| ← Genesis (24/50) → |
| 1. | Abhurahamu zvino wakanga akwegura, ava mutana kwazvo; Jehovha wakanga aropafadza Abhurahamu pazvinhu zvose. |
| 2. | Abhurahamu akataura nomuranda wake, waiva mukuru weimba yake, waichengeta zvose zvaakanga anazvo, achiti, "Chimboisa chanza chako pasi pechidya changu, |
| 3. | ndikupikise naJehovha, Mwari wokudenga, naMwari wenyika, kuti haungatoreri mwanakomana wangu mukadzi kuvanasikana veKenani, vandinogara pakati pavo; |
| 4. | asi uende kunyika yangu, nokuhama dzangu, undotorera ikoko mwanakomana wangu Isaka mukadzi." |
| 5. | Muranda akati kwaari, "Zvimwe mukadzi haangatendi kunditevera kunyika ino, zvino ndingafanira kudzosera mwanakomana wenyu kunyika kwamakabva here?" |
| 6. | Abhurahamu akati kwaari, "Chenjera kuti urege kudzosera mwanakomana wangu ikoko. |
| 7. | Jehovha, Mwari wokudenga, wakandibvisa paimba yababa vangu nomunyika yokuzvarwa kwangu, wakataura neni, akandipikira, achiti, `Nyika ino ndichapa vana vako,' ndiye achatuma mutumwa wake pamberi pako, kuti utorere mwanakomana wangu mukadzi ikoko. |
| 8. | Kana mukadzi asingatendi kukutevera, iwe uchasunungurwa pakupika kwako uku kwandiri; asi usadzosera mwanakomana wangu ikoko." |
| 9. | Ipapo muranda akaisa chanza chake pasi pechidya chatenzi wake, akamupikira pamusoro pechinhu ichocho. |
| 10. | Muranda akatora makamera ane gumi pamakamera atenzi wake, akaenda, aine nhumbi dzose dzakanaka dzatenzi wake; akasimuka, akaenda Mesopotamia kuguta raNahori. |
| 11. | Akapfugamisa makamera kunze kweguta patsime remvura nenguva yamadekwana, iri nguva yaibuda vakadzi kundochera mvura; |
| 12. | akati, "Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, ndifambisei henyu zvakanaka nhasi; muitire tenzi wangu Abhurahamu ngoni. |
| 13. | Tarirai ndimire patsime remvura, vakunda vavanhu veguta vobuda kuzochera mvura. |
| 14. | Zvino ngakuitwe kuti musikana wandichati kwaari, `Nditurirewo chirongo chako, ndinwe'; kana akati, `Inwai henyu, namakamera enyu ndichaanwisawo;' ngaave iye wamakatsaurira muranda wenyu Isaka; naizvozvo ndichaziva kuti makaitira tenzi wangu ngoni. " |
| 15. | Zvino wakanga asati apedza kutaura, Rabheka, wakaberekerwa Bhetueri, mwanakomana waMirika, mukadzi waNahori, munun’una waAbhurahamu, wakasvika ane chirongo pafudzi rake. |
| 16. | Zvino musikana uyu wakanga akanaka kwazvo pameso ake, mhandara isina kumboziviwa nomurume; akaburukira kutsime, akazadza chirongo chake, akakwirazve. |
| 17. | Ipapo muranda wakamhanyira kundosangana naye, akati, "Dondipawo mvura pachirongo chako, ndinwe." |
| 18. | Iye akati, "Inwai henyu, ishe wangu;" akakurumidza kutura chirongo chake paruoko rwake, akamunwisa. |
| 19. | Wakati apedza kumunwisa, akati, "Ndichacherera makamera enyuwo kusvikira aguta." |
| 20. | Akakurumidza, akadurura mvura yakanga iri muchirongo chake muchinwiro; akamhanyira kutsime kundocherazve, akacherera makamera ake ose. |
| 21. | Murume akamutarisisa, anyerere, kuti azive kana Jehovha amufambisa zvakanaka parwendo rwake, kana kwete. |
