Genesis (28/50)  

1. Zvino Isaka wakadana Jakobho, akamuropafadza, akamuraira, akati kwaari, "Usawana mukadzi kuva­kunda veKenani.
2. Simuka uende Padha­naramu, kuimba yaBhetueri, baba vamai vako, uzviwanire ikoko mukadzi kuvaku­nda vaRabhani, hanzvadzi yamai vako.
3. Mwari Wamasimbaose ngaakuropafa­dze, akuberekese vana, akuwanze, kuti uve ndudzi zhinji dzavanhu;
4. akupe ku­ropafadzwa kwaAbhurahamu, iwe, na­vana vako pamwechete newe; kuti ugare nhaka yenyika maugere uri mutorwa, iyo yakapiwa Abhurahamu naMwari."
5. Isaka akati Jakobho aende, akaenda Padhanaramu, kuna Rabhani, mwanako­mana waBhetueri, muAramu, hanzvadzi yaRabheka, mai vaJakobho naEsau.
6. Zvino Esau wakaona kuti Isaka wakanga aropafadza Jakobho, akati ae­nde Padhanaramu, kuti azviwanire ikoko mukadzi; uyewo kuti pakumuropafadza kwake akamuraira, achiti, "Usawana mu­kadzi kuvakunda veKenani";
7. uyezve, kuti Jakobho akateerera baba vake namai vake, akaenda Padhanaramu.
8. Esau akaona kuti vakunda veKenani havana kufadza Isaka baba vake;
9. Esau akaenda kuna Ishimaeri, akawedzera kuvakadzi vake, vaakanga anavo, Maharati muku­nda walshimaeri, mwanakomana waAbhurahamu, hanzvadzi yaNebhayoti, kuti ave mukadzi wake.
10. Zvino Jakobho akabuda paBheeri­shebha, akaenda Harani,
11. akasvika pane imwe nzvimbo, akavatapo usiku, nokuti zuva rakanga ravira; akatora rimwe ibwe ipapo, akaritsamira, akavata pasi ipapo.
12. Akarota, akaona danhu rakanga rami­swa panyika, musoro waro wakasvika kudenga; akaona vatumwa vaMwari va­chikwira nokuburuka naro.
13. Akaona Je­hovha amire naye, akati, "Ndini Jehovha, Mwari waAbhurahamu baba vako, naMwari waIsaka; nyika yauvete pamusoro payo ndichakupa iyoyo, iwe navana vako;
14. vana vako vachaita seguruva renyika; uchapararira kumavirazuva, no­kumabvazuva, nokumusoro, nenyasi; ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa mauri nomuvana vako.
15. Tarira, ndi­newe, ndichakuchengeta kwose kwau­noenda, nokukudzosera kunyika ino; no­kuti handingakusiyi kusvikira ndaita izvozvo zvandakakuudza."
16. Ipapo Jako­bho akapepuka pahope dzake, akati, "Zvirokwazvo Jehovha ari panzvimbo ino, asi ini handina kuzviziva."
17. Akatya akati, "Nzvimbo ino inotyisa seiko! Iyi imba chaiyo yaMwari, isuo rokudenga."
18. Jakobho akamuka mangwanani, akatora ibwe raakanga akatsamira, akari­misa kuti rive shongwe, akadira mafuta pamusoro paro;
19. akatumidza nzvimbo iyoyo zita rinonzi Bheteri, asi zita reguta pakutanga rainzi Ruzi.
20. Ipapo Jakobho akapika mhiko achiti, "Kana Mwari akava neni, akandichengeta panzira ya­ndinoenda, akandipa zvokudya, ndidye, nezvokufuka, ndifuke;
21. ndikadzokera­zve norugare kuimba yababa vangu, Jehovha achava Mwari wangu;
22. neiri ibwe, randakamisa rikava shongwe, ri­chava imba yaMwari; nezvinhu zvose zvamuchandipa, zvirokwazvo ndichaku­pai chegumi chazvo."

  Genesis (28/50)