Genesis (37/50)  

1. Zvino Jakobho akagara munyika youtorwa hwababa vake, munyika yeKenani.
2. Marudzi aJakobho ndiwo: Josefa akanga ana makore ane gumi namano­mwe, akafudza makwai pamwechete navakoma vake; akanga achiri muko­mana pamwechete navanakomana vaBhiriha, navanakomana vaZiripa, vaka­dzi vababa vake; Josefa akasivaudzira kuna baba vavo.
3. Zvino Isiraeri akanga achida Josefa kupfuura vana vake vose, nokuti akanga ari mwanakomana woutana hwake; aka­muitira nguvo yakanga yakareba ina maoko.
4. Vakoma vake vakaona kuti baba vavo vanomuda kupfuura vakoma vake vose; vakamuvenga, vakasagona kutaura naye nomufaro.
5. Zvino Josefa akarota hope, akau­dza vakoma vake, ipapo vakanyanya kumuvenga.
6. Akati kwavari, "Inzwaiwo hope dzangu dzandarota.
7. Tarirai, taka­nga tichisunga zvisote mumunda, onei chisote changu chikasimuka, chikara­mba chimire; ndikaona zvisote zvenyu zvichikomba changu, zvikakotama pa­mberi pechisote changu."
8. Vakoma vake vakati kwaari, "Ko iwe uchabata ushe pamusoro pedu kanhi? Ko iwe uchava nesimba pamusoro pedu kanhi?" Vakanyanya kumuvenga nokuda kwokurota kwake nokwamashoko ake.
9. Akapamha kurotazve, akaudza va­koma vake, akati, "Tarirai, ndarotazve dzimwe hope; ndakaona zuva, nomwedzi, nenyeredzi dzine gumi neimwe, dzichi­kotamira pamberi pangu."
10. Akaudza baba vake navakoma vake izvozvo; baba vake vakamutuka, vakati kwaari, "Kurota kwako uku kwa­warota kurota kunyi? Ini namai vako navakoma vako tichauya tikakotama pasi pamberi pako kanhi?"
11. Vakoma vake vakamugodora; asi baba vake vakache­ngeta shoko iro.
12. Zvino vakoma vake vakandofudza makwai ababa vavo paShekemu.
13. Isiraeri akati kuna Josefa, "Vakoma vako havafudzi makwai paShe­kemu here? Uya ndikutumire kwavari." Iye akati, "Ndiri pano hangu."
14. Akati kwaari, "Zvino chienda undo­tarira kana vakoma vako vakafara, nama­kwai kana akafarawo; ugodzoka kuzondiu­dza." Naizvozvo akamutuma, ari pamupata weHebhuroni, akandosvika Shekemu.
15. Zvino mumwe murume akamuwana achidzungaira musango; murume akamu­bvunza, akati, "Unotsvakeiko?"
16. Iye akati, "Ndinotsvaka vakoma vangu; dondiudza hako kwavanofudza makwai. "
17. Murume akati, "Vabva pano, no­kuti ndakavanzwa vachiti, `Ngatiende Dhotani.' " Josefa akatevera vakoma vake, akandovawana paDhotani.
18. Ivo vakamuona achiri kure; zvino asati asvika kwavari, vakarangana kuti vamuuraye.
19. Vakataurirana, vachiti, "Hoyo muroti uya wauya.
20. Uyai zvino timuuraye, timukandire mune rimwe ra­makomba aya, tigoti, `Wadyiwa nechi­kara;' tigoona kuti kurota kwake kucha­zoitwa seiko."
21. Rubheni akazvinzwa, akamurwira mumaoko avo, akati, "Ngatirege kumuu­raya."
22. Rubheni akati kwavari, "Musa­durura ropa; mukandirei mugomba iri riri musango, asi regai kutambanudza maoko enyu kwaari;" kuti amurwire pamaoko avo, agomudzosera kuna baba vake.
23. Zvino Josefa akati asvika kuvakoma vake, vakabvisira Josefa nguvo yake, nguvo iya yakanga yakareba ina maoko, yaaka­nga akafuka;
24. vakamutora, vakamuka­ndira mugomba; gomba rakanga risina chinhu, makanga musina mvura.
25. Vakagara pasi, vakadya zvokudya; zvino vakasimudza meso avo, vakatarira, vakaona boka ravaIshimaeri vachifamba, vachibva Giriyadhi, makamera avo akata­kura zvinhu zvinonhuwira, nebarisami, nemura, vachindozviisa Ijipiti.
26. Zvino Judha akati kuvana vababa vake, "Tinga­waneiko kana tikauraya munun’una wedu tichivanza ropa rake?
27. Uyai timutengese kuvaIshimaeri; maoko edu arege kuva kwaari; nokuti munun' una wedu, nyama imwe nesu." Vana vababa vake vakamuteerera.
28. Zvino vatengesi vavaMidhiani vakapfuurapo, vakakwidza Josefa vachi­mubudisa mugomba, vakatengesa Josefa kuvaIshimaeri namashekeri ana makumi maviri; ivo vakaisa Josefa Ijipiti.
29. Zvino Rubheni akadzokera kugo­mba, akawana Josefa asisimo mugomba; akabvarura nguvo dzake.
30. Akadzokera kuvanun’una vake, akati, "Mwana haa­chipo; ini zvino ndichaendepiko?"
31. Zvino vakatora nguvo yaJosefa, va­kauraya nhongo yembudzi, vakanyika nguvo muropa;
32. vakatumira nguvo iyo yakareba ina mavoko kuna baba vavo, vakati, "Tanonga chinhu ichi; fananidzai zvakanaka kana iri nguvo yomwanako­mana wenyu, kana isati iri iyo."
33. Ivo vakafananidza vakati, "Inguvo yomwanakomana wangu; wadyiwa ne­chikara; Josefa zvirokwazvo wapara­dzwa."
34. Jakobho akabvarura nguvo dzake, akasimira madhumbu pachiuno chake, akachema mwanakomana wake mazuva mazhinji.
35. Vanakomana vake vose navakunda vake vose vakasimuka vakamunyaradza; asi akaramba kunyara­dzwa, akati, "Ndichaburukira kuhwiro kumwanakomana wangu, ndichichema." Baba vake vakamuwungudzira.
36. Zvino vaMidhiani vakandomute­ngesa Ijipiti kuna Potifari, muranda waFarao, mukuru wavarindi.

  Genesis (37/50)