Genesis (38/50)  

1. Nenguva iyoyo Judha akabva kuvana vababa vake, akaburuka, akatsaukira kuno mumwe murume muAdhuramu, ainzi Hira.
2. Judha akaonapo mukunda womumwe munhu muKenani, ainzi Shua, akamutora, akapinda kwaari.
3. Iye akava nemimba, akabereka mwana­komana, akamutumidza zita rinonzi Eri.
4. Akava nemimbazve, akabereka mwana­komana, akamutumidza zita rinonzi Onani.
5. Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rino­nzi Shera; iye akanga ari paKezibhi mukadzi wake achimubereka.
6. Zvino Judha akatorera dangwe rake Eri mukadzi ainzi Tamari.
7. Asi dangwe raJudha, akanga ari munhu akaipa pamberi paJehovha; Jehovha akamuuraya.
8. Zvino Judha akati kuna Onani, "Pinda kumukadzi womukoma wako, umuwane, umuitire zvakafanira munun’una womurume, umutsire mukoma wako vana."
9. Zvino Onani akaziva kuti vana avo havangavi vake; naizvozvo wakati kana opinda kumukadzi womu­koma wake, orasira mbeu pasi, kuti arege kupa mukoma wake vana.
10. Chi­nhu ichi chaakaita chakanga chakaipa pamberi paJehovha; akamuuraya nai­yewo.
11. Ipapo Judha akati kuna Tamari, mukadzi womwana wake, "Chigara hako uri chirikadzi paimba yababa vako, kusvikira Shera, mwanakomana wangu, akura;" nokuti akati, "Zvimwe angafa savakoma vake." Tamari aka­ndogara kumba kwababa vake.
12. Mazuva mazhinji akati apfuura, mukunda waShua, mukadzi waJudha, akafa; zvino Judha akati anyaradzwa, akakwira kuvaveuri vamakwai ake paTi­muna, iye naHira, shamwari yake muAdhuramu.
13. Tamari akaudzwa, zvichinzi, "Tarira baba vomurume wako vanokwira Timuna kundoveura makwai avo";
14. ipapo iye akabvisa nguvo dzouchirikadzi hwake, akazvifukidza nechokufukidzira chake, akazviputira, akagara pasuo reEnaimu, guta riri panzira inoenda Timuna; nokuti akanga aona kuti Shera akura, akasamupiwa iye kuti ave mukadzi wake.
15. Zvino Judha akati achimuona, akati chifeve, nokuti akanga afukidza chiso chake.
16. Akatsaukira kwaari panzira, akati, "Douya, ndipinde kwauri;" nokuti akanga asingazivi, kuti mukadzi womwa­nakomana wake. Iye akati, "Unogondi­peiko, kuti upinde kwandiri?"
17. Akati, "Ndichakutumira mbu­dzana inobva kuzvipfuwo zvangu." Akati, "Uchandipa rubatso kusvikira wai­tuma here?"
18. Akati, "Ndichagokupa rubatso rweiko?" Iye akati, "Chimhete chako, norwonzi rwako, netsvimbo yako iri paruoko rwako." Akamupa izvozvo, aka­pinda kwaari, akava nemimba naye.
19. Akasimuka, akaenda, akabvisa choku­fukidzira chake, akafuka nguvo dzouchiri­kadzi hwake.
20. Zvino Judha akatuma mbudzana noruoko rweshamwari yake, muAdhuramu, kuti atore rubatso paruoko rwomukadzi, asi haana kumuwana.
21. Akabvunza vanhu vokwake, achiti, "Chiripiko chifeve chiya, chakanga chiri paEnaimu panzira?" Vakati, "Kwakanga kusina chifeve pano."
22. Akadzokera kuna Judha, akati, "Handina kumuwana; navanhu voko va­kati, `Kwakanga kusina chifeve pano.' "
23. Ipapo Judha akati, "Ngaazvitore hake, kuti tirege kunyadziswa; tarira ndatuma mbudzana iyi, iwe ukasamu­wana. "
24. Zvino mwedzi inenge mitatu ya­kati yapfuura, Judha akaudzwa, zvichi­nzi, "Tamari, mukadzi womwanakomana wako, akaita upombwe; wava nemimba noupombwe hwake." Judha akati, "Uyai naye, apiswe."
25. Zvino vakati vachiuya naye, aka­tuma shoko kuna baba vomurume wake, achiti, "Ndine mimba nomurume ane nhumbi idzi, akati, `Docherekedzai kuti izvi ndezvani, zvinoti, chimhete norwo­nzi, netsvimbo.' "
26. Judha akazviziva, akati, "Iye wakarurama kukunda ini, nokuti handina kumupa Shera, mwanako­mana wangu." Haana kuzomuzivazve.
27. Zvino nenguva yokubereka kwake vana vaviri vakanga vari mudumbu rake.
28. Zvino akati achibereka, mumwe akabu­disa ruoko; ipapo mbuya vakatora rwodzi rutsvuku, vakarusungira paruoko rwake, vachiti, "Uyu atanga kubuda."
29. Zvino uyu akati adzosera ruoko rwake, munu­n’una wake akabuda; ivo vakati, "Wazvi­pasanurira seiko?" Naizvozvo akamutu­midza zita rinonzi Perezi.
30. Pashure mukoma wake akabuda, akanga aine rwodzi rutsvuku paruoko rwake; zita rake rikatumidzwa Zera.

  Genesis (38/50)