Genesis (24/50)  

1. Abhurahamu zvino wakanga akwegura, ava mutana kwazvo; Jehovha wakanga aropafadza Abhura­hamu pazvinhu zvose.
2. Abhurahamu akataura nomuranda wake, waiva mukuru weimba yake, waichengeta zvose zvaaka­nga anazvo, achiti, "Chimboisa chanza chako pasi pechidya changu,
3. ndikupi­kise naJehovha, Mwari wokudenga, naMwari wenyika, kuti haungatoreri mwa­nakomana wangu mukadzi kuvanasikana veKenani, vandinogara pakati pavo;
4. asi uende kunyika yangu, nokuhama dzangu, undotorera ikoko mwanakomana wangu Isaka mukadzi."
5. Muranda akati kwaari, "Zvimwe mukadzi haangatendi kunditevera ku­nyika ino, zvino ndingafanira kudzosera mwanakomana wenyu kunyika kwama­kabva here?"
6. Abhurahamu akati kwaari, "Che­njera kuti urege kudzosera mwanako­mana wangu ikoko.
7. Jehovha, Mwari wokudenga, wakandibvisa paimba ya­baba vangu nomunyika yokuzvarwa kwa­ngu, wakataura neni, akandipikira, achiti, `Nyika ino ndichapa vana vako,' ndiye achatuma mutumwa wake pamberi pako, kuti utorere mwanakomana wangu muka­dzi ikoko.
8. Kana mukadzi asingatendi kukutevera, iwe uchasunungurwa paku­pika kwako uku kwandiri; asi usadzosera mwanakomana wangu ikoko."
9. Ipapo muranda akaisa chanza chake pasi pechi­dya chatenzi wake, akamupikira pamu­soro pechinhu ichocho.
10. Muranda akatora makamera ane gumi pamakamera atenzi wake, akaenda, aine nhumbi dzose dzakanaka dzatenzi wake; akasimuka, akaenda Mesopotamia kuguta raNahori.
11. Akapfugamisa maka­mera kunze kweguta patsime remvura nenguva yamadekwana, iri nguva yai­buda vakadzi kundochera mvura;
12. akati, "Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhu­rahamu, ndifambisei henyu zvakanaka nhasi; muitire tenzi wangu Abhurahamu ngoni.
13. Tarirai ndimire patsime re­mvura, vakunda vavanhu veguta vobuda kuzochera mvura.
14. Zvino ngakuitwe kuti musikana wandichati kwaari, `Nditu­rirewo chirongo chako, ndinwe'; kana akati, `Inwai henyu, namakamera enyu ndichaanwisawo;' ngaave iye wamaka­tsaurira muranda wenyu Isaka; naizvozvo ndichaziva kuti makaitira tenzi wangu ngoni. "
15. Zvino wakanga asati apedza ku­taura, Rabheka, wakaberekerwa Bhetueri, mwanakomana waMirika, mukadzi waNahori, munun’una waAbhurahamu, waka­svika ane chirongo pafudzi rake.
16. Zvino musikana uyu wakanga akanaka kwazvo pameso ake, mhandara isina kumbozi­viwa nomurume; akaburukira kutsime, akazadza chirongo chake, akakwirazve.
17. Ipapo muranda wakamhanyira kundo­sangana naye, akati, "Dondipawo mvura pachirongo chako, ndinwe."
18. Iye akati, "Inwai henyu, ishe wa­ngu;" akakurumidza kutura chirongo chake paruoko rwake, akamunwisa.
19. Wakati apedza kumunwisa, akati, "Ndichacherera makamera enyuwo ku­svikira aguta."
20. Akakurumidza, akadu­rura mvura yakanga iri muchirongo chake muchinwiro; akamhanyira kutsime kundocherazve, akacherera makamera ake ose.
21. Murume akamutarisisa, anye­rere, kuti azive kana Jehovha amufambisa zvakanaka parwendo rwake, kana kwete.
22. Makamera akati apedza kunwa murume akatora chindori chendarama chakaita hafu yeshekeri rimwe rendarama pakurema kwacho, nezvishongo zviviri zvamaoko zvakaita mashekeri ane gumi pakurema kwazvo;
23. akati, "Uri mukunda waaniko? Ndiudze hako. Kumba kwababa vako kune pokuvata here?"
