Genesis (34/50)  

1. Zvino Dhina, mwanasikana waRea, waakaberekera Jakobho, aka­buda kundoona vakunda venyika iyoyo.
2. Ipapo Shekemu, mwanakomana waHa­mori, muHivhi, muchinda wenyika, aka­muona; akamutora, akavata naye, akamu­nyadza.
3. Mweya wake ukanamatira Dhina, mukunda waJakobho, akamuda musikana uyo, akataura zvakafadza moyo womusikana.
4. Zvino Shekemu akataura nababa vake, Hamori akati, "Ndi­torerei musikana uyo, ave mukadzi wa­ngu."
5. Zvino Jakobho akanzwa kuti aka­chinyira Dhina, mukunda wake; vanakomana vake vakanga vari kuzvipfuwo zvake kusango, Jakobho akanyarara hake kusvikira vauya.
6. Hamori, baba vaShe­kemu, vakaenda kuna Jakobho kundotau­rirana naye.
7. Vakati vachinzwa izvozvo vanakomana vaJakobho vakauya vachi­bva kusango; zvino varume ava vakanga vane shungu kwazvo, vakatsamwa zvi­kuru, nokuti akanga aita chinhu chakaipa kwazvo pakati pavaIsiraeri kuti avate nomukunda waJakobho; chinhu icho cha­kanga chisingafaniri kuitwa.
8. Zvino Ha­mori akataurirana navo, akati, "Mweya womwanakomana wangu, Shekemu, unoshuva mukunda wenyu; domupai he­nyu iye, ave mukadzi wake.
9. Wananai henyu nesu, tipei vakunda venyu, mugo­tora vakunda vedu.
10. Garai henyu nesu, nyika ichava pamberi penyu; garaimo, mushambadzire, muzviunganidziremo fuma."
11. Ipapo Shekemu akati kuna baba vake nokuhanzvadzi dzake, "Ndiwane hangu nyasha kwamuri; zvamunoreva kwandiri, ndichakupai.
12. Kumbirai he­nyu kwandiri roora guru nechipo chi­kuru; zvamunoreva kwandiri ndichaku­pai; asi ndipei musikana ave mukadzi wangu. "
13. Ipapo vana vaJakobho vakapi­ndura Shekemu naHamori, baba vake, nokunyengera, vakataura nokuti akanga achinyira hanzvadzi yavo Dhina,
14. vakati kwavari, "Hatingagoni kuita chinhu ichi, kuti tipe munhu asina kudzingiswa hanzvadzi yedu, nokuti izvozvi zvinga­tinyadza;
15. tingatenderana nemi kwoga kana mukaita chinhu ichi, kuti muve sesu, murume mumwe nomumwe ari kwamuri adzingiswe;
16. ipapo isu ticha­kupai vakunda vedu, nesuo tichatora vakunda venyu; tigare nemi, tive sava­nhu vamwe.
17. Kana musingatitereri, kuti mudzingiswe, tichatora mukunda wedu, tikabva."
18. Mashoko avo akafadza Hamori naShekemu, mwanakomana waHamori.
19. Jaya harina kunonoka kuita chinhu ichocho, nokuti akanga achifarira muku­nda waJakobho; naiye akanga achiku­dzwa kupfuura vose veimba yose yababa vake.
20. Zvino Hamori naShekemu, mwa­nakomana wake, vakauya kusuo reguta ravo, vakataurirana navanhu veguta ravo vakati,
21. "Vanhu ava vane rugare nesu; naizvozvo ngavagare havo munyika ino, vashambadziremo; nokuti tarirai nyika inovaringana; ngatitore vakunda vavo vave vakadzi vedu, nesu tivape vakunda vedu.
22. Asi vanhu ava vachatenderana nesu kugara nesu, nokuita savanhu va­mwe nesu, kwoga kana tichiita chinhu ichi, kuti varume vose kwatiri vadzingi­swe, sezvavakadzingiswa ivo.
23. Ko mo­mbe dzavo, nefuma yavo, nezvipfuwo zvavo zvose hazvichavi zvedu here? Ngatitenderane navo kwoga, vagogara nesu."
24. Zvino vose vaibuda pasuo re­guta rake vakateerera Hamori, naShe­kemu, mwanakomana wake; ipapo va­rume vose vakadzingiswa, vose vaibuda pasuo reguta rake.
25. Zvino pazuva retatu, vachiri paku­rwadziwa, vanakomana vaviri vaJako­bho, Simiyoni naRevhi, hanzvadzi dzaDhina, vakatora mumwe nomumwe munondo wake, vakapinda muguta vanhu vasingarindiri, vakauraya varume vose.
26. Vakauraya Hamori naShekemu, mwa­nakomana wake, neminondo inopinza, vakatora Dhina mumba maShekemu, va­kaenda.
27. Vanakomana vaJakobho va­kaenda kune vakauraiwa, vakapamba guta, nemhaka yokuti vakanga vachinyira hanzvadzi yavo.
28. Vakatora makwai avo, nemombe dzavo, nembongoro dzavo, nezvakanga zviri muguta, nezvakanga zviri kusango;
29. vakatapa fuma yavo yose, navana vavo vaduku, navakadzi vavo, vakazviita mhambara, nezvinhu zvose zvakanga zviri mudzimba.
30. Ipapo Jakobho akati kuna Si­meoni naRevhi, "Manditorera mufaro, zvamandinhuwisa pakati pavanhu vano­gara munyika ino, pakati pavaKenani navaPerezi; ini zvandiine vanhu va­shoma, vachandiunganira, vakandiu­raya; ndichaparadzwa ini neveimba ya­ngu."
31. Ivo vakati, "Iye agoitireiko neha­nzvadzi yedu sezvinoitwa nechifeve?"

  Genesis (34/50)