Genesis (3/50)  

1. Zvino nyoka yakanga ina mano kupfuura mhuka dzose dzesango dzakanga dzaitwa naJehovha Mwari. Ikati kumukadzi, "Nhai, ndizvo here kuti Mwari akati, `Regai kudya miti yose yomunda?' "
2. Mukadzi akati kunyoka, "Tingadya hedu michero yemiti pamunda,
3. asi kana iri michero yomuti uri pakati pomunda, Mwari akati, `Regai kuudya, kana kuu­bata, kuti murege kufa.' "
4. Nyoka ikati kumukadzi, "Hamu­ngafi zviro kwazvo,
5. nokuti Mwari ano­ziva kuti nomusi wamunoudya nawo, meso enyu achasvinudzwa, mukava saMwari, muchiziva zvakanaka nezva­kaipa."
6. Zvino mukadzi akati achiona kuti muti wakanaka kudyiwa, uye kuti unofa­dza meso, uye kuti muti unodikanwa kungwadza munhu, akatora muchero yawo, akadya, akapawo murume wake, akadya naiyewo.
7. Ipapo meso avo, ivo vaviri, akasvinudzwa, vakaziva kuti ha­vana kusimira; vakasonanidza mashizha omuonde, vakazviitira nguvo.
8. Vakanzwa inzwi raJehovha Mwari achifamba mumu­nda kwotonhorera madekwana, munhu nomukadzi wake ndokundohwanda pa­mberi paJehovha Mwari pakati pemiti yomunda.
9. Jehovha Mwari akadana mu­nhu, akati kwaari, "Uripiko?"
10. Iye akati, "Ndakanzwa inzwi renyu mumunda, ndikatya, nokuti ndakanga ndisina kusimira, ndikahwanda."
11. Iye akati, "Ndianiko akakuudza kuti hauna kusimira? Wakadya kanhi muti wandakakuraira kuti urege kuu­dya?"
12. Munhu akati, "Mukadzi wamaka­ndipa kuti ave neni, ndiye wakandipa zvomuti ndikadya."
13. Jehovha Mwari akati kumukadzi, "Chiiko icho chawakaita?" Mukadzi akati, "Nyoka yakandinyengera, ndika­dya."
14. Jehovha Mwari akati kunyoka, "Zvawaita izvozvo, watukwa kupfuura mhuka dzose dzesango; uchafamba nedu­mbu rako, uchadya guruva mazuva ose oupenyu hwako.
15. Ndichaisa ruvengo pa­kati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake, irwo rwuchapwa­nya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinho charwo."
16. Kumukadzi akati, "Ndichawanza zvikuru kurwadziwa kwako nokutora mi­mba kwako, uchabereka vana uchirwa­dziwa; kuda kwako kuchava kumurume wako, iye achava ishe wako."
17. Kumunhu akati, "Zvawakateerera inzwi romukadzi wako, ukadya muti wa­ndakakuraira ndichiti, `Usaudya, zvino nyika yatukwa nemhosva yako, uchadya zvibereko zvayo nokutambudzika ma­zuva ose oupenyu hwako;
18. ichakubere­kera minzwa norukato, iwe uchadya mi­riwo yomusango;
19. uchadya zvokudya zvako neziya rechiso chako kusvikira wadzokera kuvhu; nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva, uchadzokerazve kuguruva.' "
20. Munhu akatumidza mukadzi wake zita rinonzi Evha; nokuti ndiye mai vavapenyu vose.
21. Jehovha Mwari akai­tira munhu nomukadzi wake nguvo dza­matehwe, akavafukidza nadzo.
22. Zvino Jehovha Mwari akati, "Ta­rirai, munhu ava somumwe wedu zvaanoziva zvakanaka nezvakaipa; zvino zvi­mwe angatambanudza ruoko rwake aka­torawo zvomuti woupenyu, akadya, aka­rarama nokusingaperi."
23. Naizvozvo Jehovha Mwari akamubudisa mumunda weEdheni, kuti arime ivhu raakatorwa kwariri.
24. Naizvozvo akadzinga munhu, akaisa makerubhi kurutivi rwamabva­zuva rwomunda weEdheni, nomurazvo womunondo waimonereka kumativi ose, kurindira nzira yomuti woupenyu.

  Genesis (3/50)