| 22. | Makamera akati apedza kunwa murume akatora chindori chendarama chakaita hafu yeshekeri rimwe rendarama pakurema kwacho, nezvishongo zviviri zvamaoko zvakaita mashekeri ane gumi pakurema kwazvo; |
| 23. | akati, "Uri mukunda waaniko? Ndiudze hako. Kumba kwababa vako kune pokuvata here?" |
| 24. | Iye akati, "Ndiri mukunda waBhetueri, mwanakomana waMirika, waakaberekera Nahori." |
| 25. | Akati kwaariwo, "Tinahwo uswa hwakaoma nezvokudya zvizhinji, nopokuvatawo." |
| 26. | Murume akakotamisa musoro wake, akanamata Jehovha. |
| 27. | Akati, "Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu ngaakudzwe, asina kurega nyasha dzake nokutendeka kwake kuna tenzi wangu; kana ndirini, Jehovha wakandifambisa, akandisvitsa kuimba yehama dzatenzi wangu." |
| 28. | Ipapo musikana wakamhanya, akandoudza veimba yamai vake mashoko iwaya. |
| 29. | Zvino Rabheka wakanga ane hanzvadzi yainzi Rabhani; Rabhani akabuda, akamhanyira kumurume kutsime. |
| 30. | Nokuti wakati achiona chindori nezvishongo pamaoko ehanzvadzi yake, achiti, "Ndizvo zvakataura murume kwandiri," akaenda kumurume akamuwana amire pamakamera patsime. |
| 31. | Akati, "Pinda, iwe, wakaropafadzwa naJehovha; unomirireiko kunze? Nokuti ndagadzira imba nenzvimbo yamakamera. " |
| 32. | Murume akapinda mumba; akasunungura makamera akapa makamera uswa hwakaoma nezvokudya; nemvura kuti ashambidze tsoka dzake netsoka dzavarume vaakanga anavo. |
| 33. | Ipapo zvokudya zvakaiswa pamberi pake kuti adye; asi iye akati, "Handingadyi ndisati ndambotaura mashoko angu." Akati, "Taura hako." |
| 34. | Iye akati, "Ndiri muranda waAbhurahamu. |
| 35. | Jehovha wakaropafadza tenzi wangu kwazvo; wava mukuru; wakamupa makwai, nemombe, nesirivha, nendarama, navaranda, navarandakadzi, namakamera, nembongoro. |
| 36. | NaSara, mukadzi watenzi wangu, wakaberekera tenzi wangu mwanakomana pakukwegura kwake; ndiye waakapa zvose zvaanazvo. |
| 37. | Tenzi wangu akandipikisa, akati, `Usatorera mwanakomana wangu mukadzi kuvanasikana veKenani, pandigere munyika yavo; |
| 38. | asi uende kune veimba yababa vangu nokuhama dzangu unotorera mwanakomana wangu mukadzi ikoko.' |
| 39. | Ndikati kuna tenzi wangu, `Zvimwe mukadzi haangatendi kunditevera.' |
| 40. | Iye akati, `Jehovha wandinosifamba pamberi pake, achatuma mutumwa wake newe, akufambise zvakanaka parwendo rwako; unotorera mwanakomana wangu mukadzi kuhama dzangu nokune veimba yababa vangu; |
| 41. | uchasunungurwa pakupika kwako kwandiri kana wasvika kuhama dzangu; kana vakaramba kukupa iye, uchasunungurwa pakupika kwako kwandiri.' |
| 42. | Zvino ndakasvika nhasi kutsime, ndikati, `Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, kana muchida kundifambisa zvakanaka parwendo rwangu rwandinofamba, |
| 43. | tarirai, ndimire patsime remvura; zvino ngazviitwe, kuti musikana anobuda kuzochera mvura,' wandichati kwaari, `Dondipawo zvimvura pachirongo chako, ndinwe,' |
| 44. | iye akati kwandiri, `Inwai henyu, imwi, uye ndichacherera makamera enyuwo,' iye ave mukadzi wakatsaurirwa mwanakomana watenzi wangu naJehovha. |
