Genesis (27/50)  

1. Zvino Isaka wakati ava mutana, meso ake owonera madzedzerere, asisaoni zvakanaka, akadana Esau, mwa­nakomana wake mukuru, akati kwaari, "Mwana wangu;" iye akati kwaari, "Ndiri pano hangu."
2. Akati, "Tarira zvino ndakwegura; handizivi zuva rokufa kwangu.
3. Zvino tora hako nhumbi dzako dzokuvhima nadzo, dzinoti goba rako, nouta hwako, uende kusango undivhimire mhuka;
4. undigadzirire nyama yakanaka, sezvandinoda, uuye nayo kwandiri, ndi­dye, mweya wangu ukuropafadze, ndisati ndafa."
5. Zvino Rabheka akanzwa Isaka achitaura naEsau, mwanakomana wake. Esau akaenda kusango kundovhima mhuka, kuti auye nayo.
6. Rabheka aka­taura naJakobho, mwanakomana wake, akati, "Tarira, ndanzwa baba vako va­chitaura naEsau, mukoma wako, vachiti,
7. `Nditorere mhuka, undigadzirire nyama yakanaka, kuti ndiidye, ndikuro­pafadze pamberi paJehovha ndisati ndafa.'
8. Zvino mwana wangu, teerera inzwi rangu sezvandinokuraira.
9. Enda zvino kuzvipfuwo, unditorerepo mbu­dzana mbiri dzakanaka, ndigadzirire baba vako nadzo nyama yakanaka, se­zvavanoda;
10. ugoenda nayo kuna baba vako, vadye, kuti vakuropafadze vasati vafa."
11. Jakobho akati kuna Rabheka mai vake, "Tarirai, Esau, mukoma wa­ngu, munhu ane mvere, asi ini ndiri munhu asina mvere.
12. Zvimwe baba vangu vachandibata-bata, ndikava so­munyengedzeri pamberi pavo, ndika­zviuyisira kutukwa pachigaro chokuro­pafadzwa."
13. Mai vake vakati kwaari, "Kutukwa kwako ngakuve pamusoro pangu, mwana wangu; teerera hako inzwi rangu, uende unditorere idzo."
14. Iye akaenda, akadzi­tora, akadziisa kuna mai vake; mai vake vakagadzira nyama yakanaka, yaidika­nwa nababa vake.
15. Zvino Rabheka akatora nguvo dzakaisvonaka dzaEsau, mwa­nakomana wake mukuru, dzaaiva nadzo mumba, akadzifukidza Jakobho, mwana­komana wake muduku;
16. akaisa nguvo dzembudzana pamaoko ake, napamutsipa wake pakanga pasina mvere;
17. akaisa nyama yakanaka nechingwa, zvaakanga agadzira, muruoko rwaJakobho, mwana­komana wake.
18. Iye akaenda kuna baba vake, akati, "Baba vangu;" ivo vakati, "Ndiri pano hangu; ndiwe aniko mwana wangu?"
19. Jakobho akati kuna baba vake, "Ndini Esau, dangwe renyu; ndaita sezvamandi­raira; simukai henyu, mugare, mudye nyama yangu yemhuka, mweya wenyu undiropafadze."
20. Isaka akati kumwanakomana wake, "Wakurumidza seiko kuiwana, mwana wangu?" Iye akati, "Nokuti Jeho­vha, Mwari wenyu, waituma pamberi pangu. "
21. Isaka akati kuna Jakobho, "Chi­mboswedera hako, ndikubate-bate, mwana wangu, kuti ndizive kuti uri mwanakomana wangu Esau chaiye, kana kuti hausi iwe."
22. Jakobho akaswedera kuna Isaka, baba vake; ivo vakamubata­bata, vakati, "Inzwi, inzwi raJakobho, asi maoko maoko aEsau."
23. Asi haana kumu­ziva, nokuti maoko ake akanga aine mvere, samaoko omukuru wake Esau; akamuropafadza.
24. Akati, "Ndiwe mwa­nakomana wangu Esau chaiye here?" Iye akati, "Ndini iye."
25. Akati, "Uiswededze pedo neni, kuti ndidye nyama yemhuka yomwana­komana wangu, mweya wangu ukuropa­fadze." Iye akaiswededza pedo naye, akadya; akamupawo waini, akanwa.
