Genesis (4/50)  

1. Zvino Adhamu wakaziva mukadzi wake Evha; iye ndokutora mimba, akapona Kaini, akati, "Ndawana munhu, ndichibatsirwa naJehovha."
2. Akazopo­nazve munun’una wake Abhero. Abhero wakanga ari mufudzi wamakwai, Kaini wakanga ari murimi wevhu.
3. Zvino nguva yakati yapfuura, Kaini akauya nezvibereko zvevhu, chive chipo kuna Jehovha.
4. NaAbherowo akauya nama­kwayana ake ematangwe akakorawo. Je­hovha ndokugamuchira Abhero nechipi­riso chake;
5. asi Kaini nechipiriso chake haana kumugamuchira. Ipapo Kaini aka­tsamwa kwazvo, chiso chake chikau­nyana.
6. Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, "Watsamwireiko? Chiso chako chakau­nyana nei?
7. Kana ukaita zvakanaka, haungafari here pachiso chako? Kana usingaiti zvakanaka, zvivi zvinokuhwa­ndira pamusuo; zvichakutsvaka, asi iwe unofanira kuzvikunda."
8. Zvino Kaini wakataurirana nomunu­n’una wake Abhero; vakati vari kusango, Kaini ndokumukira Abhero munun’una wake, akamuuraya.
9. Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, "Arikupiko Abhero, munun’una wako?" Iye akati, "Handizivi, ndini mufudzi womunun’una wangu here?"
10. Akati, "Waiteiko? Inzwi reropa ro­munun’una wako rinodaidzira kwandiri pa­nyika.
11. Zvino watukwa, wadzingwa pa­nyika, iyo yakashamisa muromo wayo kugamuchira ropa romunun’una wako pa­ruoko rwako;
12. kana uchirima ivhu, ha­ringakupi simba raro; uchava mutizi nomudzungairi panyika."
13. Ipapo Kaini akati kuna Jehovha, "Kurohwa kwangu kukuru, handingaku­takuri.
14. Tarirai, mandidzinga nhasi pa­nyika ino, ndichavanda pamberi penyu; ndichava mutizi nomudzungairi panyika; ani naani anondiwana achandiuraya."
15. Jehovha akati kwaari, "Naizvozvo ani naani anouraya Kaini achatsiviwa kanomwe." Jehovha ndokuisira Kaini chiratidzo, kuti munhu anozomuwana arege kumuuraya.
16. Ipapo Kaini wakabva pamberi paJehovha, akandogara panyika yeNodhi, kumabvazuva kweEdheni.
17. Kaini akaziva mukadzi wake, akatora mimba, akapona Enoki; akavaka guta, akatumidza guta zita romwanako­mana wake Enoki.
18. Enoki akabereke­rwa Iradhi; Iradhi akabereka Mehujaeri; Mehujaeri akabereka Metushaeri; Metu­shaeri akabereka Rameki;
19. Rameki akawana vakadzi vaviri, zita romumwe rainzi Adha, zita romumwe rainzi Zira.
20. Adha akapona Jabhari; iye waiva baba vavanhu vanogara mumatende vane zvi­pfuwo.
21. Zita romunun’una wake raiva Jubhari; iye waiva baba vavose vanori­dza mbira nenyere.
22. Zira wakapona Tubharikaini, mupfuri wenhumbi dzose dzendarira nedare; hanzvadzi yaTubha­rikaini waiva Naama.
23. Rameki akati kuvakadzi vake; "Adha naZira, inzwai inzwi rangu, imwi vakadzi vaRameki, teererai zvandinotaura; Nokuti ndinouraya munhu unondikuvadza, Nejaya rinondipwanya;
24. Kana Kaini achitsiviwa kanomwe; Zvirokwazvo Rameki kana makumi manomwe nenomwe."
25. Adhamu akazivazve mukadzi wake, akabereka mwanakomana, akamu­tumidza zita rinonzi Seti; nokuti wakati, "Mwari wandipa mumwe mwana pachi­garo chaAbhero, zvaakaurawa naKaini."
26. NaSeti wakaberekerwa mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Enoshi. Ne­nguva iyo vanhu vakatanga kudana zita raJehovha.

  Genesis (4/50)