← Genesis (41/50) → |
1. | Makore maviri akati apera, Farao akarota hope; akazviona amire parwizi. |
2. | Akaona mhou nomwe dzichikwira dzichibuda murwizi, dzakanga dzakanaka, dzakakora; dzichifura pakati penhokwe. |
3. | Zvino akaona dzimwe mhou nomwe dzichikwira mashure madzo, dzichibva murwizi, dzakanga dzakaipa, dzakaonda; dzikamira nedzimwe mhou pamhenderekedzo yorwizi. |
4. | Zvino mhou dzakaipa, dzakaonda, dzikadya mhou dziya nomwe dzakanaka, dzakakora. Farao akapepuka. |
5. | Akavatazve, akarota rwechipiri; akaona hura nomwe dzezviyo dzakanga dzatumbuka padzinde rimwe, dzakanga dzakakora, dzakanaka, |
6. | akaona hura nomwe, dzakanga dzakatetepa, dzakanga dzapiswa nemhepo yokumabvazuva, dzichibuda shure kwadzo. |
7. | Zvino hura dzakatetepa dzikamedza hura nomwe dzakakora, dzakanga dzizere. Farao akapepuka, akaona kuti arota. |
8. | Zvino fume mangwana mweya wake ukatambudzika, akatuma vanhu kundodana n’anga dzose dzeIjipiti navakachenjera vose voko; Farao akavaudza kurota kwake; asi kwakanga kusina munhu waigona kuzvidudzira kuna Farao. |
9. | Ipapo mukuru wavadiri akaudza Farao, akati, "Nhasi ndinorangarira kutadza kwangu; |
10. | Farao akanga akatsamwira varanda vake, mukandisunga, ndikachengetwa mumba momukuru wavarindi, ini nomukuru wavabiki; |
11. | tikarota hope nousiku humwe, ini naiye; tikarota mumwe nomumwe hope dzine dudziro yadzo. |
12. | Zvino ipapo pakanga panesu jaya romuHebheru, muranda womukuru wavarindi; tikamuudza, iye akatidudzira kurota kwedu; akadudzira mumwe nomumwe sezvaakarota. |
13. | Zvikazoitika sezvaakatidudzira; ini ndakadzoserwa kubasa rangu, asi iye akasungirirwa." |
14. | Ipapo Farao akatuma munhu kundodana Josefa, akakurumidza kumubudisa mugomba; vakaveura ndebvu dzake nokumufukidza dzimwe nguvo; akapinda kuna Farao. |
15. | Farao akati kuna Josefa, "Ndarota hope, asi hakuna munhu anogona kundidudzira idzo; zvino ndanzwa kuti iwe, kana wanzwa kurota, unogona kuzvidudzira. " |
16. | Josefa akapindura Farao, akati, "Kwete, handizini; Mwari ndiye angapa Farao dudziro yorugare." |
17. | Farao akarondedzera kuna Josefa akati, "Pakurota kwangu ndakazviona ndimire pamhenderekedzo yorwizi; |
18. | ndikaona murwizi muchibuda mhou nomwe, dzakanga dzakakora, dzakanaka; dzikafura pakati penhokwe; |
19. | ndikaonazve dzimwe mhou nomwe dzichikwira shure kwadzo dzine nzara, dzakaipa kwazvo, dzakaonda, handina kumboona dzakaipa dzakadai panyika yose yeIjipiti. |
20. | Zvino mhou idzodzo dzakaonda, dzakaipa, dzikadya, mhou dziya dzakakora dzokutanga; |
21. | dzakati dzadzidya, hadzina kutongozikanwa kuti dzadzidya; asi dzakanga dzakangoipa sapakutanga. Zvino ndikapepuka. |
22. | Ndikaonazve pakurota kwangu hura nomwe dzakanga dzatumbuka padzinde rimwe, dzizere, dzakanaka; |
23. | ndikaonazve dzimwe hura nomwe, dzakaoma, dzakatetepa, dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva, dzichibuda shure kwadzo. |
24. | Hura idzodzo dzakatetepa dzikamedza hura nomwe dzakanaka; ndikaudza n’anga, asi kwakanga kusina munhu akagona kundidudzira izvozvo." |
25. | Ipapo Josefa akati kuna Farao, "Kurota kwaFarao ndokumwe; izvo Mwari zvaanoda kuita, ndizvo zvaakazivisa Farao. |
26. | Mhou nomwe dzakanaka makore manomwe, nehura nomwe dzakanaka makore manomwewo; kurota ndokumwe. |
27. | Mhou nomwe dzakaonda, dzakaipa, dzakakwira shure kwaidzodzo, makore manomwe, nehura nomwe dzakaputa, dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva, achava makore manomwe enzara. |
28. | Ndiro shoko randataura kuna Farao; izvo Mwari zvaanoda kuita, ndizvo zvaakaratidza Farao. |
29. | Tarirai, kunouya makore manomwe amaguta kwazvo panyika yose yeIjipiti; |
