← Genesis (42/50) → |
1. | Zvino Jakobho akaona kuti zviyo zvaiveko kuIjipiti, Jakobho akati kuvanakomana vake, "Munotarirana neiko?" |
2. | Akati, "Ndanzwa kuti zviyo zviriko kuIjipiti; burukiraiko, mundotitengerako, tipone, tirege kufa." |
3. | Ipapo vakoma vaJosefa vane gumi vakaburuka kundotenga zviyo Ijipiti. |
4. | Asi Bhenjamini, munun’una waJosefa, Jakobho haana kumutuma navakoma vake; nokuti akati, "Zvimwe angawirwa nenjodzi." |
5. | Zvino vanakomana vaIsiraeri vakauya kuzotenga pakati pavamwe vaiuya, nokuti nzara yakanga iripo panyika yeKenani. |
6. | Zvino Josefa akanga ari mubati wenyika; ndiye aitengesera vanhu vose venyika; vakoma vaJosefa vakauya, vakamupfugamira, zviso zvavo zvakatarira pasi. |
7. | Josefa akaona vakoma vake, akavaziva, asi akaita saasingavazivi, akataura nehasha navo, akati kwavari, "Mabvepiko?" Ivo vakati, "Tabva kunyika yeKenani kuzotenga zvokudya." |
8. | Josefa akaziva vakoma vake, asi ivo havana kumuziva. |
9. | Ipapo Josefa akarangarira kurota kwake kwaakadeya kurota pamusoro pavo, akati kwavari, "Muri vashori, mauya kuzoona kuti nyika yakashama papi." |
10. | Ivo vakati kwaari, "Kwete, ishe wedu, asi varanda venyu vauya kuzotenga zvokudya. |
11. | Tiri vanakomana vomunhu mumwe chete tose; tiri vanhu vakatendeka, varanda venyu havazi vashori"; |
12. | iye akati kwavari, "Kwete, mauya kuzoona nyika kuti yakashama papi." |
13. | Ivo vakati, "Isu varanda venyu, tiri vanakomana vane gumi navaviri vomunhu mumwe chete panyika yeKenani; zvino worugotwe ari kuna baba vedu nhasi; mumwe haachisipo." |
14. | Josefa akati kwavari, "Ndizvo zvandanga ndichitaura kwamuri, ndichiti muri vashori; |
15. | hechi chinhu chamuchaedzwa nacho. Noupenyu hwaFarao, hamungabudi pano kana munun’una wenyu worugotwe asina kuuya pano. |
16. | Tumai mumwe wenyu kuti andotora munun’una wenyu, asi imwi muchafanira kugara makasungwa, kuti mashoko enyu aedzwe, kana makatendeka; kana zvisina kudaro, zvirokwazvo, noupenyu hwaFarao muri vashori." |
17. | Ipapo akavaisa pamwechete vose mutorongo, kuti vachengetwe mazuva matatu. |
18. | Josefa akati kwavari nezuva retatu, "Itai chinhu ichi, mupone; ini ndinotya Mwari; |
19. | kana muri vanhu vakatendeka, mumwe wavanun’una venyu ngaagare akasungwa mutorongo yenyu; asi imwi endai makatakura zviyo kundopa mhuri dzenyu dzine nzara. |
20. | Mugouya nomunun’una wenyu worugotwe kwandiri; naizvozvo mashoko enyu achasimbiswa, murege kufa." Vakaita saizvozvo. |
21. | Vakataurirana vachiti, "Zvirokwazvo tine mhosva nokuda kwomunun’una wedu, nokuti takaona kutambudzika kwomweya wake musi uya waakatinyengetera, tikaramba kumuteerera; naizvozvo tawirwa nokutainbudzika." |
22. | Ipapo Rubheni akapindura, akati, "Handina kukuudzai here, ndichiti, `Regai kutadzira mwana,' mukaramba kunditeerera? Naizvozvo tarirai, ropa rake rotsvakwa." |
23. | Zvino vakanga vasingazivi kuti Josefa anonzwisisa, nokuti kwanga kuine mupinduri pakati pavo. |
24. | Ipapo Josefa akabva kwavari, akachema; akadzokerazve kwavari, akataura navo, akatora Simioni pakati pavo, akamusunga vachizviona. |
25. | Josefa akaraira kuti midziyo yavo izadzwe nezviyo, uye kuti mumwe nomumwe adzoserwe mari yake muhomwe yake, uye kuti vapiwewo mbuva yokufamba nayo; vakaitirwa saizvozvo. |
26. | Ipapo vakatakudza mbongoro dzavo zviyo zvavo, vakaenda. |
27. | Zvino mumwe wavo akati achisunungura homwe yake, kuti ape mbongoro yake zvokudya pavakavata usiku, akawana mari yake; heyo yakanga iri mumuromo wehomwe yake. |
28. | Akati kuhama dzake, "Mari yangu yadzoswa; heyi iri muhomwe yangu; ipapo vakaora moyo, vakatarirana, vachibvunda, vakati, `Chinyiko ichi chataitirwa naMwari?' " |
29. | Vakasvika kuna baba vavo panyika yeKenani, vakavaudza zvose zvakanga zvavawira; |
30. | vakati, "Murume uya, ishe wenyika iyoyo, akataura nesu nehasha, akati, tiri vashori venyika. |
31. | Tikati kwaari, `Tiri vanhu vakatendeka, hatizi vashori; |
32. | tiri vanakomana vane gumi navaviri vomunhu mumwe chete, vanakomana vababa vedu; mumwe haachipo, worugotwe ari kuna baba vedu nhasi panyika yeKenani.' " |
33. | Zvino murume uya, ishe wenyika, akati kwatiri, "Hechi chinhu chandichaziva nacho kuti muri vakatendeka, `Siyai mumwe wenyu kwandiri, mutore zviyo, mundopa mhuri dzenyu dzine nzara, muende.' |
34. | Mugouyazve kwandiri nomunun’una wenyu worugotwe; ipapo ndichaziva kuti hamuzi vashori, asi kuti muri vanhu vakatendeka; ipapo ndichakupai munun’una wenyu, mugotenga panyika ino." |
35. | Zvino vakati vachidurura homwe dzavo, tarira chiputu chemari yomumwe nomumwe chakanga chiri muhomwe yake; vakati vachiona zviputu zvemari yavo, vakatya ivo nababa vavo. |
36. | Zvino Jakobho akati kwavari, "Manditorera vana; Josefa haachipo, naSimioni haachipo, zvino moda kutora naBhenjaminiwo; zvinhu zvose izvi zvandiwira." |
37. | Ipapo Rubheni akataura nababa vake, akati, "Mungauraya henyu vanakomana vangu vaviri, kana ndisingadzoki naye kwamuri; chimuisai henyu mumaoko angu, ini ndichauya nayezve kwamuri." |
38. | Vakati, "Mwanakomana wangu haangaburuki nemi, nokuti mukoma wake wakafa, iye asiyiwa ari oga; kana akawirwa nenjodzi parwendo rwamunofamba, muchaburutsira vhudzi rangu jena kuhwiro nokuchema." |
← Genesis (42/50) → |