← Genesis (36/50) → |
1. | Ndiwo marudzi aEsau (rimwe zita ndiEdhomu): |
2. | Esau akawana vakadzi vake kuvakunda veKenani, vaiti: Adha, mukunda waEroni, muHeti, naHoribhama, mukunda waAna, mukunda waZibhioni, muHivhi; |
3. | naBhasimati, mukunda waIshimaeri, hanzvadzi yaNebhayoti. |
4. | Adha akabereka Esau Erifazi; Bhasimati akabereka Rueri; |
5. | Ohoribhama akabereka Jeushi, naJarami, naKora; ndivo vanakomana vaEsau, vaakaberekerwa panyika yeKenani. |
6. | Zvino Esau akatora vakadzi vake, navanakomana vake, navakunda vake, navanhu vose veimba yake, nezvipfuwo zvake, nemombe dzake dzose, nefuma yake yose yaakanga aunganidza munyika yeKenani, akaenda kunyika iri kure nomunun’una wake Jakobho. |
7. | Nokuti fuma yavo yakanga yawanda, naizvozvo vakanga vasingagoni kugara panzvimbo imwe; nyika youtorwa hwavo yakanga isingavaringani nokuda kwezvipfuwo zvavo. |
8. | Esau akandogara kugomo reSeiri; Esau ndiye Edhomu. |
9. | Marudzi aEsau, baba vavaEdhomu, kugomo reSeiri, ndiwo: |
10. | Mazita avanakomana vaEsau ndiwo: Erifazi, mwanakomana waAdha, mukadzi waEsau, naRueri, mwanakomana waBhasimati, mukadzi waEsau. |
11. | Vanakomana vaErifazi vaiva Temani, naOmari, naZefo, naGatamu, naKenazi. |
12. | Timuna akanga ari murongo waErifazi, mwanakomana waEsau; iye akaberekera Erifazi Amareki; ndivo vanakomana vaAdha, mukadzi waEsau. |
13. | Vanakomana vaRueri ndivo: Nahati, naZera, naShama naMiza; ndivo vanakomana vaBhasimati, mukadzi waEsau. |
14. | Vanakomana vaOhoribhama, mukunda waAna, mukunda waZibhioni, mukadzi waEsau, ndivo: iye akaberekera Esau Jeushi, naJarami, naKora. |
15. | Ava ndivo madzishe pakati pavana vaEsau: Vanakomana vaErifazi, dangwe raEsau: Ishe Temani, nashe Omari, nashe Zefo, nashe Kenazi, |
16. | nashe Kora, nashe Gatamu, nashe Amareki; ndiwo madzishe okwaErifazi munyika yeEdhomu; ndivo vanakomana vaAdha. |
17. | Ava ndivo vanakomana vaRueri, mwanakomana waEsau: Ishe Nahati, nashe Zera, nashe Shama, nashe Miza; ndiwo madzishe okwaRueri munyika yeEdhomu; ndivo vanakomana vaBhasimati, mukadzi waEsau. |
18. | Ava ndivo vanakomana vaOhoribhama, mukadzi waEsau: Ishe Jeushi, nashe Jarami, nashe Kora; ndiwo madzishe okwaOhoribhama, mukunda waAna, mukadzi waEsau. |
19. | Ndivo vanakomana vaEsau, ndiwo madzishe avo. Ndiye Edhomu. |
20. | Ndivo vanakomana vaSeiri, muHori, vaigara panyika iyo: Rotani, naShobharu, naZibhioni, naAna, |
21. | naDhishoni, naEzeri, naDhishani; ndiwo madzishe okuvaHori, vanakomana vaSeiri munyika yeEdhomu. |
22. | Vanakomana vaRotani, vaiva Hori, naHemani; hanzvadzi yaRotani aiva Timuna. |
23. | Ava ndivo vanakomana vaShobharu: Avhani, naManahati, naEbhari, naShefo, naOnamu. |
24. | Ava ndivo vanakomana vaZibhioni: Aja, naAna; ndiye Ana akawana matsime emvura inopisa kusango, achifudza mbongoro dzaZibhioni, baba vake. |
25. | Ava ndivo vanakomana vaAna: Dhishoni, naOhoribhama, mukunda waAna. |
26. | Ava ndivo vanakomana vaDhishoni: Hemudhani, naEshibhani, naIturani, naKerani. |
27. | Ava ndivo vanakomana vaEzeri: Bhirihani, naZaavhani, naAkani. |
28. | Ava ndivo vanakomana vaDhishani: Uzi naArani. |
29. | Ava ndiwo madzishe okuvaHori: Ishe Rotani, nashe Shobharu, nashe Zibhioni, nashe Ana, |
30. | nashe Dhishoni, nashe Ezeri, nashe Dhishani; ndiwo madzishe okuvaHori, namarudzi avo munyika yeSeiri. |
31. | Ava ndivo madzimambo akabata ushe munyika yeEdhomu, vana vaIsiraeri vachigere kuva namadzimambo: |
32. | Bhera, mwanakomana waBheori, akabata ushe paEdhomu; zita reguta rake rainzi Dhinihabha. |
33. | Akafa, Jobhabhu, mwanakomana waZera weBhozara akabata ushe pachigaro chake. |
34. | Jobhabhu akafa, Hushamu wenyika yavaTemani akabata ushe pachigaro chake. |
35. | Hushamu akafa, Hadhadhi, mwanakomana waBhedhadhi, uya akauraya Midhiani kusango reMoabhu, akabata ushe pachigaro chake; zita reguta rake rainzi Avhiti. |
36. | Hadhadhi akafa, Samura weMasereka akabata ushe pachigaro chake. |
37. | Samura akafa, Shauri weRehobhoti paRwizi akabata ushe pachigaro chake. |
38. | Shauri akafa, Bhaarihanani, mwanakomana waAkibhori akabata ushe pachigaro chake. |
39. | Bhaarihanani, mwanakomana waAkibhori, akafa, Hadhari akabata ushe pachigaro chake; zita reguta rake rainzi Pau; zita romukadzi wake rainzi Mehetabheri, mukunda waMatiredhi, mukunda waMehazahadhi. |
40. | Aya ndiwo mazita amadzishe okwaEsau, nedzimba dzavo, namaguta avo, namazita avo; Ishe Timuna, nashe Arivha, nashe Jeteti; |
41. | nashe Ohoribhama, nashe Era, nashe Pinoni; |
42. | nashe Kenazi, nashe Temani, nashe Mibhizari; |
43. | nashe Magidhieri, nashe Iramu; ndiwo madzishe aEdhomu, pavakagara munyika yakanga iri yavo. Ndiye Esau, baba vaEdhomu. |
← Genesis (36/50) → |