24. Iye akati, "Ndiri mukunda waBhe­tueri, mwanakomana waMirika, waaka­berekera Nahori."
25. Akati kwaariwo, "Tinahwo uswa hwakaoma nezvokudya zvizhinji, nopokuvatawo."
26. Murume akakotamisa musoro wake, akanamata Jehovha.
27. Akati, "Je­hovha, Mwari watenzi wangu Abhura­hamu ngaakudzwe, asina kurega nyasha dzake nokutendeka kwake kuna tenzi wangu; kana ndirini, Jehovha wakandi­fambisa, akandisvitsa kuimba yehama dzatenzi wangu."
28. Ipapo musikana wa­kamhanya, akandoudza veimba yamai vake mashoko iwaya.
29. Zvino Rabheka wakanga ane hanzvadzi yainzi Rabhani; Rabhani akabuda, akamhanyira kumu­rume kutsime.
30. Nokuti wakati achiona chindori nezvishongo pamaoko eha­nzvadzi yake, achiti, "Ndizvo zvaka­taura murume kwandiri," akaenda ku­murume akamuwana amire pamakamera patsime.
31. Akati, "Pinda, iwe, wakaro­pafadzwa naJehovha; unomirireiko ku­nze? Nokuti ndagadzira imba nenzvi­mbo yamakamera. "
32. Murume akapinda mumba; akasunungura makamera akapa makamera uswa hwakaoma nezvoku­dya; nemvura kuti ashambidze tsoka dzake netsoka dzavarume vaakanga anavo.
33. Ipapo zvokudya zvakaiswa pa­mberi pake kuti adye; asi iye akati, "Handingadyi ndisati ndambotaura ma­shoko angu." Akati, "Taura hako."
34. Iye akati, "Ndiri muranda waAbhurahamu.
35. Jehovha wakaropafadza te­nzi wangu kwazvo; wava mukuru; waka­mupa makwai, nemombe, nesirivha, nendarama, navaranda, navarandakadzi, namakamera, nembongoro.
36. NaSara, mukadzi watenzi wangu, wakaberekera tenzi wangu mwanakomana pakukwegura kwake; ndiye waakapa zvose zvaanazvo.
37. Tenzi wangu akandipikisa, akati, `Usa­torera mwanakomana wangu mukadzi kuvanasikana veKenani, pandigere mu­nyika yavo;
38. asi uende kune veimba yababa vangu nokuhama dzangu unoto­rera mwanakomana wangu mukadzi ikoko.'
39. Ndikati kuna tenzi wangu, `Zvi­mwe mukadzi haangatendi kunditevera.'
40. Iye akati, `Jehovha wandinosifamba pamberi pake, achatuma mutumwa wake newe, akufambise zvakanaka parwendo rwako; unotorera mwanakomana wangu mukadzi kuhama dzangu nokune veimba yababa vangu;
41. uchasunungurwa paku­pika kwako kwandiri kana wasvika ku­hama dzangu; kana vakaramba kukupa iye, uchasunungurwa pakupika kwako kwandiri.'
42. Zvino ndakasvika nhasi ku­tsime, ndikati, `Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, kana muchida ku­ndifambisa zvakanaka parwendo rwangu rwandinofamba,
43. tarirai, ndimire patsime remvura; zvino ngazviitwe, kuti musikana anobuda kuzochera mvura,' wandichati kwaari, `Dondipawo zvimvura pachiro­ngo chako, ndinwe,'
44. iye akati kwandiri, `Inwai henyu, imwi, uye ndichacherera makamera enyuwo,' iye ave mukadzi wakatsaurirwa mwanakomana watenzi wangu naJehovha.
45. Zvino ndisati ndape­dza kutaura mumoyo mangu, ndikaona Rabheka achiuya aine chirongo chake pafudzi rake; akaburukira kutsime, aka­chera; ndikati kwaari, `Dondipawo, ndi­nwe.'