26. Ipapo baba vake Isaka vakati kwaari, "Swedera zvino unditsvode, mwana wa­ngu."
27. Akaswedera, akamutsvoda; aka­nzwa munhuwi wenguvo dzake, akamuro­pafadzwa, akati, "Tarira munhuwi womwanakomana wangu wakaita somunhuwi wesango rakaropafadzwa naJehovha;
28. Mwari ngaakupe dova rokudenga, mafuta enyika, nezviyo newaini zvakawanda.
29. Vanhu ngavakushumire, marudzi ose ngaakupfugamire; uve ishe wehama dzako, vanakomana vamai vako ngavakupfugamire; vose vanokutuka ngavatukwe, vose vanokuropafadza ngavaropafadzwe."
30. Zvino Isaka wakati apedza kuropa­fadza Jakobho, Jakobho achangobuda pamberi palsaka baba vake, Esau mu­koma wake, akapinda, achibva paku­vhima kwake.
31. Naiye akagadzira nyama yakanaka, akaenda nayo kuna baba vake; akati kuna baba vake, "Baba vangu ngavasimuke, ngavadye nyama yemhuka yomwanakomana wavo, kuti mweya we­nyu undiropafadze."
32. Ipapo Isaka baba vake vakati, "Ndiwe aniko?" Iye akati, "Ndini mwa­nakomana wenyu, dangwe renyu Esau."
33. Isaka akabvunda kwazvo-kwazvo, akati, "Ndianiko wakanga avhima mhuka, akauya nayo kwandiri ndikadya zvose, iwe usati wasvika, ndikamuropa­fadza? Hongu, zvirokwazvo iye acharo­pafadzwa hake."
34. Esau akati achinzwa mashoko ababa vake, akachema nokuchema ku­kuru kunorwadza moyo, akati kuna baba vake, "Ndiropafadzei neniwo, baba vangu! "
35. Akati, "Munun’una wako wakauya nokunyengedzera, akatora kuropafadzwa kwako."
36. Iye akati, "Haana kutumidzwa zita rakamufanira here, rokuti Jakobho? No­kuti zvino wandinyengedzera kaviri; wa­mbonditorera udangwe hwangu, zvino tarira, wanditorera kuropafadzwa kwa­ngu." Akati, "Hamuna kundichengete­rawo kuropafadzwa here?"
37. Isaka akapindura, akati kuna Esau, "Tarira, ndamuita ishe wako, nehama dzake dzose ndakamupa iye, kuti vave varanda vake; ndamusimbisa nezviyo ne­waini; zvino chinyiko chandingakuitira iwe, mwana wangu?"
38. Esau akati kuna baba vake, "Mu­nongova nokuropafadza kumwe kwoga here, baba vangu? Ndiropafadzei, ne­niwo, baba vangu!" Esau akachema no­kuchema. kukuru.
39. Ipapo Isaka baba vake, akapindura akati kwaari, "Tarira, ugaro hwako uchava kure namafuta enyika, kure nedova rokudenga rinobva kumusoro;
40. uchararama nomunondo wako, uchashumira munun’una wako; uchati kana wozvimutsa iwe, uchavhuna joko rake ribve pamutsipa wako."
41. Esau akavenga Jakobho nokuda kwokuropafadzwa kwaakaropafadzwa nako nababa vake; Esau akati mumoyo make, "Mazuva okuchema baba vangu ava kuda kusvika; ipapo ndichauraya munun’una wangu Jakobho."
42. Zvino Rabheka akaudzwa ma­shoko aEsau, mwanakomana wake mu­kuru; akatuma munhu kundodana Jako­bho, mwanakomana wake muduku, akati kwaari, "Tarira, mukoma wako Esau anozvivaraidza pamusoro pako, achiti achakuuraya.
43. Saka zvino, mwana wa­ngu, teerera inzwi rangu; simuka utizire Harani kuna Rabhani hanzvadzi yangu;
44. undogara kwaari mazuva mashoma­nana, kusvikira shungu dzomukoma wako dzanyarara;
45. kusvikira kutsamwa kwomukoma wako kwanyarara kwauri, kana akanganwa izvo zvawamuitira. Ipapo ndichatuma munhu kuzokutora ikoko; ndichatorerwa seiko nomusi mu­mwe imwi mose muri vaviri?"
46. Rabheka akati kuna Isaka, "Ndanetswa noupenyu hwangu nokuda kwavakunda vaHeti; kana Jakobho akawanawo mukadzi ku­vakunda vaHeti, wakaita saivava, kuva­kunda venyika ino, upenyu hwangu ungandibatsirei?"

  Genesis (27/50)