| ← Genesis (39/50) → |
| 1. | Josefa akanga aburutsirwa Ijipiti; Potifari, gota raFarao, mukuru wavarindi, muIjipiti, akamutenga pamaoko avaIshimaeri, vakanga vamuburutsira Ijipiti. |
| 2. | Jehovha zvino akanga ana Josefa, akaramba achikwirira; akagara mumba matenzi wake muljipiti. |
| 3. | Tenzi wake akaona kuti Jehovha anaye, uye kuti Jehovha akafambisa zvakanaka zvose zvaaiita namaoko ake. |
| 4. | Josefa akawana nyasha kwaari, akamubatira; iye akamuita mutariri weimba yake; zvose zvaakanga anazvo akazviisa pamaoko ake. |
| 5. | Zvino kubva pakuitwa kwake mutariri weimba yake nowazvose zvaakanga anazvo, Jehovha akaropafadza imba yomuIjipiti nokuda kwaJosefa; kuropafadza kwaJehovha kwakanga kuri pamusoro pezvose zvaakanga anazvo mumba nokumunda. |
| 6. | Waisiya zvose zvaakanga anazvo pamaoko aJosefa; iye anaye, haazairangarira chinhu, asi zvokudya zvake zvoga zvaaidya. Zvino Josefa akanga anomuviri wakanaka, akanakawo pachiso. |
| 7. | Zvino shure kwaizvozvo mukadzi watenzi wake akatarira Josefa, akati, "Vata neni." |
| 8. | Asi iye akaramba, akati kumukadzi watenzi wake, "Tarirai, nokuda kwangu tenzi wangu haarangariri zviri mumba, asi akaisa zvose zvaanazvo pamaoko angu; |
| 9. | hakuna mukuru kwandiri paimba ino; haana kundidzivisa chinhu, asi imwi moga; nokuti muri mukadzi wake; zvino ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?" |
| 10. | Zvino akati ataura naJosefa mazuva ose, iye asingamuteereri kuti avate naye, kana kuva naye, |
| 11. | nenguva iyoyo akapinda mumba kuti abate basa rake; makanga musina vamwe varume veimba imomo. |
| 12. | Ipapo akamubata nguvo yake, akati, "Vata neni;" iye akasiya nguvo yake muruoko rwake, akabuda panze. |
| 13. | Zvino akati achiona kuti asiya nguvo yake muruoko rwake, atiza, aenda, |
| 14. | akadana varume veimba yake, akataura navo akati, "Tarirai, iye akauyisa muHebheru pakati pedu kuti atidadire; akapinda kwandiri, kuti avate neni, ndikaridza mhere neinzwi guru. |
| 15. | Zvino akati achinzwa kuti ndinodanidzirisa ndichiridza mhere, akasiya nguvo yake neni, akatiza, akabuda panze." |
| 16. | Akachengeta nguvo yake kusvikira tenzi wake achipinda mumba. |
| 17. | Akataura kwaari mashoko iwayo akati, "Muranda muHebheru wawakaisa pakati pedu, akauya kwandiri kuti andidadire. |
| 18. | Ndikadanidzirisa, ndikaridza mhere, akasiya nguvo yake neni, akatizira panze." |
| 19. | Tenzi wake akati achinzwa mashoko aakaudzwa nomukadzi wake, achiti, "Ndizvo zvandaitirwa nomuranda wako," hasha dzake dzikamuka. |
| 20. | Tenzi waJosefa akamutora, akamupinza mutorongo, paisungwa vasungwa vamambo; akava mutorongo. |
| 21. | Asi Jehovha akava naJosefa, akamuitira tsitsi, kuti anzwirwe ngoni nomutariri wetorongo. |
| 22. | Mutariri wetorongo akapa mumaoko aJosefa vasungwa vose vakanga vari mutorongo; iye akanga ari muiti wezvose zvaiitwamo. |
| 23. | Mutariri wetorongo akanga asina hanya nechinhu chakanga chiri pamaoko ake, nokuti Jehovha akanga anaye; zvose zvaaiita, Jehovha akazviruramisa. |
| ← Genesis (39/50) → |