Genesis (33/50)  

1. Zvino Jakobho akasimudza meso ake, akatarira, akaona Esau achiuya ana varume vana mazana mana. Akagovera vana kuna Rakeri naRea na­varandakadzi vaviri.
2. Akaisa varandaka­dzi navana vavo mberi, Rea navana vake shure kwavo, naRakeri naJosefa pakupe­dzisira.
3. Iye pachake akapfuura achiva­tungamirira, akakotamira pasi kanomwe, kusvikira aswedera pedo nomukuru wake.
4. Ipapo Esau akamhanyira kundo­sangana naye, akamumbundikira, aka­wira pamutsipa wake, ndokumutsvoda; vakachema vose.
5. Akasimudza meso ake, akaona vakadzi navana, akati, "Ava vaunavo ndivanani?" Iye akati, "Ndivo vana vakapiwa muranda wenyu naMwari nenyasha dzake."
6. Varandakadzi vakaswedera, ivo navana vavo, vakakotama.
7. NaRea navana vake vakaswederawo, vakakotama; pashure Josefa naRakeri vakaswedera, vakakotama.
8. Akati, "Ko boka iri rose randasangana naro ndereiko?" Iye akati, "Kuti ndiwane nyasha kuna ishe wangu."
9. Esau akati, "Ini ndine zvizhinji, munun’una wangu; izvo zvaunazvo, ngazvive zvako."
10. Jakobho akati, "Kwete,kana ndawana nyasha kwamuri zvino, ndinokumbira kuti mugamuchire chipo changu paruoko rwangu; nokuti ndaona chiso chenyu, chikaita sechiso chaMwari, mukafara neni.
11. Gamuchirai henyu chipo changu chamunopiwa; nokuti Mwari akandiitira nyasha, ndine zvizhi­nji." Akamugwaririra, akazochitora.
12. Akati, "Ngatipfuure hedu parwe­ndo rwedu, tiende, ini ndichakutungami­rira."
13. Iye akati kwaari, "Ishe wangu anoziva kuti vana vachiri vaduku, uye kuti makwai nemombe zvandinazvo zvi­noyamwisa; kana vakazvitinhisa zuva rimwe, zvipfuwo zvose zvichafa.
14. Ishe wangu ngaapinde hake mberi kwomura­nda wake; ini ndichanyatsozvisesedza sezvazvinogona kufamba, izvo zvipfuwo zviri pamberi pangu, navana sezvavano­gona kufamba, kudzimara ndasvika kuna ishe wangu paSeiri."
15. Esau akati, "Zvino ngandisiye kwauri vamwe vanhu vandinavo." Iye akati, "Muchaitireiko kudaro? Ndiwane hangu nyasha kuna ishe wangu."
16. Nai­zvozvo Esau akadzoka zuva iroro, akae­nda Seiri.
17. Asi Jakobho akaenda Sukoti, akazvivakira imba, akaitira zvipfuwo zvake matanga; naizvozvo zita renzvi­mbo iyoyo rakanzi Sukoti.
18. Jakobho akasvika zvakanaka ku­guta reShekemu, riri panyika yeKenani, pakubva kwake paPadhanaramu; aka­dzika matende ake pakatarisana neguta.
19. Akatenga rutivi rwenyika, paakanga apetenura tende rake, kuvana vaHamori, baba vaShekemu, nezana remari.
20. Aka­vakapo aritari, akaritumidza zita rinonzi ErieroheIsiraeri.

  Genesis (33/50)