Genesis (41/50)  

1. Makore maviri akati apera, Farao akarota hope; akazviona amire parwizi.
2. Akaona mhou nomwe dzichikwira dzichibuda murwizi, dzakanga dzakanaka, dzakakora; dzichifura pakati penhokwe.
3. Zvino akaona dzimwe mhou nomwe dzichikwira mashure madzo, dzichibva murwizi, dzakanga dzakaipa, dzakaonda; dzikamira nedzimwe mhou pamhenderekedzo yorwizi.
4. Zvino mhou dzakaipa, dzakaonda, dzikadya mhou dziya nomwe dzakanaka, dzakakora. Farao akapepuka.
5. Akavatazve, akarota rwechipiri; akaona hura nomwe dzezviyo dzakanga dzatumbuka padzinde rimwe, dzakanga dzakakora, dzakanaka,
6. akaona hura nomwe, dzakanga dzakatetepa, dzakanga dzapiswa nemhepo yokumabvazuva, dzichibuda shure kwadzo.
7. Zvino hura dzakatetepa dzikamedza hura nomwe dzakakora, dzakanga dzizere. Farao akapepuka, akaona kuti arota.
8. Zvino fume mangwana mweya wake ukatambudzika, akatuma vanhu kundodana n’anga dzose dzeIjipiti navakachenjera vose voko; Fa­rao akavaudza kurota kwake; asi kwaka­nga kusina munhu waigona kuzvidudzira kuna Farao.
9. Ipapo mukuru wavadiri akaudza Farao, akati, "Nhasi ndinorangarira kuta­dza kwangu;
10. Farao akanga akatsa­mwira varanda vake, mukandisunga, ndi­kachengetwa mumba momukuru wavarindi, ini nomukuru wavabiki;
11. ti­karota hope nousiku humwe, ini naiye; tikarota mumwe nomumwe hope dzine dudziro yadzo.
12. Zvino ipapo pakanga panesu jaya romuHebheru, muranda wo­mukuru wavarindi; tikamuudza, iye aka­tidudzira kurota kwedu; akadudzira mumwe nomumwe sezvaakarota.
13. Zvikazoitika sezvaakatidudzira; ini ndakadzoserwa kubasa rangu, asi iye akasungirirwa."
14. Ipapo Farao akatuma munhu ku­ndodana Josefa, akakurumidza kumubu­disa mugomba; vakaveura ndebvu dzake nokumufukidza dzimwe nguvo; akapinda kuna Farao.
15. Farao akati kuna Josefa, "Ndarota hope, asi hakuna munhu ano­gona kundidudzira idzo; zvino ndanzwa kuti iwe, kana wanzwa kurota, unogona kuzvidudzira. "
16. Josefa akapindura Farao, akati, "Kwete, handizini; Mwari ndiye angapa Farao dudziro yorugare."
17. Farao akarondedzera kuna Josefa akati, "Pakurota kwangu ndakazviona ndimire pamhenderekedzo yorwizi;
18. ndikaona murwizi muchibuda mhou nomwe, dzakanga dzakakora, dzaka­naka; dzikafura pakati penhokwe;
19. ndi­kaonazve dzimwe mhou nomwe dzichi­kwira shure kwadzo dzine nzara, dzakaipa kwazvo, dzakaonda, handina kumboona dzakaipa dzakadai panyika yose yeIjipiti.
20. Zvino mhou idzodzo dzakaonda, dzakaipa, dzikadya, mhou dziya dzakakora dzokutanga;
21. dzakati dzadzidya, hadzina kutongozikanwa kuti dzadzidya; asi dzakanga dzakangoipa sapakutanga. Zvino ndikapepuka.
22. Ndi­kaonazve pakurota kwangu hura nomwe dzakanga dzatumbuka padzinde rimwe, dzizere, dzakanaka;
23. ndikaonazve dzi­mwe hura nomwe, dzakaoma, dzakate­tepa, dzakapiswa nemhepo yokumabva­zuva, dzichibuda shure kwadzo.
24. Hura idzodzo dzakatetepa dzikamedza hura nomwe dzakanaka; ndikaudza n’anga, asi kwakanga kusina munhu akagona kundidudzira izvozvo."
25. Ipapo Josefa akati kuna Farao, "Kurota kwaFarao ndokumwe; izvo Mwari zvaanoda kuita, ndizvo zvaakazi­visa Farao.
26. Mhou nomwe dzakanaka makore manomwe, nehura nomwe dza­kanaka makore manomwewo; kurota ndokumwe.
27. Mhou nomwe dzakaonda, dzakaipa, dzakakwira shure kwaidzodzo, makore manomwe, nehura nomwe dza­kaputa, dzakapiswa nemhepo yokuma­bvazuva, achava makore manomwe enzara.
