| ← Genesis (25/50) → |
| 1. | Zvino Abhurahamu akawanazve mumwe mukadzi, wainzi Ketura. |
| 2. | Iye akamuberekera Zimurami, naJokishani, naMedhani, naMidhiani, naIshibhaki, naShua. |
| 3. | Jokishani akabereka Shebha naDhedhani. Vanakomana vaDhedhani vakanga vari vaAshuri, navaRetushi, navaReumi. |
| 4. | Vanakomana vaMidhiani vakanga vari Efa, naEferi, naHanoki, naAbhidha, naEridha. Ava vose vakanga vari vana vaKetura. |
| 5. | Abhurahamu akapa Isaka zvose zvaakanga anazvo. |
| 6. | Asi vanakomana vavarongo vaAbhurahamu vaakanga anavo, Abhurahamu wakavapa zvipo; akavatuma, iye achiri mupenyu, vabve kuna Isaka mwanakomana wake, vaende kumabvazuva, kunyika yokumabvazuva. |
| 7. | Ndiwo mazuva amakore oupenyu hwaAbhurahamu. Makore ane zana namakumi manomwe namashanu. |
| 8. | Abhurahamu akabudisa mweya wake, akafa akwegura kwazvo, ava mutana, makore ake ave mazhinji, akasanganiswa navanhu vake. |
| 9. | Isaka naIshimaeri, vanakomana vake, vakamuviga mubako reMakapera, mumunda waEfuroni, mwanakomana waZohari, wavaHeti, wakatarisana neMamure; |
| 10. | ndiwo munda wakanga watengwa naAbhurahamu kuvana vaHeti; ndipo pakavigwa Abhurahamu naSara, mukadzi wake. |
| 11. | Zvino Abhurahamu wakati afa, Mwari akaropafadza Isaka, mwanakomana wake; Isaka akagara paBheeri-rakai-roi. |
| 12. | Ndiwo marudzi alshimaeri, mwanakomana waAbhurahamu, wakaberekerwa Abhurahamu naHagari, muljipiti, murandakadzi waSara. |
| 13. | Ndiwo mazita avanakomana vaIshimaeri, ndiwo mazita avo pakuzvarwa kwavo. Wedangwe waIshimaeri wakanga ari Nebhayoti, naKedhari, naAdhibheri, naMibhisami, |
| 14. | naMishima, naDhurina, naMasa, |
| 15. | naHadhadhi, naTema, naJeturi, naNafishi, naKedhema; |
| 16. | ndivo vanakomana vaIshimaeri, ndiwo mazita avo, pamisha yavo napamatende avo; machinda ane gumi namaviri nendudzi dzavo. |
| 17. | Ndiwo makore oupenyu hwaIshimaeri, makore ane zana namakumi matatu namanomwe; akabudisa mweya wake, akafa, akasanganiswa navanhu vake. |
| 18. | Vakagara kubva paHavhira kusvikira paShuri, mberi kweIjipiti, kana munhu achienda Asiria; akandogara akatarisana nehama dzake dzose. |
| 19. | Ndiwo marudzi alsaka, mwanakomana waAbhurahamu. Abhurahamu akabereka Isaka; |
| 20. | Isaka akanga ana makore ana makumi mana pakuwana kwake Rabheka, mukunda waBhetueri, muAramu, wePadhanaramu, hanzvadzi yaRabhani, muAramu, kuti ave mukadzi wake. |
| 21. | Zvino Isaka wakanyengeterera mukadzi wake kuna Jehovha, nokuti wakanga asingabereki; Jehovha akanzwa kunyengetera kwake, Rabheka, mukadzi wake, akave nemimba. |
| 22. | Zvino vana vakasundana mukati make, akati, "Kana zvakadaro, ndakaitirweiko izvozvi?" Akandobvunza Jehovha. |
| 23. | Jehovha akati kwaari, "Mune ndudzi mbiri muchizvaro chako, ndudzi mbiri dzichaparadzana, dzichibva mudumbu rako; rumwe rudzi ruchakunda rumwe rudzi nesimba; mukuru achashumira muduku. " |
| 24. | Zvino mazuva ake okubereka akati asvika, onei vana vaviri vari muchizvaro chake. |
| 25. | Wokutanga akabuda ari mutsvuku, muviri wose wakaita senguvo ine mvere; vakatumidza zita rake Esau. |
| 26. | Pashure munun’una wake akabuda, ruoko rwake rwakabata chitsitsinho chaEsau, vakatumidza zita rake Jakobho. Isaka akanga ana makore makumi matanhatu pakuberekwa kwavo. |
| 27. | Vakomana vakakura; Esau akava mudzimba wakachenjera, murume wesango; Jakobho wakanga ari murume wakarurama, waigara mumatende. |
| 28. | Isaka akada Esau, nokuti waida nyama yemhuka, asi Rabheka wakanga achida Jakobho. |
| 29. | Zvino Jakobho wakanga abika zvokudya, Esau akasvika achibva kusango aziya; |
| 30. | Esau akati kuna Jakobho, "Dondipawo izvo zvakatsvuka ndidye, nokuti ndaziya;" saka wakatumidzwa zita rinonzi Edhomu. |
| 31. | Jakobho akati, "Chimbonditengesera udangwe hwako." |
| 32. | Esau akati, "Tarira, ndofa hangu, udangwe uchandibatsireiko?" |
| 33. | Jakobho akati, "Chimbondipikira;" akamupikira, akatengesera Jakobho udangwe hwake. |
| 34. | Jakobho akapa Esau chingwa nezvokudya zvenyemba; akadya, akanwa, akasimuka, ndokuenda hake; Esau akazvidza udangwe hwake saizvozvo. |
| ← Genesis (25/50) → |