| 45. | Zvino ndisati ndapedza kutaura mumoyo mangu, ndikaona Rabheka achiuya aine chirongo chake pafudzi rake; akaburukira kutsime, akachera; ndikati kwaari, `Dondipawo, ndinwe.' |
| 46. | Iye akakurumidza, akatura chirongo chake pafudzi rake, akati, `Inwai henyu, uye ndichanwisa makamera enyuwo'; ini ndikanwa, akanwisa makamerawo. |
| 47. | Zvino ndakamubvunza, ndikati, `Uri mukunda waaniko?' Iye akati, `Ndiri mukunda waBhetueri, mwanakomana waNahori, waakaberekerwa naMirika;' ipapo ndakaisa chindori mumhino dzake, nezvishongo pamaoko ake. |
| 48. | Ndikakotamisa musoro wangu, ndikanamata Jehovha, ndikatenda Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, iye wakandifambisa panzira yakarurama, kuti nditorere mwanakomana watenzi wangu mukunda womunun’una watenzi wangu, kuti ave mukadzi wake. |
| 49. | Zvino kana muchida kuitira tenzi wangu moyochena nokutendeka, mundiudze; kana musingadi, mundiudze, kuti ndiende kurudyi kana kuruboshwe." |
| 50. | Ipapo Rabhani naBhetueri vakapindura vakati, "Chinhu ichi chinobva kuna Mwari. Isu hatigoni kutaura kwauri zvakaipa kana zvakanaka. |
| 51. | Tarira, Rabheka ari pamberi pako, umutore uende, kuti ave mukadzi wake, sezvakarehwa naJehovha." |
| 52. | Zvino muranda waAbhurahamu wakati anzwa mashoko avo, akakotamira pasi pamberi paJehovha; |
| 53. | muranda akabudisa zvishongo zvesirivha, nezvendarama, nenguvo; akazvipa Rabheka; akapawo hanzvadzi yake namai vake nhumbi dzinokosha. |
| 54. | Vakadya, vakanwa, iye navarume vaakanga anavo; vakagarapo usiku hwose, vakamuka mangwanani; iye akati, "Regai, ndiende kuna tenzi wangu." |
| 55. | Asi hanzvadzi yake namai vake vakati, "Musikana achimbogara nesu mazuva zvimwe ane gumi, agozoenda hake." |
| 56. | Asi iye wakati kwavari, "Musandidzora henyu, Jehovha zvaakandifambisa zvakanaka parwendo rwangu; regai ndiende kuna tenzi wangu." |
| 57. | Ivo vakati, "Ngatidane musikana, tinzwe muromo wake." |
| 58. | Vakadana Rabheka, vakati kwaari, "Uchaenda nomurume uyu here?" Akati, "Ndichaenda." |
| 59. | Ipapo vakatendera Rabheka, hanzvadzi yavo, nomureri wake, kuti vaende nomuranda waAbhurahamu, navanhu vake. |
| 60. | Vakaropafadza Rabheka, vakati kwaari, "Iwe, hanzvadzi yedu, uve mai vezviuru zvamazana; vana vako ngavave varidzi vamasuo avavengi vavo." |
| 61. | Rabheka akasimuka, navasikana vake, vakatasva makamera, vakatevera murume uyo; muranda akatora Rabheka, akaenda parwendo rwake. |
| 62. | Zvino Isaka wakanga achibva nenzira yeBheeri-rakai-roi; nokuti wakanga agere kunyika yenyasi. |
| 63. | Isaka akabuda kundorangarira kusango nenguva yamadekwana; akasimudza meso ake, akatarira, akaona makamera achiuya. |
| 64. | Rabheka akasimudzawo meso ake; akati achiona Isaka, akaburuka pakamera rake. |
| 65. | Akati kumuranda, "Murume uyu, anofamba musango kuzosangana nesu ndianiko?" Muranda akati, "Nditenzi wangu;" iye akatora chokufukidzira chiso chake, akazvifukidza. |
| 66. | Zvino muranda akaudza Isaka zvose zvaakanga aita. |
| 67. | Isaka akamuisa mutende ramai vake Sara, akawana Rabheka, akava mukadzi wake; akamuda. Isaka akanyaradzwa shure kwokufa kwamai vake. |
| ← Genesis (24/50) → |