Genesis (40/50)  

1. Shure kwaizvozvo mudiri wama­mbo weIjipiti nomubiki wake va­katadzira tenzi wavo, mambo weljipiti.
2. Farao akatsamwira kwazvo varanda vake vaviri, ivo mukuru wavadiri nomukuru wavabiki.
3. Akavasunga kuti vachengetwe mumba momukuru wavarindi, mutorongo, pakanga pakasungwa Josefa.
4. Mukuru wavarindi akaraira Josefa kuvachengeta; iye akavabatira, vakaita nguva vachiche­ngetwa.
5. Zvino vose vaviri vakarota hope usiku humwe, mumwe nomumwe ku­rota kwake, kurota kumwe nokumwe kune dudziro yako, ivo mudiri nomu­biki vamambo weIjipiti, vakanga vaka­sungwa mutorongo.
6. Zvino fume ma­ngwana Josefa akapinda kwavari, akavatarira, akaona kuti havafari.
7. Aka­bvunza varanda vaFarao vakanga va­chengetwa pamwechete naye mumba matenzi wake, akati, "Nhasi makasuwa neiko?"
8. Vakati kwaari, "Tarota hope, asi hakuna munhu anogona kudzidudzira." Josefa akati kwavari, "Kududzira hakuzi kwaMwari here? Dondirondedzerai he­nyu."
9. Zvino mukuru wavadiri akaronde­dzera kurota kwake kuna Josefa, akati, kwaari, "Pakurota kwangu ndakaona muzambiringa pamberi pangu; pamuza­mbiringa pakanga pana matavi matatu;
10. ukaita sokutumbuka, ukabudisa ma­ruva; masumbu awo akabereka maza­mbiringa akaibva;
11. mukombe waFarao wakanga uri muruoko rwangu; zvino ndikatora mazambiringa, ndikaasvinira mumukombe waFarao, ndikaisa muko­mbe muruoko rwaFarao."
12. Josefa akati kwaari, "Kududzirwa kwadzo ndiko: Matavi matatu mazuva matatu;
13. mazuva matatu agere kupera Farao achasimudza musoro wako, noku­kudzosera kubasa rako; ipapo uchaisa mukombe waFarao muruoko rwakezve, sezvawaiita kare uchiri mudiri wake.
14. Asi undirangarire hako kana woitirwa zvakanaka; undiitire ngoni, undireverere kuna Farao, kuti ndibudiswe paimba ino;
15. nokuti zvirokwazvo, ndakabiwa ku­nyika yavaHebheru; napano handina kuita chinhu chakafanira kuti vandiise mugomba iri."
16. Zvino mukuru wavabiki akati aona kuti dudziro yakanaka, akati kuna Josefa, "Neniwo ndakanga ndiri pakurota kwa­ngu, ndikaona tswanda nhatu dzechingwa chichena dzakanga dziri pamusoro wa­ngu;
17. mutswanda yapamusoro makanga mune zvokudya zvamarudzi ose zvakabi­kwa zvaFarao; shiri dzikazvidya mutswa­nda yaiva pamusoro wangu."
18. Ipapo Josefa akapindura, akati, "Kududzirwa kwadzo ndiko: Tswanda nhatu mazuva matatu;
19. mazuva matatu agere kupera, Farao achasimudza musoro wako akaubvisa pamusoro pako, akusu­ngirire pamuti; shiri dzichadya nyama yako dzichiibvisa kwauri."
20. Zvino nomusi wetatu, musi woku­zvarwa kwaFarao, iye akaitira varanda vake vose mutambo. Akasimudza musoro womukuru wavadiri, nomusoro womu­kuru wavabiki pakati pavaranda vake,
21. akadzosera mukuru wavadiri kubasa rake rokudira kwake, akapa mukombe waFarao muruoko rwaFarao;
22. asi akasu­ngirira mukuru wavabiki sezvavakanga vadudzirwa naJosefa.
23. Asi mukuru wa­vadiri haana kurangarira Josefa, asi aka­mukanganwa.

  Genesis (40/50)