← Genesis (34/50) → |
1. | Zvino Dhina, mwanasikana waRea, waakaberekera Jakobho, akabuda kundoona vakunda venyika iyoyo. |
2. | Ipapo Shekemu, mwanakomana waHamori, muHivhi, muchinda wenyika, akamuona; akamutora, akavata naye, akamunyadza. |
3. | Mweya wake ukanamatira Dhina, mukunda waJakobho, akamuda musikana uyo, akataura zvakafadza moyo womusikana. |
4. | Zvino Shekemu akataura nababa vake, Hamori akati, "Nditorerei musikana uyo, ave mukadzi wangu." |
5. | Zvino Jakobho akanzwa kuti akachinyira Dhina, mukunda wake; vanakomana vake vakanga vari kuzvipfuwo zvake kusango, Jakobho akanyarara hake kusvikira vauya. |
6. | Hamori, baba vaShekemu, vakaenda kuna Jakobho kundotaurirana naye. |
7. | Vakati vachinzwa izvozvo vanakomana vaJakobho vakauya vachibva kusango; zvino varume ava vakanga vane shungu kwazvo, vakatsamwa zvikuru, nokuti akanga aita chinhu chakaipa kwazvo pakati pavaIsiraeri kuti avate nomukunda waJakobho; chinhu icho chakanga chisingafaniri kuitwa. |
8. | Zvino Hamori akataurirana navo, akati, "Mweya womwanakomana wangu, Shekemu, unoshuva mukunda wenyu; domupai henyu iye, ave mukadzi wake. |
9. | Wananai henyu nesu, tipei vakunda venyu, mugotora vakunda vedu. |
10. | Garai henyu nesu, nyika ichava pamberi penyu; garaimo, mushambadzire, muzviunganidziremo fuma." |
11. | Ipapo Shekemu akati kuna baba vake nokuhanzvadzi dzake, "Ndiwane hangu nyasha kwamuri; zvamunoreva kwandiri, ndichakupai. |
12. | Kumbirai henyu kwandiri roora guru nechipo chikuru; zvamunoreva kwandiri ndichakupai; asi ndipei musikana ave mukadzi wangu. " |
13. | Ipapo vana vaJakobho vakapindura Shekemu naHamori, baba vake, nokunyengera, vakataura nokuti akanga achinyira hanzvadzi yavo Dhina, |
14. | vakati kwavari, "Hatingagoni kuita chinhu ichi, kuti tipe munhu asina kudzingiswa hanzvadzi yedu, nokuti izvozvi zvingatinyadza; |
15. | tingatenderana nemi kwoga kana mukaita chinhu ichi, kuti muve sesu, murume mumwe nomumwe ari kwamuri adzingiswe; |
16. | ipapo isu tichakupai vakunda vedu, nesuo tichatora vakunda venyu; tigare nemi, tive savanhu vamwe. |
17. | Kana musingatitereri, kuti mudzingiswe, tichatora mukunda wedu, tikabva." |
18. | Mashoko avo akafadza Hamori naShekemu, mwanakomana waHamori. |
19. | Jaya harina kunonoka kuita chinhu ichocho, nokuti akanga achifarira mukunda waJakobho; naiye akanga achikudzwa kupfuura vose veimba yose yababa vake. |
20. | Zvino Hamori naShekemu, mwanakomana wake, vakauya kusuo reguta ravo, vakataurirana navanhu veguta ravo vakati, |
21. | "Vanhu ava vane rugare nesu; naizvozvo ngavagare havo munyika ino, vashambadziremo; nokuti tarirai nyika inovaringana; ngatitore vakunda vavo vave vakadzi vedu, nesu tivape vakunda vedu. |
22. | Asi vanhu ava vachatenderana nesu kugara nesu, nokuita savanhu vamwe nesu, kwoga kana tichiita chinhu ichi, kuti varume vose kwatiri vadzingiswe, sezvavakadzingiswa ivo. |
23. | Ko mombe dzavo, nefuma yavo, nezvipfuwo zvavo zvose hazvichavi zvedu here? Ngatitenderane navo kwoga, vagogara nesu." |
24. | Zvino vose vaibuda pasuo reguta rake vakateerera Hamori, naShekemu, mwanakomana wake; ipapo varume vose vakadzingiswa, vose vaibuda pasuo reguta rake. |
25. | Zvino pazuva retatu, vachiri pakurwadziwa, vanakomana vaviri vaJakobho, Simiyoni naRevhi, hanzvadzi dzaDhina, vakatora mumwe nomumwe munondo wake, vakapinda muguta vanhu vasingarindiri, vakauraya varume vose. |
26. | Vakauraya Hamori naShekemu, mwanakomana wake, neminondo inopinza, vakatora Dhina mumba maShekemu, vakaenda. |
27. | Vanakomana vaJakobho vakaenda kune vakauraiwa, vakapamba guta, nemhaka yokuti vakanga vachinyira hanzvadzi yavo. |
28. | Vakatora makwai avo, nemombe dzavo, nembongoro dzavo, nezvakanga zviri muguta, nezvakanga zviri kusango; |
29. | vakatapa fuma yavo yose, navana vavo vaduku, navakadzi vavo, vakazviita mhambara, nezvinhu zvose zvakanga zviri mudzimba. |
30. | Ipapo Jakobho akati kuna Simeoni naRevhi, "Manditorera mufaro, zvamandinhuwisa pakati pavanhu vanogara munyika ino, pakati pavaKenani navaPerezi; ini zvandiine vanhu vashoma, vachandiunganira, vakandiuraya; ndichaparadzwa ini neveimba yangu." |
31. | Ivo vakati, "Iye agoitireiko nehanzvadzi yedu sezvinoitwa nechifeve?" |
← Genesis (34/50) → |