| ← Genesis (3/50) → |
| 1. | Zvino nyoka yakanga ina mano kupfuura mhuka dzose dzesango dzakanga dzaitwa naJehovha Mwari. Ikati kumukadzi, "Nhai, ndizvo here kuti Mwari akati, `Regai kudya miti yose yomunda?' " |
| 2. | Mukadzi akati kunyoka, "Tingadya hedu michero yemiti pamunda, |
| 3. | asi kana iri michero yomuti uri pakati pomunda, Mwari akati, `Regai kuudya, kana kuubata, kuti murege kufa.' " |
| 4. | Nyoka ikati kumukadzi, "Hamungafi zviro kwazvo, |
| 5. | nokuti Mwari anoziva kuti nomusi wamunoudya nawo, meso enyu achasvinudzwa, mukava saMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa." |
| 6. | Zvino mukadzi akati achiona kuti muti wakanaka kudyiwa, uye kuti unofadza meso, uye kuti muti unodikanwa kungwadza munhu, akatora muchero yawo, akadya, akapawo murume wake, akadya naiyewo. |
| 7. | Ipapo meso avo, ivo vaviri, akasvinudzwa, vakaziva kuti havana kusimira; vakasonanidza mashizha omuonde, vakazviitira nguvo. |
| 8. | Vakanzwa inzwi raJehovha Mwari achifamba mumunda kwotonhorera madekwana, munhu nomukadzi wake ndokundohwanda pamberi paJehovha Mwari pakati pemiti yomunda. |
| 9. | Jehovha Mwari akadana munhu, akati kwaari, "Uripiko?" |
| 10. | Iye akati, "Ndakanzwa inzwi renyu mumunda, ndikatya, nokuti ndakanga ndisina kusimira, ndikahwanda." |
| 11. | Iye akati, "Ndianiko akakuudza kuti hauna kusimira? Wakadya kanhi muti wandakakuraira kuti urege kuudya?" |
| 12. | Munhu akati, "Mukadzi wamakandipa kuti ave neni, ndiye wakandipa zvomuti ndikadya." |
| 13. | Jehovha Mwari akati kumukadzi, "Chiiko icho chawakaita?" Mukadzi akati, "Nyoka yakandinyengera, ndikadya." |
| 14. | Jehovha Mwari akati kunyoka, "Zvawaita izvozvo, watukwa kupfuura mhuka dzose dzesango; uchafamba nedumbu rako, uchadya guruva mazuva ose oupenyu hwako. |
| 15. | Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake, irwo rwuchapwanya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinho charwo." |
| 16. | Kumukadzi akati, "Ndichawanza zvikuru kurwadziwa kwako nokutora mimba kwako, uchabereka vana uchirwadziwa; kuda kwako kuchava kumurume wako, iye achava ishe wako." |
| 17. | Kumunhu akati, "Zvawakateerera inzwi romukadzi wako, ukadya muti wandakakuraira ndichiti, `Usaudya, zvino nyika yatukwa nemhosva yako, uchadya zvibereko zvayo nokutambudzika mazuva ose oupenyu hwako; |
| 18. | ichakuberekera minzwa norukato, iwe uchadya miriwo yomusango; |
| 19. | uchadya zvokudya zvako neziya rechiso chako kusvikira wadzokera kuvhu; nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva, uchadzokerazve kuguruva.' " |
| 20. | Munhu akatumidza mukadzi wake zita rinonzi Evha; nokuti ndiye mai vavapenyu vose. |
| 21. | Jehovha Mwari akaitira munhu nomukadzi wake nguvo dzamatehwe, akavafukidza nadzo. |
| 22. | Zvino Jehovha Mwari akati, "Tarirai, munhu ava somumwe wedu zvaanoziva zvakanaka nezvakaipa; zvino zvimwe angatambanudza ruoko rwake akatorawo zvomuti woupenyu, akadya, akararama nokusingaperi." |
| 23. | Naizvozvo Jehovha Mwari akamubudisa mumunda weEdheni, kuti arime ivhu raakatorwa kwariri. |
| 24. | Naizvozvo akadzinga munhu, akaisa makerubhi kurutivi rwamabvazuva rwomunda weEdheni, nomurazvo womunondo waimonereka kumativi ose, kurindira nzira yomuti woupenyu. |
| ← Genesis (3/50) → |