Genesis (25/50)  

1. Zvino Abhurahamu akawana­zve mumwe mukadzi, wainzi Ke­tura.
2. Iye akamuberekera Zimurami, naJokishani, naMedhani, naMidhiani, naIshibhaki, naShua.
3. Jokishani akabe­reka Shebha naDhedhani. Vanakomana vaDhedhani vakanga vari vaAshuri, na­vaRetushi, navaReumi.
4. Vanakomana vaMidhiani vakanga vari Efa, naEferi, naHanoki, naAbhidha, naEridha. Ava vose vakanga vari vana vaKetura.
5. Abhurahamu akapa Isaka zvose zvaakanga anazvo.
6. Asi vanakomana va­varongo vaAbhurahamu vaakanga anavo, Abhurahamu wakavapa zvipo; akava­tuma, iye achiri mupenyu, vabve kuna Isaka mwanakomana wake, vaende ku­mabvazuva, kunyika yokumabvazuva.
7. Ndiwo mazuva amakore oupenyu hwaAbhurahamu. Makore ane zana na­makumi manomwe namashanu.
8. Abhu­rahamu akabudisa mweya wake, akafa akwegura kwazvo, ava mutana, makore ake ave mazhinji, akasanganiswa nava­nhu vake.
9. Isaka naIshimaeri, vanako­mana vake, vakamuviga mubako reMa­kapera, mumunda waEfuroni, mwanakomana waZohari, wavaHeti, wa­katarisana neMamure;
10. ndiwo munda wakanga watengwa naAbhurahamu ku­vana vaHeti; ndipo pakavigwa Abhura­hamu naSara, mukadzi wake.
11. Zvino Abhurahamu wakati afa, Mwari akaropa­fadza Isaka, mwanakomana wake; Isaka akagara paBheeri-rakai-roi.
12. Ndiwo marudzi alshimaeri, mwa­nakomana waAbhurahamu, wakabereke­rwa Abhurahamu naHagari, muljipiti, mu­randakadzi waSara.
13. Ndiwo mazita avanakomana vaIshimaeri, ndiwo mazita avo pakuzvarwa kwavo. Wedangwe waIshimaeri wakanga ari Nebhayoti, naKe­dhari, naAdhibheri, naMibhisami,
14. naMi­shima, naDhurina, naMasa,
15. naHadhadhi, naTema, naJeturi, naNafishi, naKedhema;
16. ndivo vanakomana vaIshimaeri, ndiwo mazita avo, pamisha yavo napamatende avo; machinda ane gumi namaviri nendu­dzi dzavo.
17. Ndiwo makore oupenyu hwaIshimaeri, makore ane zana namakumi matatu namanomwe; akabudisa mweya wake, akafa, akasanganiswa navanhu vake.
18. Vakagara kubva paHavhira kusvi­kira paShuri, mberi kweIjipiti, kana mu­nhu achienda Asiria; akandogara akatari­sana nehama dzake dzose.
19. Ndiwo marudzi alsaka, mwanako­mana waAbhurahamu. Abhurahamu aka­bereka Isaka;
20. Isaka akanga ana makore ana makumi mana pakuwana kwake Rabheka, mukunda waBhetueri, muAramu, wePadhanaramu, hanzvadzi yaRa­bhani, muAramu, kuti ave mukadzi wake.
21. Zvino Isaka wakanyengeterera muka­dzi wake kuna Jehovha, nokuti wakanga asingabereki; Jehovha akanzwa kunye­ngetera kwake, Rabheka, mukadzi wake, akave nemimba.
22. Zvino vana vakasu­ndana mukati make, akati, "Kana zvaka­daro, ndakaitirweiko izvozvi?" Akando­bvunza Jehovha.
23. Jehovha akati kwaari, "Mune ndudzi mbiri muchizvaro chako, ndudzi mbiri dzichaparadzana, dzichibva mudumbu rako; rumwe rudzi ruchakunda rumwe rudzi nesimba; mukuru achashumira muduku. "
24. Zvino mazuva ake okubereka akati asvika, onei vana vaviri vari muchizvaro chake.
25. Wokutanga akabuda ari mu­tsvuku, muviri wose wakaita senguvo ine mvere; vakatumidza zita rake Esau.
26. Pa­shure munun’una wake akabuda, ruoko rwake rwakabata chitsitsinho chaEsau, vakatumidza zita rake Jakobho. Isaka akanga ana makore makumi matanhatu pakuberekwa kwavo.
27. Vakomana vaka­kura; Esau akava mudzimba wakache­njera, murume wesango; Jakobho waka­nga ari murume wakarurama, waigara mumatende.
28. Isaka akada Esau, nokuti waida nyama yemhuka, asi Rabheka wakanga achida Jakobho.
29. Zvino Jakobho wakanga abika zvokudya, Esau akasvika achibva kusa­ngo aziya;
30. Esau akati kuna Jakobho, "Dondipawo izvo zvakatsvuka ndidye, nokuti ndaziya;" saka wakatumidzwa zita rinonzi Edhomu.
31. Jakobho akati, "Chimbonditenge­sera udangwe hwako."
32. Esau akati, "Tarira, ndofa hangu, udangwe uchandibatsireiko?"
33. Jakobho akati, "Chimbondipi­kira;" akamupikira, akatengesera Jako­bho udangwe hwake.
34. Jakobho akapa Esau chingwa nezvokudya zvenyemba; akadya, akanwa, akasimuka, ndokuenda hake; Esau akazvidza udangwe hwake saizvozvo.

  Genesis (25/50)