Genesis (26/50)  

1. Zvino nzara yakanga iripo pa­nyika; isati iri nzara yakanga iripo pamazuva aAbhurahamu. Isaka akenda Gerari kuna Abhimereki, mambo wavaFirisitia.
2. Jehovha akazviratidzazve kwaari akati, "Usaburukira Ijipiti, gara munyika yandakakuudza;
3. gara hako munyika ino uri mutorwa; ini ndichava newe, ndichakuropafadza; nokuti ndicha­kupa iwe, navana vako, nyika idzi dzose; ndichasimbisa mhiko yandakapikira Abhurahamu, baba vako;
4. ndichawanza vana vako senyeredzi dzedenga; ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa mu­vana vako;
5. nokuti Abhurahamu waka­teerera inzwi rangu, akachengeta zvanda­kamuraira, nemirairo yangu, nemitemo yangu, nemirau yangu."
6. Isaka akagara Gerari;
7. vanhu venyika iyoyo vakamu­bvunza pamusoro pomukadzi wake, akati, "Ihanzvadzi yangu;" nokuti waka­nga achitya kuti, mukadzi wangu, achiti, "Zvimwe vanhu venyika ino vangandiu­raya nokuda kwaRabheka;" nokuti aka­nga akanaka kumeso.
8. Zvino wakati avapo nguva refu, Abhimereki, mambo wavaFirisitia, wakatarira napahwindo, akaona Isaka achitamba naRabheka, mu­kadzi wake.
9. Ipapo Abhimereki akadana Isaka akati, "Tarira, zvirokwazvo muka­dzi wako; wakataura seiko uchiti, `Iha­nzvadzi yangu?' " Isaka akati kwaari, "Nokuti ndakati, `Zvimwe ndingafa no­kuda kwake.' "
10. Abhimereki akati kwaari, "Ndoku­diniko kuti watiitira chinhu ichi? Dai mumwe wavanhu aivata nomukadzi wako, ungadai watiisa pamhosva."
11. Abhimereki akaraira vanhu vose, akati, "Anobata munhu uyu kana mukadzi wake, achauraiwa zvirokwazvo."
12. Zvino Isaka akadzvara zviyo mu­nyika iyoyo, akawana gore iro rune zana; Jehovha akamuropafadza.
13. Munhu uyu akava mukuru, akaramba achiwedzerwa, kusvikira ava mukuru kwazvo;
14. akanga aine fuma yamakwai, neyemombe, ne­mhuri huru; vaFirisitia vakamugodora.
15. VaFirisitia vakadzivira matsime ose akanga acherwa navaranda vababa vake pamazuva ababa vake Abhurahamu, va­kaafutsira nevhu.
16. Abhimereki akati kuna Isaka, "Ibva hako kwatiri, nokuti watipfuura kwazvo nesimba."
17. Isaka akabvapo, akandodzika matende ake mumupata weGerari, akagarapo.
18. Isaka akacherazve matsime emvura, akanga acherwa pamazuva ababa vake, Abhurahamu; nokuti vaFirisitia vakanga vaadzivira Abhura­hamu afa; akaatumidza mazita aakanga atumidzwa nababa vake.
19. Varanda vaIsaka vakachera mu­mupata, vakawanapo tsime remvura ino­tubuka.
20. Vafudzi veGerari vakaitirana nharo navafudzi vaIsaka, vachiti, "Imvura yedu;" akatumidza tsime iroro zita rinonzi Eseki; nokuti vakapesana naye.
21. Zvino akandocherazve rimwe tsime; vakaitirana nharo pamusoro pairo­rozve; akaritumidza zita rinonzi Sitina.
22. Akabvapo, akandocherazve rimwe tsime; iroro havana kuzoitirana nharo pamusoro paro; akaritumidza zita rinonzi Rehobhoti; akati, "Nokuti zvino Jehovha wakandiitira nzvimbo huru, kuti tiwande munyika ino. "
23. Akabvapo, akakwira Bheerishebha;
24. Jehovha akazviratidza kwaari usiku ihwohwo, akati, "Ndini Mwari waAbhu­rahamu, baba vako; usatya, nokuti ndi­newe, ndichakuropafadza, nokuwanza ru­dzi rwako nokuda kwaAbhurahamu, muranda wangu."
25. Akavakapo aritari, aka­namata zita raJehovha, akadzika tende rake ipapo; varanda vaIsaka vakacherapo tsime.
26. Ipapo Abhimereki akaenda kwaari, achibva Gerari, aine shamwari yake Ahuzati, naPikori, mukuru wehondo yake.
27. Isaka akati kwavari, "Mauyireiko kwandiri, zvamunondivenga, mukandidzi­nga kwamuri?"
28. Ivo vakati, "Takaona kwazvo kuti Jehovha anewe, tikati, `Zvino mhiko ngaivepo pakati pedu, pakati pedu newe, tiite sungano newe;
29. kuti urege kutiitira zvakaipa, sezvatisina kukubata iwe, se­zvatakakuitira zvakanaka bedzi, tikakue­ndesa norugare;' zvino iwe ndiwe hako muropafadzwa waJehovha."
30. Iye akava­gadzirira zvokudya, vakadya, vakanwa,
31. vakamuka mangwanani, vakapikirana; ipapo Isaka akavatendera kuenda, vaka­bva kwaari norugare.
32. Nomusi iwoyo varanda vaIsaka va­kauya, vakamuudza kuti vakanga vachera tsime, vakati kwaari, "Mvura taiwana."
33. Akaritumidza zita rinonzi Shebha; nai­zvozvo zita reguta ndiBheerishebha kusvi­kira zuva ranhasi.
34. Zvino Esau wakati asvika makore makumi mana, akawana Judhisi, muku­nda waBheeri, muHeti, naBhasimati, mukunda waEroni, muHeti;
35. ivavo va­karwadza moyo walsaka naRabheka.

  Genesis (26/50)