Genesis (31/50)  

1. Zvino Jakobho akanzwa mashoko avanakomana vaRabhani, vachiti, "Jakobho atora zvose zvaiva zvababa vedu; azviwanira fuma yose iyi kune zvaiva zvababa vedu."
2. Jakobho akaonawo kuti chiso chaRabhani chakanga chisakaita kwaari sapakutanga.
3. Jehovha akati kuna Jakobho, "Dzokera kunyika yamadzibaba ako, nokuhama dzako; ini ndichava newe."
4. lpapo Jakobho akatuma munhu ku­ndodana Rakeri naRea vauye kusango kuzvipfuwo zvake;
5. akati kwavari, "Ndi­noona kuti chiso chababa venyu hachiza­kaita kwandiri sapakutanga; asi Mwari wababa vangu akanga aneni.
6. Munoziva kuti ndakabatira baba venyu nesimba rangu rose.
7. Baba venyu vakandinyenge­dzera, vakashandura mubayiro wangu kagumi; asi Mwari haana kutendera kuti vandiitire zvakaipa.
8. Kana vakati, `Zvina mavara ngazvive mubayiro wako, zvi­pfuwo zvose ndokubereka zvina mavara;' kana vakati, `Zvine mitsetse ngazvive mubayiro wako,' zvipfuwo zvose ndoku­bereka zvine mitsetse.
9. Naizvozvo Mwari akatorera baba venyu zvipfuwo zvavo, akandipa ini izvozvo.
10. "Zvino zvipfuwo zvakati zvichi­tora mazamu, ndakatarira ndikaona paku­rota kwangu nhongo, dzakanga dzichi­kwira zvipfuwo, dzakanga dzine mitsetse, namavara, nedzakaita pfumbu.
11. Ipapo mutumwa waMwari akati kwandiri paku­rota kwangu, `Jakobho!' Ini ndikati, `Ndiri pano hangu.'
12. Akati, `Zvino ta­rira, uone, kuti nhongo dzose, dzinokwira zvipfuwo, dzinemitsetse, namavara, dza­kaita pfumbu; nokuti ndazviona zvose Rabhani zvaanoita kwauri.
13. Ndini Mwari weBheteri, paya pawakazodza shongwe, paya pawakandipikira mhiko; zvino simuka, ubve munyika ino, udzo­kere kunyika kwawakaberekerwa.' "
14. Ipapo Rakeri naRea vakapindura vakati kwaari, "Ko tichine mugove ne­nhaka kuimba yababa vedu here?
15. Ha­tizi tatova vatorwa kwavari here? Nokuti vakatitengesa, vakapedzawo chose mute­ngo wedu.
16. Nokuti fuma yose, yakato­rerwa baba vedu naMwari, ndeyedu ne­yavana vedu; naizvozvo zvino chiita hako sezvawaudzwa naMwari."
17. Ipapo Jakobho akasimuka, akata­svisa vana vake navakadzi vake pama­kamera;
18. akatora zvipfuwo zvake zvose, nefuma yake yose, yaakanga aunganidza, zvipfuwo zvaakanga apfuwa, zvaakanga aunganidza paPa­dhanaramu, kuti aende kuna Isaka baba vake, kunyika yeKenani.
19. Zvino Ra­bhani akanga aenda kundoveura maku­she amakwai ake; Rakeri akaba chifana­nidzo chainamatwa chababa vake.
20. Jakobho akanyengedzera Rabhani, muAramu, nokuti haana kumuudza kuti ndotiza.
21. Naizvozvo akatiza nezvose zvaakanga anazvo; akasimuka, akaya­mbuka Rwizi, akaringira kugomo reGi­riadhi.
22. Zvino nomusi wetatu Rabhani akaudzwa kuti Jakobho watiza.
23. Iye akaenda nehama dzake, akamuteverera rwendo rwamazuva manomwe; akando­mubata kugomo reGiriadhi.
24. Mwari akauya kuna Rabhani, muAramu, paku­rota usiku, akati kwaari, "Chenjera, kuti urege kutaura kuna Jakobho chinhu, kana chakanaka kana chakaipa."
25. Rabhani akasvika kuna Jakobho. Zvino Jakobho akanga adzika tende rake mugomo; Ra­bhani nehama dzake vakadzika matende avowo mugomo reGiriadhi.
26. Zvino Rabhani akati kuna Jako­bho, "Waita seiko iwe, nokuti wandinye­ngedzera, ukaenda navakunda vangu va­kaita savakatapwa nomunondo?
27. Watizireiko pakavanda, ukandinyenge­dzera; wakaregerei kundiudza, ndikaku­tendera kuti uende nomufaro, nenziyo, nengoma, norudimbwa?
28. Hauna kundi­tendera kuti nditsvode vanakomana va­ngu navakunda vangu. Zvino waita sebe­nzi.
29. Ndine simba paruoko rwangu rokukuitira zvakaipa; asi Mwari wababa vako akataura neni usiku hwazuro, akati, `Chenjera, kuti urege kutaura kuna Jako­bho kana chakanaka kana chakaipa.'
