Genesis (36/50)  

1. Ndiwo marudzi aEsau (rimwe zita ndiEdhomu):
2. Esau akawana vakadzi vake kuvakunda veKenani, vaiti: Adha, mukunda waEroni, muHeti, naHoribhama, mukunda waAna, mukunda waZibhioni, muHivhi;
3. naBhasimati, mukunda waIshimaeri, hanzvadzi yaNe­bhayoti.
4. Adha akabereka Esau Erifazi; Bhasimati akabereka Rueri;
5. Ohori­bhama akabereka Jeushi, naJarami, naKora; ndivo vanakomana vaEsau, vaaka­berekerwa panyika yeKenani.
6. Zvino Esau akatora vakadzi vake, navanakomana vake, navakunda vake, navanhu vose veimba yake, nezvipfuwo zvake, nemombe dzake dzose, nefuma yake yose yaakanga aunganidza munyika yeKenani, akaenda kunyika iri kure no­munun’una wake Jakobho.
7. Nokuti fuma yavo yakanga yawanda, naizvozvo vaka­nga vasingagoni kugara panzvimbo imwe; nyika youtorwa hwavo yakanga isingavaringani nokuda kwezvipfuwo zvavo.
8. Esau akandogara kugomo reSeiri; Esau ndiye Edhomu.
9. Marudzi aEsau, baba vavaEdhomu, kugomo reSeiri, ndiwo:
10. Mazita avana­komana vaEsau ndiwo: Erifazi, mwana­komana waAdha, mukadzi waEsau, naRueri, mwanakomana waBhasimati, mukadzi waEsau.
11. Vanakomana vaEri­fazi vaiva Temani, naOmari, naZefo, naGatamu, naKenazi.
12. Timuna akanga ari murongo waErifazi, mwanakomana waEsau; iye akaberekera Erifazi Ama­reki; ndivo vanakomana vaAdha, muka­dzi waEsau.
13. Vanakomana vaRueri ndivo: Nahati, naZera, naShama naMiza; ndivo vanakomana vaBhasimati, mukadzi waEsau.
14. Vanakomana vaOhoribhama, mu­kunda waAna, mukunda waZibhioni, mu­kadzi waEsau, ndivo: iye akaberekera Esau Jeushi, naJarami, naKora.
15. Ava ndivo madzishe pakati pavana vaEsau: Vanakomana vaErifazi, dangwe raEsau: Ishe Temani, nashe Omari, nashe Zefo, nashe Kenazi,
16. nashe Kora, nashe Gatamu, nashe Amareki; ndiwo madzishe okwaErifazi munyika yeEdhomu; ndivo vanakomana vaAdha.
17. Ava ndivo vanakomana vaRueri, mwanakomana waEsau: Ishe Nahati, na­she Zera, nashe Shama, nashe Miza; ndiwo madzishe okwaRueri munyika yeEdhomu; ndivo vanakomana vaBhasi­mati, mukadzi waEsau.
18. Ava ndivo vanakomana vaOhori­bhama, mukadzi waEsau: Ishe Jeushi, nashe Jarami, nashe Kora; ndiwo madzi­she okwaOhoribhama, mukunda waAna, mukadzi waEsau.
19. Ndivo vanakomana vaEsau, ndiwo madzishe avo. Ndiye Edhomu.
20. Ndivo vanakomana vaSeiri, muHori, vaigara panyika iyo: Rotani, naSho­bharu, naZibhioni, naAna,
21. naDhishoni, naEzeri, naDhishani; ndiwo madzishe okuvaHori, vanakomana vaSeiri munyika yeEdhomu.
22. Vanakomana vaRotani, vaiva Hori, naHemani; hanzvadzi yaRotani aiva Timuna.
23. Ava ndivo vanakomana vaSho­bharu: Avhani, naManahati, naEbhari, naShefo, naOnamu.
24. Ava ndivo vanakomana vaZi­bhioni: Aja, naAna; ndiye Ana akawana matsime emvura inopisa kusango, achifu­dza mbongoro dzaZibhioni, baba vake.
25. Ava ndivo vanakomana vaAna: Dhi­shoni, naOhoribhama, mukunda waAna.
26. Ava ndivo vanakomana vaDhishoni: Hemudhani, naEshibhani, naIturani, naKerani.
27. Ava ndivo vanakomana vaEzeri: Bhirihani, naZaavhani, naAkani.
28. Ava ndivo vanakomana vaDhishani: Uzi naArani.
29. Ava ndiwo madzishe okuvaHori: Ishe Rotani, nashe Shobharu, nashe Zi­bhioni, nashe Ana,
30. nashe Dhishoni, nashe Ezeri, nashe Dhishani; ndiwo ma­dzishe okuvaHori, namarudzi avo mu­nyika yeSeiri.
31. Ava ndivo madzimambo akabata ushe munyika yeEdhomu, vana vaIsiraeri vachigere kuva namadzimambo:
32. Bhera, mwanakomana waBheori, akabata ushe paEdhomu; zita reguta rake rainzi Dhinihabha.
33. Akafa, Jobhabhu, mwanakomana waZera weBhozara akabata ushe pachigaro chake.
34. Jobhabhu akafa, Hushamu wenyika yavaTemani akabata ushe pachigaro chake.
35. Hushamu akafa, Hadhadhi, mwanakomana waBhedhadhi, uya akauraya Midhiani kusango reMoabhu, akabata ushe pachigaro chake; zita reguta rake rainzi Avhiti.
36. Hadhadhi akafa, Samura weMasereka akabata ushe pachigaro chake.
37. Samura akafa, Shauri weRehobhoti paRwizi akabata ushe pachigaro chake.
38. Shauri akafa, Bhaarihanani, mwanakomana waAkibhori akabata ushe pachigaro chake.
39. Bhaarihanani, mwanakomana waAkibhori, akafa, Hadhari akabata ushe pachigaro chake; zita reguta rake rainzi Pau; zita romukadzi wake rainzi Mehetabheri, mukunda waMatiredhi, mukunda waMehazahadhi.
40. Aya ndiwo mazita amadzishe okwaEsau, nedzimba dzavo, namaguta avo, namazita avo; Ishe Timuna, nashe Arivha, nashe Jeteti;
41. nashe Ohori­bhama, nashe Era, nashe Pinoni;
42. na­she Kenazi, nashe Temani, nashe Mi­bhizari;
43. nashe Magidhieri, nashe Iramu; ndiwo madzishe aEdhomu, pa­vakagara munyika yakanga iri yavo. Ndiye Esau, baba vaEdhomu.

  Genesis (36/50)