46. Iye akakurumidza, akatura chiro­ngo chake pafudzi rake, akati, `Inwai henyu, uye ndichanwisa makamera enyu­wo'; ini ndikanwa, akanwisa makame­rawo.
47. Zvino ndakamubvunza, ndikati, `Uri mukunda waaniko?' Iye akati, `Ndiri mukunda waBhetueri, mwanakomana waNahori, waakaberekerwa naMirika;' ipapo ndakaisa chindori mumhino dzake, nezvishongo pamaoko ake.
48. Ndikakota­misa musoro wangu, ndikanamata Jeho­vha, ndikatenda Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, iye wakandifambisa panzira yakarurama, kuti nditorere mwa­nakomana watenzi wangu mukunda wo­munun’una watenzi wangu, kuti ave muka­dzi wake.
49. Zvino kana muchida kuitira tenzi wangu moyochena nokutendeka, mundiudze; kana musingadi, mundiudze, kuti ndiende kurudyi kana kuruboshwe."
50. Ipapo Rabhani naBhetueri vakapi­ndura vakati, "Chinhu ichi chinobva kuna Mwari. Isu hatigoni kutaura kwauri zva­kaipa kana zvakanaka.
51. Tarira, Rabheka ari pamberi pako, umutore uende, kuti ave mukadzi wake, sezvakarehwa naJe­hovha."
52. Zvino muranda waAbhura­hamu wakati anzwa mashoko avo, aka­kotamira pasi pamberi paJehovha;
53. muranda akabudisa zvishongo zvesiri­vha, nezvendarama, nenguvo; akazvipa Rabheka; akapawo hanzvadzi yake namai vake nhumbi dzinokosha.
54. Vakadya, vakanwa, iye navarume vaakanga anavo; vakagarapo usiku hwose, vakamuka mangwanani; iye akati, "Regai, ndiende kuna tenzi wangu."
55. Asi hanzvadzi yake namai vake vakati, "Musikana achimbogara nesu ma­zuva zvimwe ane gumi, agozoenda hake."
56. Asi iye wakati kwavari, "Musandi­dzora henyu, Jehovha zvaakandifambisa zvakanaka parwendo rwangu; regai ndie­nde kuna tenzi wangu."
57. Ivo vakati, "Ngatidane musikana, tinzwe muromo wake."
58. Vakadana Ra­bheka, vakati kwaari, "Uchaenda nomu­rume uyu here?" Akati, "Ndichaenda."
59. Ipapo vakatendera Rabheka, hanzvadzi yavo, nomureri wake, kuti vaende nomu­randa waAbhurahamu, navanhu vake.
60. Vakaropafadza Rabheka, vakati kwaari, "Iwe, hanzvadzi yedu, uve mai vezviuru zvamazana; vana vako ngavave varidzi vamasuo avavengi vavo."
61. Rabheka akasimuka, navasikana vake, vakatasva makamera, vakatevera murume uyo; muranda akatora Rabheka, akaenda parwendo rwake.
62. Zvino Isaka wakanga achibva ne­nzira yeBheeri-rakai-roi; nokuti waka­nga agere kunyika yenyasi.
63. Isaka aka­buda kundorangarira kusango nenguva yamadekwana; akasimudza meso ake, akatarira, akaona makamera achiuya.
64. Rabheka akasimudzawo meso ake; akati achiona Isaka, akaburuka paka­mera rake.
65. Akati kumuranda, "Mu­rume uyu, anofamba musango kuzosa­ngana nesu ndianiko?" Muranda akati, "Nditenzi wangu;" iye akatora chokufukidzira chiso chake, akazvifukidza.
66. Zvino muranda akaudza Isaka zvose zvaakanga aita.
67. Isaka aka­muisa mutende ramai vake Sara, akawana Rabheka, akava mukadzi wake; akamuda. Isaka akanyaradzwa shure kwokufa kwa­mai vake.

  Genesis (24/50)