28. Ndiro shoko randataura kuna Farao; izvo Mwari zvaanoda kuita, ndi­zvo zvaakaratidza Farao.
29. Tarirai, ku­nouya makore manomwe amaguta kwa­zvo panyika yose yeIjipiti;
30. shure kwaiwayo kuchatevera makore mano­mwe enzara; ipapo maguta ose achaka­nganikwa panyika yeIjipiti; nzara ichape­dza nyika;
31. maguta haangazozikanwi munyika nokuda kwenzara iyoyo inozo­tevera, nokuti ichanyanya kwazvo.
32. Ku­rota uku kwakapamhidzwa kuna Farao kaviri, nokuti izvozvo zvakatarwa naMwari, uye Mwari achakurumidza ku­zviita.
33. "Naizvozvo Farao ngaatsvake munhu akangwara, akachenjera, amuite mubati wenyika yeljipiti.
34. Farao ngaaite izvozvo, ngaaise vatariri panyika yose, atore cheshanu chezviyo zvenyika yeIji­piti pamakore manomwe emaguta.
35. Ngaaunganidze zvokudya zvose zva­makore iwayo akanaka anouya, avige zviyo nomurayiro waFarao, zvive zvoku­dya mumaguta; vazvichengete.
36. Zvoku­dya izvozvo zvichachengeterwa nyika makore manomwe enzara, ichazovapo panyika yeIjipiti, kuti nyika irege kupa­radzwa nenzara."
37. Chinhu ichi chaka­nga chakanaka kuna Farao navaranda vake vose.
38. Farao akati kuvaranda vake, "Ko tingawana mumwe munhu akafanana nouyu, anomweya waMwari maari here?"
39. Farao akati kuna Josefa, "Mwari zvaakakuratidza izvozvo zvose, hapana munhu akangwara, akachenjera sewe;
40. ndiwe uchava mubati weimba yangu; vanhu vangu vose vacharairwa neshoko rako; asi pachigarao changu choushe ndipo pandichava mukuru kwauri."
41. Zvino Farao akati kuna Josefa, "Tarira, ndakuita mubati panyika yeIjipiti yose."
42. Farao akabvisa chimhete chake pa­ruoko rwake, akachiisa paruoko rwaJo­sefa, akamufukidza nguvo dzomucheka wakanakisa, akamushongedza chiketani chendarama pamutsipa wake;
43. akamufa­mbisa nengoro yechipiri yaakanga anayo; vakadanidzira pamberi pake, vachiti, "Pfugamai!" Akamuita mubati wenyika yose yeIjipiti.
44. Farao akati kuna Josefa, "Ndini Farao, asi kunze kwako hapana munhu achasimudza ruoko rwake kana rutsoka rwake panyika yose yeIjipiti."
45. Farao akatumidza Josefa zita rinonzi Zafanatipanea; akamupa Asenati, muku­nda waPotifari, mupirisiti weOni, kuti ave mukadzi wake. Josefa akabuda, akafamba nenyika yose yeIjipiti.
46. Zvino Josefa akanga ana makore makumi matatu, nguva yaakamira pamberi paFarao, ma­mbo weIjipiti. Josefa akabuda pamberi paFarao, aka­famba, akapota nenyika yose yeIjipiti.
47. Nyika ikabereka zvizhinji-zhinji, nama­kore manomwe amaguta.
48. Akaungani­dza zvokudya zvose zvamakore mano­mwe, akanga aripo panyika yeljipiti, akaviga zvokudya mumaguta; zvokudya zveminda yakanga yakapoteredza guta rimwe nerimwe, akazvivigamo.
49. Josefa akaviga zviyo, zvikaita sejecha regu­ngwa, zvizhinji-zhinji, kusvikira akarega kuzviverenga; nokuti zvakanga zvisinga­goni kuverengwa.
50. Zvino gore renzara risati rasvika, Josefa akaberekerwa vanakomana vaviri, vaakaberekerwa naAsenati, mukunda waPotifari, mupirisiti weOni.
51. Josefa akatu­midza wedangwe zita rinonzi Manase, achiti, "Nokuti Mwari akandikanganwisa kutambudzika kwangu kwose neimba ya­baba vangu yose."
52. Zita rowechipiri akaritumidza Efuremu, achiti, "Nokuti Mwari akandiberekesa vana panyika yo­kutambudzika kwangu."
53. Zvino makore manomwe amaguta, akanga avapo panyika yeIjipiti, akapera.
54. Makore manomwe enzara akatanga ku­svika, sezvakataura Josefa; nzara ikavapo panyika dzose; asi panyika yose yeIjipiti pakanga pane zvokudya.
55. Zvino vanhu vose veljipiti vofa nenzara, vakachemera zvokudya kuna Farao; Farao akati kuna vose veIjipiti, "Endai kuna Josefa; itai zvaanotaura kwamuri."
56. Nzara ikavapo panyika dzose; Josefa akazarura matura ose, akatengesera vaIjipiti; nokuti nzara yakanga yakanyanya panyika yeIjipiti.
57. Vanhu venyika dzose vakaenda Ijipiti kuna Josefa kuzotenga zviyo; nokuti nzara yakanga yakanyanya panyika dzose.

  Genesis (41/50)