Genesis (32/50)  

1. Zvino Jakobho akaenda nenzira yake, vatumwa vaMwari ndoku­sangana naye.
2. Akati achivaona, Jakobho akati, "Ihondo yaMwari;" akatumidza nzvimbo iyoyo zita rinonzi Mahanaimi.
3. Zvino Jakobho akatuma nhume pa­mberi pake kuna Esau, mukuru wake, kunyika yeSeiri, munyika yeEdhomu.
4. Akavaraira, akati, "Taurai nashe wangu, Esau, muti, `Zvanzi nomuranda wenyu Jakobho, ndakanga ndiri mutorwa kuna Rabhani, ndikagarako kusvikira zvino;
5. ndine mombe, nembongoro, namakwai, navaranda, navarandakadzi; ndatuma va­nhu kuzoudza ishe wangu izvozvi, kuti ndiwane nyasha pamberi penyu.' "
6. Nhume dzikadzokera kuna Jako­bho, dzikati, "Takandosvika kumukuru wenyu Esau; naiye anouya kuzosangana nemi ana varume vana mazana mana."
7. Jakobho akatya kwazvo, akatambu­dzika; akaparadzanisa vanhu vaakanga anavo, namakwai nemombe namaka­mera, akaita mapoka maviri;
8. akati, "Kana Esau akasvika kune rimwe boka, akariparadza, boka rakasara ringatiza."
9. Zvino Jakobho akati, "imwi, Mwari wababa vangu Abhurahamu, naMwari wababa vangu Isaka; imwi Jehovha, ndimwi makati kwandiri, `Dzokera kunyika yako, nokuhama dzako, ndigokuitira zvakanaka';
10. handina kufanirwa ne­nyasha dzenyu dzose nokutendeka kwe­nyu kwose kwamakaitira muranda we­nyu; nokuti ndakayambuka Jorodhani urwu netsvimbo yangu yoga; zvino ndava mapoka maviri.
11. Dondirwirai paruoko rwomukuru wangu, paruoko rwaEsau; nokuti ndinomutya, kuti achauya akandiparadza ini, namai, pa­mwechete navana.
12. Ndimwi makati, `Zvirokwazvo ndichakuitira zvakanaka, ndichaitawo rudzi rwako sejecha regu­ngwa, risingagoni kuverengwa nokuwa­nda kwaro.' "
13. Akavatapo usiku ihwohwo; aka­tora zvimwe kune zvaakanga anazvo, kuti chive chipo kuna Esau, mukuru wake;
14. zvaiti: Nhunzvi dzembudzi dzina ma­zana maviri, nenhongo dzina makumi maviri, namatunzvi amakwai ana mazana maviri, namakondohwe ana makumi ma­viri,
15. namakamera anokamwa ana ma­kumi matatu nemhuru dzawo, nemhou dzemombe dzina makumi mana, nehando dzemombe dzine gumi, namakadzi embo­ngoro ana makumi maviri, nemhuru dzine gumi.
16. Akazvipa mumaoko avara­nda vake, boka rimwe nerimwe riri roga; akati kuvaranda vake, "Yambukai pa­mberi pangu, musiye runhambo pakati peboka rimwe nerimwe."
17. Akaraira wo­kutanga, akati, "Kana Esau, mukuru wangu, akasangana newe, akabvunza, achiti, `Uri munhu waaniko? Unoende­piko? Izvi zviri pamberi pako nde­zvaani?'
18. Uti, `Ndezvomuranda wenyu Jakobho; chipo chakatumirwa ishe wa­ngu Esau; tarirai, naiye ari kumashure kweduwo;' "
19. akarairawo wechipiri ne­wechitatu, navose vakanga vachitevera mapoka, akati, "Kana mukamuwana Esau, mutaure kwaari muchidaro;
20. muti, `Tarirai, naiye muranda wenyu Jakobho ari mumashure medu.' " Nokuti akati, "Ndichambomunyaradza nechipo chino­nditungamirira, ndigoti ndoona chiso chake; zvimwe achandigamuchira."
21. Naizvozvo chipo chakayambutswa mberi kwake; asi iye pachake akavata usiku ihwohwo pakati peungano.
22. Zvino akamuka usiku ihwohwo, akatora vakadzi vake vaviri navarandaka­dzi vake vaviri, navana vake vane gumi nomumwe, akayambuka pazambuko raJakobho.
23. Akavatora, akavayambutsa parukova, akayambutsawo zvaakanga anazvo.
24. Asi Jakobho akasara ari oga; mumwe murume akaita mutsimba naye kusvikira utonga huchitsvuka.
25. Zvino akati achiona kuti haagoni kumukunda, akamubata pahudyu, hudyu ikatyoka ne­mitsimba naye.
26. Iye akati, "Chindirega ndiende, nokuti utonga hwotsvuka." Iye akati, "Handingakuregei kuti muende, musati mandiropafadza."
27. Akati kwaari, "Zita rako ndianiko?" Iye akati, "Jako­bho."
28. Akati, "Zita rako harichazonzi Jakobho, asi Isiraeri; nokuti wakarwa naMwari navanhu, ukakunda."
29. Jako­bho akamubvunza, akati, "Ndiudzeiwo zita renyu." Iye akati, "Unondibvunzi­reiko zita rangu?" Akamuropafadza ipapo.
30. Zvino Jakobho akatumidza nzvi­mbo iyoyo zita rinonzi Penieri; nokuti akati, "Ndakaonana naMwari, upenyu hwangu hukachengetwa."
31. Zuva rika­mubudira achipfuura napaPenieri; akaka­mhina pahudyu yake.
32. Naizvozvo vana vaIsiraeri havadyi nanhasi runda rehudyu riri papfupa rehudyu; nokuti akabata hudyu yaJakobho parunda rehudyu.

  Genesis (32/50)