| ← Genesis (33/50) → |
| 1. | Zvino Jakobho akasimudza meso ake, akatarira, akaona Esau achiuya ana varume vana mazana mana. Akagovera vana kuna Rakeri naRea navarandakadzi vaviri. |
| 2. | Akaisa varandakadzi navana vavo mberi, Rea navana vake shure kwavo, naRakeri naJosefa pakupedzisira. |
| 3. | Iye pachake akapfuura achivatungamirira, akakotamira pasi kanomwe, kusvikira aswedera pedo nomukuru wake. |
| 4. | Ipapo Esau akamhanyira kundosangana naye, akamumbundikira, akawira pamutsipa wake, ndokumutsvoda; vakachema vose. |
| 5. | Akasimudza meso ake, akaona vakadzi navana, akati, "Ava vaunavo ndivanani?" Iye akati, "Ndivo vana vakapiwa muranda wenyu naMwari nenyasha dzake." |
| 6. | Varandakadzi vakaswedera, ivo navana vavo, vakakotama. |
| 7. | NaRea navana vake vakaswederawo, vakakotama; pashure Josefa naRakeri vakaswedera, vakakotama. |
| 8. | Akati, "Ko boka iri rose randasangana naro ndereiko?" Iye akati, "Kuti ndiwane nyasha kuna ishe wangu." |
| 9. | Esau akati, "Ini ndine zvizhinji, munun’una wangu; izvo zvaunazvo, ngazvive zvako." |
| 10. | Jakobho akati, "Kwete,kana ndawana nyasha kwamuri zvino, ndinokumbira kuti mugamuchire chipo changu paruoko rwangu; nokuti ndaona chiso chenyu, chikaita sechiso chaMwari, mukafara neni. |
| 11. | Gamuchirai henyu chipo changu chamunopiwa; nokuti Mwari akandiitira nyasha, ndine zvizhinji." Akamugwaririra, akazochitora. |
| 12. | Akati, "Ngatipfuure hedu parwendo rwedu, tiende, ini ndichakutungamirira." |
| 13. | Iye akati kwaari, "Ishe wangu anoziva kuti vana vachiri vaduku, uye kuti makwai nemombe zvandinazvo zvinoyamwisa; kana vakazvitinhisa zuva rimwe, zvipfuwo zvose zvichafa. |
| 14. | Ishe wangu ngaapinde hake mberi kwomuranda wake; ini ndichanyatsozvisesedza sezvazvinogona kufamba, izvo zvipfuwo zviri pamberi pangu, navana sezvavanogona kufamba, kudzimara ndasvika kuna ishe wangu paSeiri." |
| 15. | Esau akati, "Zvino ngandisiye kwauri vamwe vanhu vandinavo." Iye akati, "Muchaitireiko kudaro? Ndiwane hangu nyasha kuna ishe wangu." |
| 16. | Naizvozvo Esau akadzoka zuva iroro, akaenda Seiri. |
| 17. | Asi Jakobho akaenda Sukoti, akazvivakira imba, akaitira zvipfuwo zvake matanga; naizvozvo zita renzvimbo iyoyo rakanzi Sukoti. |
| 18. | Jakobho akasvika zvakanaka kuguta reShekemu, riri panyika yeKenani, pakubva kwake paPadhanaramu; akadzika matende ake pakatarisana neguta. |
| 19. | Akatenga rutivi rwenyika, paakanga apetenura tende rake, kuvana vaHamori, baba vaShekemu, nezana remari. |
| 20. | Akavakapo aritari, akaritumidza zita rinonzi ErieroheIsiraeri. |
| ← Genesis (33/50) → |