Genesis (42/50)  

1. Zvino Jakobho akaona kuti zviyo zvaiveko kuIjipiti, Jakobho akati kuvanakomana vake, "Munotari­rana neiko?"
2. Akati, "Ndanzwa kuti zviyo zviriko kuIjipiti; burukiraiko, mu­ndotitengerako, tipone, tirege kufa."
3. Ipapo vakoma vaJosefa vane gumi va­kaburuka kundotenga zviyo Ijipiti.
4. Asi Bhenjamini, munun’una waJosefa, Jakobho haana kumutuma navakoma vake; nokuti akati, "Zvimwe angawirwa nenjodzi."
5. Zvino vanakomana vaIsiraeri vakauya kuzotenga pakati pavamwe vaiuya, no­kuti nzara yakanga iripo panyika yeKe­nani.
6. Zvino Josefa akanga ari mubati wenyika; ndiye aitengesera vanhu vose venyika; vakoma vaJosefa vakauya, va­kamupfugamira, zviso zvavo zvakatarira pasi.
7. Josefa akaona vakoma vake, aka­vaziva, asi akaita saasingavazivi, aka­taura nehasha navo, akati kwavari, "Ma­bvepiko?" Ivo vakati, "Tabva kunyika yeKenani kuzotenga zvokudya."
8. Josefa akaziva vakoma vake, asi ivo havana kumuziva.
9. Ipapo Josefa akara­ngarira kurota kwake kwaakadeya kurota pamusoro pavo, akati kwavari, "Muri vashori, mauya kuzoona kuti nyika yaka­shama papi."
10. Ivo vakati kwaari, "Kwete, ishe wedu, asi varanda venyu vauya kuzote­nga zvokudya.
11. Tiri vanakomana vomu­nhu mumwe chete tose; tiri vanhu vaka­tendeka, varanda venyu havazi vashori";
12. iye akati kwavari, "Kwete, mauya ku­zoona nyika kuti yakashama papi."
13. Ivo vakati, "Isu varanda venyu, tiri vanakomana vane gumi navaviri vomu­nhu mumwe chete panyika yeKenani; zvino worugotwe ari kuna baba vedu nhasi; mumwe haachisipo."
14. Josefa akati kwavari, "Ndizvo zva­ndanga ndichitaura kwamuri, ndichiti muri vashori;
15. hechi chinhu chamuchae­dzwa nacho. Noupenyu hwaFarao, hamu­ngabudi pano kana munun’una wenyu wo­rugotwe asina kuuya pano.
16. Tumai mumwe wenyu kuti andotora munun’una wenyu, asi imwi muchafanira kugara ma­kasungwa, kuti mashoko enyu aedzwe, kana makatendeka; kana zvisina kudaro, zvirokwazvo, noupenyu hwaFarao muri vashori."
17. Ipapo akavaisa pamwechete vose mutorongo, kuti vachengetwe ma­zuva matatu.
18. Josefa akati kwavari nezuva retatu, "Itai chinhu ichi, mupone; ini ndinotya Mwari;
19. kana muri vanhu vakatendeka, mumwe wavanun’una venyu ngaagare akasungwa mutorongo yenyu; asi imwi endai makatakura zviyo kundopa mhuri dzenyu dzine nzara.
20. Mugouya nomunu­n’una wenyu worugotwe kwandiri; nai­zvozvo mashoko enyu achasimbiswa, murege kufa." Vakaita saizvozvo.
21. Va­kataurirana vachiti, "Zvirokwazvo tine mhosva nokuda kwomunun’una wedu, no­kuti takaona kutambudzika kwomweya wake musi uya waakatinyengetera, tika­ramba kumuteerera; naizvozvo tawirwa nokutainbudzika."
22. Ipapo Rubheni akapindura, akati, "Handina kukuudzai here, ndichiti, `Re­gai kutadzira mwana,' mukaramba kundi­teerera? Naizvozvo tarirai, ropa rake rotsvakwa."
23. Zvino vakanga vasingazivi kuti Josefa anonzwisisa, nokuti kwanga kuine mupinduri pakati pavo.
24. Ipapo Josefa akabva kwavari, akachema; aka­dzokerazve kwavari, akataura navo, aka­tora Simioni pakati pavo, akamusunga vachizviona.
25. Josefa akaraira kuti mi­dziyo yavo izadzwe nezviyo, uye kuti mumwe nomumwe adzoserwe mari yake muhomwe yake, uye kuti vapiwewo mbuva yokufamba nayo; vakaitirwa sai­zvozvo.
26. Ipapo vakatakudza mbongoro dzavo zviyo zvavo, vakaenda.
27. Zvino mumwe wavo akati achisunungura ho­mwe yake, kuti ape mbongoro yake zvokudya pavakavata usiku, akawana mari yake; heyo yakanga iri mumuromo wehomwe yake.
28. Akati kuhama dzake, "Mari yangu yadzoswa; heyi iri muho­mwe yangu; ipapo vakaora moyo, va­katarirana, vachibvunda, vakati, `Chi­nyiko ichi chataitirwa naMwari?' "
29. Vakasvika kuna baba vavo pa­nyika yeKenani, vakavaudza zvose zva­kanga zvavawira;
30. vakati, "Murume uya, ishe wenyika iyoyo, akataura nesu nehasha, akati, tiri vashori venyika.
31. Tikati kwaari, `Tiri vanhu vakate­ndeka, hatizi vashori;
32. tiri vanakomana vane gumi navaviri vomunhu mumwe chete, vanakomana vababa vedu; mu­mwe haachipo, worugotwe ari kuna baba vedu nhasi panyika yeKenani.' "
33. Zvino murume uya, ishe wenyika, akati kwatiri, "Hechi chinhu chandicha­ziva nacho kuti muri vakatendeka, `Si­yai mumwe wenyu kwandiri, mutore zviyo, mundopa mhuri dzenyu dzine nzara, muende.'
34. Mugouyazve kwa­ndiri nomunun’una wenyu worugotwe; ipapo ndichaziva kuti hamuzi vashori, asi kuti muri vanhu vakatendeka; ipapo ndichakupai munun’una wenyu, mugote­nga panyika ino."
35. Zvino vakati vachidurura homwe dzavo, tarira chiputu chemari yomumwe nomumwe chakanga chiri muhomwe yake; vakati vachiona zviputu zvemari yavo, vakatya ivo nababa vavo.
36. Zvino Jakobho akati kwavari, "Manditorera vana; Josefa haachipo, naSimioni haa­chipo, zvino moda kutora naBhenjami­niwo; zvinhu zvose izvi zvandiwira."
37. Ipapo Rubheni akataura nababa vake, akati, "Mungauraya henyu vanako­mana vangu vaviri, kana ndisingadzoki naye kwamuri; chimuisai henyu mu­maoko angu, ini ndichauya nayezve kwa­muri."
38. Vakati, "Mwanakomana wangu haangaburuki nemi, nokuti mukoma wake wakafa, iye asiyiwa ari oga; kana akawirwa nenjodzi parwendo rwamuno­famba, muchaburutsira vhudzi rangu jena kuhwiro nokuchema."

  Genesis (42/50)