Genesis (35/50)  

1. Zvino Mwari akati kuna Jakobho, "Simuka, ukwire Bheteri, undogara ikoko; uitire Mwari aritari ipapo, iye akazviratidza kwauri panguva yoku­tiza kwako pamberi paEsau, mukuru wako."
2. Ipapo Jakobho akati kumhuri yake, navose vakanga vanaye, "Bvisai vamwari vedzimwe ndudzi vari pakati penyu, zvinatsei, mufuke dzimwe nguvo;
3. tisi­muke, tikwire Bheteri; ipapo ndichaitira Mwari aritari, iye akanga aneni panzira yandakanga ndichifamba nayo."
4. Ivo vakapa Jakobho vamwari vose vedzimwe ndudzi vakanga vari pamaoko avo, nezvi­ndori zvakanga zviri panzeve dzavo; Jakobho akazvicherera pasi pomuti wo­muouki wakanga uri paShekemu.
5. Vakapfuura norwendo rwavo, ma­guta akanga akavakomba akatya Mwari kwazvo, vakasateverera vanakomana vaJakobho.
6. Jakobho akasvika Ruzi, guta riri panyika yeKenani (rimwe zita ndiBheteri), iye navanhu vose vaakanga anavo.
7. Akavakapo aritari, akatumidza zita renzvimbo iyoyo kuti Eribheteri; nokuti Mwari akanga azviratidza kwaari ipapo, panguva yokutiza kwake pamberi pomu­kuru wake.
8. Debhora, mureri waRa­bheka, akafa, akavigwa zasi kweBheteri munyasi momuouki; zita rapo rikanzi Aronibhakuti.
9. Ipapo Mwari akazviratidzazve kuna Jakobho pakubva kwake Padhanaramu, akamuropafadza.
10. Mwari akati kwaari, "Zita rako ndiJakobho, zita rako haricha­zonzi Jakobho, asi zita rako richanzi Isiraeri;" akamutumidza zita rinonzi Isi­raeri.
11. Zvino Mwari akati kwaari, "Ndini Mwari Wamasimbaose; bereka vana, uwa­nde; rudzi neboka rendudzi zvichabuda kwauri, namadzishe achabuda pachiuno chako;
12. nyika yandakapa Abhurahamu naIsaka, ndichakupa iyoyo; vana vako vanokutevera ndichavapa nyika iyoyo."
13. Mwari akakwira, akabva kwaari, ipapo paakanga achitaura naye.
14. Jakobho aka­misa shongwe ipapo paakanga ataura naye, shongwe yebwe; akadurura pamu­soro payo chipiriso chinodururwa, akadi­rawo mafuta pamusoro payo.
15. Jakobho akatumidza nzvimbo iyoyo, pakanga pa­taura Mwari naye, zita rinonzi Bheteri.
16. Zvino vakafamba vachibva Bheteri; chi­nhambo chakanga chichipo chokusvika Efurata; Rakeri akazvara, akatambudzika pakupona kwake.
17. Akati achitambudzika pakupona kwake, mbuya vakati kwaari, "Usatya hako, nokuti zvino uchava nomu­mwe mwanakomanazve."
18. Zvino mweya wake wakati uchibuda (nokuti wakafa), akamutumidza Bhenoni; asi baba vake vakamutumidza Bhenjamini.
19. Rakeri akafa, akavigwa panzira inoenda Efurata (rimwe zita ndiBhetere­hemu).
20. Jakobho akamisa shongwe pa­musoro perinda rake, ndiyo shongwe yerinda raRakeri kusvikira zuva ranhasi.
21. Isiraeri akafamba, akapfuurira mberi, akadzika tende rake neseri kweshongwe yeEdheri.
22. Zvino Isiraeri agere munyika iyoyo, Rubheni akandovata naBhiriha, murongo wababa vake, Isiraeri akazvinzwa. Zvino vanakomana vaJakobho vaiva gumi navaviri;
23. vanakomana vaRea: Rubheni, dangwe raJakobho, naSimiyoni, naRevhi, naJudha, nalsakari, naZebhu­roni;
24. vanakomana vaRakeri: Josefa naBhenjamini;
25. vanakomana vaBhiriha, murandakadzi waRakeri: Dhani naNafu­tari;
26. vanakomana vaZiripa, muranda­kadzi waRea: Gadhi naAsheri. Ndivo vanakomana vaJakobho, vaakazvarirwa paPadhanaramu.
27. Jakobho akasvika kuna Isaka, baba vake paMamure, paKi­riyatiabha (rimwe zita ndiHebhuroni), paigara Abhurahamu naIsaka vari vato­rwa.
28. Mazuva aIsaka akanga ari makore ane zana namakumi masere.
29. Mweya waIsaka ukabuda, akafa, akasanganiswa navanhu vake, akwegura, ava namazuva mazhinji; Esau naJakobho, vanakomana vake, vakamuviga.

  Genesis (35/50)