30. Zvino, kana wakada kuenda hako, zva­wakanga uchishuva zvikuru imba yababa vako, wagobireiko vamwari vangu?"
31. Jakobho akapindura, akati kuna Rabhani, "Nokuti ndakanga ndichitya, nokuti ndakati, `Zvimwe munganditorera vakunda venyu nesimba.'
32. Iye wamu­ngawana ana vamwari venyu, ngaarege kurarama. Zvino hama dzedu dzichiriko, natsai kutsvaka zvinhu zvenyu zviri kwa­ndiri, mugozvitora;" nokuti Jakobho aka­nga asingazivi kuti Rakeri akanga azviba.
33. Zvino Rabhani akapinda mutende raJakobho, nomutende raRea, nomutende ravarandakadzi vaviri, asi haana kuzvi­wana. Ipapo akabuda patende raRea, akapinda patende raRakeri.
34. Zvino Ra­keri akanga atora vamwari, akavaisa muchigaro chekamera, akagara pamusoro pazvo. Rabhani akabata-bata pose mute­nde, asi haana kuzviwana.
35. Iye akati kuna baba vake, "Ishe wangu ngaarege kutsamwa, nokuti handigoni kusimuka pamberi penyu; nokuti mutoo wavakadzi uri kwandiri." Iye akatsvakisisa, asi haana kuwana vamwari.
36. Zvino Jakobho akatsamwa, akapo­potera Rabhani; Jakobho akapindura akati kuna Rabhani, "Kudarika kwangu ndokweiko? Ko kutadza kwangu ndo­kwei, zvamanditevera neshungu dzaka­dai?
37. Zvino zvamabata-bata nhumbi dzangu dzose, magowaneiko panhumbi dzose zvokumba kwenyu? Zviisei pano pamberi pehama dzangu nedzenyu, vato­nge pakati pedu isu vaviri.
38. Ndakagara nemi makore aya makumi maviri; matu­nzvi enyu amakwai nenhunzvi dzenyu dzembudzi hazvina kusvodza, makondo­hwe enyu amakwai handina kuadya.
39. Zvakarumwa nezvikara handina kuuya nazvo kwamuri; asi ndakazviripa ini; makazvireva pamaoko angu, kana zvaka­biwa masikati, kana zvakabiwa usiku.
40. Masikati ndakafa nezuva, usiku necha­ndo; hope dzangu dzikabva kumeso angu.
41. Makore aya makumi maviri ndakagara mumba menyu; ndakakubatirai makore ane gumi namana pamusoro pavakunda venyu vaviri, namakore matanhatu pamu­soro pezvipfuwo zvenyu; mukashandura mubayiro wangu kagumi.
42. Dai Mwari wababa vangu, Mwari waAbhurahamu, iye wakatyiwa naIsaka, asaiva neni, zvi­rokwazvo mungadai maindiendesa ndi­sina chinhu. Mwari akaona kutambudzika kwangu namabasa amaoko angu, akaku­rairai usiku hwazuro."
43. Rabhani akapi­ndura, akati kuna Jakobho, "Vakunda ava vakunda vangu; vana ava vana vangu; zvipfuwo izvi zvipfuwo zvangu, nezvose zvaunoona ndezvangu; nhasi ndingaitei kuvakunda vangu ava, kana vana vavo vavakazvara?
44. Uya zvino ngatiite su­ngano, ini newe; chive chapupu pakati pangu newe."
45. Jakobho akatora ibwe, akarimisa, rikava shongwe.
46. Jakobho akati kuhama dzake, "Unganidzai mabwe;" ivo vaka­tora mabwe, vakaita murwi; vakadya ipapo pamurwi.
47. Rabhani akautumidza Jegarisahadhuta; asi Jakobho akautumi­dza Garidhi.
48. Rabhani akati, "Murwi uyu ngachive chapupu pakati pangu newe zuva ranhasi." Naizvozvo akatumidzwa zita rinonzi Garidhi,
49. uyewo Mizipa, nokuti akati, "Jehovha ngaarinde pakati pangu newe, kana tisingaonani.
50. Kana ukazotambudza vakunda vangu, kana ku­wana vamwe vakadzi kunze kwavakunda vangu, hakuna munhu achava nesu; asi tarira, Mwari ndicho chapupu pakati pangu newe."
51. Zvino Rabhani akati kuna Jakobho, "Tarira murwi uyu, tarira shongwe iyi, yandakamisa pakati pangu newe.
52. Murwi uyu chichava chapupu, neshongwe iyi chichava chapupu, kuti ini handingapfuuri murwi uyu, neshongwe iyi, ndichienda kwauri, kuti tiitirane zva­kaipa.
53. Mwari waAbhurahamu, Mwari waNahori, Mwari wababa vavo, ngaato­nge pakati pedu." Jakobho akapika naiye waityiwa naIsaka, baba vake.
54. Ipapo Jakobho akabayira chibayiro mugomo; akakoka hama dzake kuti vadye zvoku­dya; vakadya zvokudya, vakavata usiku mugomo.
55. Rabhani akamuka mangwa­nani, akatsvoda vanakomana vake nava­kunda vake, akavaropafadza; Rabhani akabva, akadzokera kumusha kwake.

  Genesis (31/50)