Genesis (39/50)  

1. Josefa akanga aburutsirwa Ijipiti; Potifari, gota raFarao, mu­kuru wavarindi, muIjipiti, akamutenga pamaoko avaIshimaeri, vakanga vamu­burutsira Ijipiti.
2. Jehovha zvino akanga ana Josefa, akaramba achikwirira; aka­gara mumba matenzi wake muljipiti.
3. Tenzi wake akaona kuti Jehovha anaye, uye kuti Jehovha akafambisa zvakanaka zvose zvaaiita namaoko ake.
4. Josefa akawana nyasha kwaari, akamubatira; iye akamuita mutariri weimba yake; zvose zvaakanga anazvo akazviisa pa­maoko ake.
5. Zvino kubva pakuitwa kwake mutariri weimba yake nowazvose zvaakanga anazvo, Jehovha akaropafa­dza imba yomuIjipiti nokuda kwaJosefa; kuropafadza kwaJehovha kwakanga kuri pamusoro pezvose zvaakanga anazvo mumba nokumunda.
6. Waisiya zvose zvaakanga anazvo pamaoko aJosefa; iye anaye, haazairangarira chinhu, asi zvo­kudya zvake zvoga zvaaidya. Zvino Josefa akanga anomuviri waka­naka, akanakawo pachiso.
7. Zvino shure kwaizvozvo mukadzi watenzi wake aka­tarira Josefa, akati, "Vata neni."
8. Asi iye akaramba, akati kumukadzi watenzi wake, "Tarirai, nokuda kwangu tenzi wangu haarangariri zviri mumba, asi akaisa zvose zvaanazvo pamaoko angu;
9. hakuna mukuru kwandiri paimba ino; haana kundidzivisa chinhu, asi imwi moga; nokuti muri mukadzi wake; zvino ndi­ngaita seiko chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?"
10. Zvino akati ataura naJosefa mazuva ose, iye asingamuteereri kuti avate naye, kana kuva naye,
11. ne­nguva iyoyo akapinda mumba kuti abate basa rake; makanga musina vamwe va­rume veimba imomo.
12. Ipapo akamubata nguvo yake, akati, "Vata neni;" iye aka­siya nguvo yake muruoko rwake, akabuda panze.
13. Zvino akati achiona kuti asiya nguvo yake muruoko rwake, atiza, aenda,
14. akadana varume veimba yake, akataura navo akati, "Tarirai, iye akauyisa muHe­bheru pakati pedu kuti atidadire; akapi­nda kwandiri, kuti avate neni, ndikaridza mhere neinzwi guru.
15. Zvino akati achi­nzwa kuti ndinodanidzirisa ndichiridza mhere, akasiya nguvo yake neni, akatiza, akabuda panze."
16. Akachengeta nguvo yake kusvikira tenzi wake achipinda mumba.
17. Akataura kwaari mashoko iwayo akati, "Muranda muHebheru wawakaisa pakati pedu, akauya kwandiri kuti andidadire.
18. Ndi­kadanidzirisa, ndikaridza mhere, akasiya nguvo yake neni, akatizira panze."
19. Tenzi wake akati achinzwa ma­shoko aakaudzwa nomukadzi wake, achiti, "Ndizvo zvandaitirwa nomuranda wako," hasha dzake dzikamuka.
20. Tenzi waJosefa akamutora, akamupinza muto­rongo, paisungwa vasungwa vamambo; akava mutorongo.
21. Asi Jehovha akava naJosefa, akamuitira tsitsi, kuti anzwirwe ngoni nomutariri wetorongo.
22. Mutariri wetorongo akapa mumaoko aJosefa vasu­ngwa vose vakanga vari mutorongo; iye akanga ari muiti wezvose zvaiitwamo.
23. Mutariri wetorongo akanga asina hanya nechinhu chakanga chiri pamaoko ake, nokuti Jehovha akanga anaye; zvose zvaaiita, Jehovha akazviruramisa.

  Genesis (39/50)