30. | shure kwaiwayo kuchatevera makore manomwe enzara; ipapo maguta ose achakanganikwa panyika yeIjipiti; nzara ichapedza nyika; |
31. | maguta haangazozikanwi munyika nokuda kwenzara iyoyo inozotevera, nokuti ichanyanya kwazvo. |
32. | Kurota uku kwakapamhidzwa kuna Farao kaviri, nokuti izvozvo zvakatarwa naMwari, uye Mwari achakurumidza kuzviita. |
33. | "Naizvozvo Farao ngaatsvake munhu akangwara, akachenjera, amuite mubati wenyika yeljipiti. |
34. | Farao ngaaite izvozvo, ngaaise vatariri panyika yose, atore cheshanu chezviyo zvenyika yeIjipiti pamakore manomwe emaguta. |
35. | Ngaaunganidze zvokudya zvose zvamakore iwayo akanaka anouya, avige zviyo nomurayiro waFarao, zvive zvokudya mumaguta; vazvichengete. |
36. | Zvokudya izvozvo zvichachengeterwa nyika makore manomwe enzara, ichazovapo panyika yeIjipiti, kuti nyika irege kuparadzwa nenzara." |
37. | Chinhu ichi chakanga chakanaka kuna Farao navaranda vake vose. |
38. | Farao akati kuvaranda vake, "Ko tingawana mumwe munhu akafanana nouyu, anomweya waMwari maari here?" |
39. | Farao akati kuna Josefa, "Mwari zvaakakuratidza izvozvo zvose, hapana munhu akangwara, akachenjera sewe; |
40. | ndiwe uchava mubati weimba yangu; vanhu vangu vose vacharairwa neshoko rako; asi pachigarao changu choushe ndipo pandichava mukuru kwauri." |
41. | Zvino Farao akati kuna Josefa, "Tarira, ndakuita mubati panyika yeIjipiti yose." |
42. | Farao akabvisa chimhete chake paruoko rwake, akachiisa paruoko rwaJosefa, akamufukidza nguvo dzomucheka wakanakisa, akamushongedza chiketani chendarama pamutsipa wake; |
43. | akamufambisa nengoro yechipiri yaakanga anayo; vakadanidzira pamberi pake, vachiti, "Pfugamai!" Akamuita mubati wenyika yose yeIjipiti. |
44. | Farao akati kuna Josefa, "Ndini Farao, asi kunze kwako hapana munhu achasimudza ruoko rwake kana rutsoka rwake panyika yose yeIjipiti." |
45. | Farao akatumidza Josefa zita rinonzi Zafanatipanea; akamupa Asenati, mukunda waPotifari, mupirisiti weOni, kuti ave mukadzi wake. Josefa akabuda, akafamba nenyika yose yeIjipiti. |
46. | Zvino Josefa akanga ana makore makumi matatu, nguva yaakamira pamberi paFarao, mambo weIjipiti. Josefa akabuda pamberi paFarao, akafamba, akapota nenyika yose yeIjipiti. |
47. | Nyika ikabereka zvizhinji-zhinji, namakore manomwe amaguta. |
48. | Akaunganidza zvokudya zvose zvamakore manomwe, akanga aripo panyika yeljipiti, akaviga zvokudya mumaguta; zvokudya zveminda yakanga yakapoteredza guta rimwe nerimwe, akazvivigamo. |
49. | Josefa akaviga zviyo, zvikaita sejecha regungwa, zvizhinji-zhinji, kusvikira akarega kuzviverenga; nokuti zvakanga zvisingagoni kuverengwa. |
50. | Zvino gore renzara risati rasvika, Josefa akaberekerwa vanakomana vaviri, vaakaberekerwa naAsenati, mukunda waPotifari, mupirisiti weOni. |
51. | Josefa akatumidza wedangwe zita rinonzi Manase, achiti, "Nokuti Mwari akandikanganwisa kutambudzika kwangu kwose neimba yababa vangu yose." |
52. | Zita rowechipiri akaritumidza Efuremu, achiti, "Nokuti Mwari akandiberekesa vana panyika yokutambudzika kwangu." |
53. | Zvino makore manomwe amaguta, akanga avapo panyika yeIjipiti, akapera. |
54. | Makore manomwe enzara akatanga kusvika, sezvakataura Josefa; nzara ikavapo panyika dzose; asi panyika yose yeIjipiti pakanga pane zvokudya. |
55. | Zvino vanhu vose veljipiti vofa nenzara, vakachemera zvokudya kuna Farao; Farao akati kuna vose veIjipiti, "Endai kuna Josefa; itai zvaanotaura kwamuri." |
56. | Nzara ikavapo panyika dzose; Josefa akazarura matura ose, akatengesera vaIjipiti; nokuti nzara yakanga yakanyanya panyika yeIjipiti. |
57. | Vanhu venyika dzose vakaenda Ijipiti kuna Josefa kuzotenga zviyo; nokuti nzara yakanga yakanyanya panyika dzose. |
← Genesis (41/50) → |