya; Mwari wenyu, Mwari wababa venyu, akakupai fuma muhomwe dzenyu; mari yenyu yakasvika kwandiri." Akavabudi­sira Simioni.
24. Murume uyo akaisa varume avo muimba yaJosefa, akavapa mvura, vaka­shambidza tsoka dzavo, akapawo mbo­ngoro dzavo zvokudya.
25. Vakagadzira chipo kusvikira kuuya kwaJosefa masi­kati, nokuti vakanga vanzwa kuti vacha­dya zvokudya ipapo.
26. Josefa akati asvika kumba, vakapinda mumba ne­chipo chakanga chiri mumaoko avo, vakakotamira pasi pamberi pake.
27. Iye akavabvunza mufaro wavo, akati, "Baba venyu vakafara here, uya mutana wamai­reva? Vachiri vapenyu here?"
28. Ivo vakati, "Muranda wenyu, baba vedu, vakafara havo, vachiri vapenyu." Vakakotama, vakanamata.
29. Iye akasimudza meso ake, akaona Bhenjamini, munun’una wake, mwanako­mana wamai vake, akati, "Ndiye here munun’una wenyu muduku worugotwe, wamakandiudza?" Akati, "Mwari ngaave nenyasha newe, mwana wangu."
30. Zvino Josefa akakurumidza, nokuti moyo wake wakachema munun’una wake, akatsvaka paangachema; akapinda muimba yake yomukati, akachemapo.
31. Akazoshambidza chiso chake, akabu­dazve, akazvidzora akati, "Pakurai zvo­kudya."
32. Vakamupakurira iye oga, naivo voga, navaIjipiti havana kutende­rwa kudya navaHebheru, nokuti zvino­nyangadza kuna vaIjipiti.
33. Vakagara pamberi pake, wedangwe paudangwe hwake, nomuduku kuna vose pauduku hwake; varume vakatarirana, vakashami­swa.
34. Akavagovera zvokudya zvakanga zviri pamberi pake, asi mugove waBhe­njamini wakaenzana nowavashanu vavo. Vakanwa, vakafara naye.

  Genesis (43/50)