Genesis (23/50)  

1. Zvino Sara wakagara makore ane zana namakumi maviri nama­nomwe; ndiwo makore oupenyu hwaSara.
2. Sara akafa paKiriyatiabha (rimwe zita ndiHebhuroni) panyika yeKenani; Abhurahamu akauya kuzochema Sara nokumuririra.
3. Zvino Abhurahamu akasimuka pa­nowakafa wake, akataurirana navana vaHeti, akati,
4. "Ndiri mweni nomutorwa pakati penyu, ndipei nzvimbo yokuviga pakati penyu, ive nzvimbo yangu, kuti ndivige wakafa wangu, ndirege ku­muona."
5. Vana vaHeti vakapindura Abhura­hamu, vakati kwaari,
6. "Chitinzwai, ishe wedu, imwi muri muchinda waMwari pa­kati pedu; vigai wakafa wenyu pahwiro hwakanaka pakati pamahwiro edu ose; hakuna munhu pakati pedu angakunyimai hwiro hwake, kuti muvige wakafa we­nyu.
7. Ipapo Abhurahamu wakasimuka akakotamira pasi pamberi pavanhu ve­nyika iyo, ivo vana vaHeti,
8. akataurirana navo, akati, "Kana muchitenda kuti ndi­vige wakafa wangu, ndirege kumuona, chindinzwai, mundikumbirire kuna Efu­roni, mwanakomana waZohari,
9. kuti andipe bako reMakapera, raanaro, riri pamagumo emunda wake, andipe iroro, ndiripe mutengo wose, ive nzvimbo ya­ngu yokuviga pakati penyu."
10. Efuroni zvino wakanga agere pa­kati pavana vaHeti; Efuroni, muHeti, akapindura Abhurahamu, vana vaHeti, vachizvinzwa, ivo vose vaipinda pasuo reguta rake, akati,
11. "Kwete, ishe wangu, chindinzwai; teererai, ndinokupai munda, nairo bako ririmo, ndinokupai iro; ndino­kupai izvozvo pamberi pavana vavanhu vangu; vigai henyu wakafa wenyu."
12. Abhurahamu akakotama pamberi pava­nhu venyika iyo,
13. akataura naEfuroni, vanhu venyika iyo vachizvinzwa, achiti, "Kana uchida, chinditeerera hako, ndi­chakupa mutengo womunda, uugamu­chire kwandiri, kuti ndivige wakafa wa­ngupo."
14. Efuroni akapindura Abhurahamu, akati kwaari,
15. "Ishe wangu, chinditeererai; mu­nda unotengwa namashekeri esirivha ana mazana mana, chingava chinyiko pakati pangu newe? Vigai henyu wakafa we­nyu."
16. Abhurahamu akateerera Efuroni. Abhurahamu akayerera Efuroni mashe­keri esirivha aakareva, vana vaHeti va­chizvinzwa, mashekeri esirivha ana ma­zana mana, avanotenga nawo kuvatengesi.
17. Naizvo munda waEfuroni, wa­kanga uri paMakapera pakatarisana neMamure, munda nebako rakanga ririmo, nemiti yose yakanga iri mumunda neya­kanga iri panyika yose yakapoteredza,
18. zvikava zvaAbhurahamu pamberi pa­vana vaHeti, pamberi pavose vaipinda pasuo reguta rake.
19. Shure kwaizvozvo Abhurahamu akaviga Sara, mukadzi wake, mubako romunda weMakapera, pakatarisana neMamure (rimwe zita ndiHebhuroni), pa­nyika yeKenani.
20. Zvino munda nebako rakanga ririmo zvakasimbisiwa kuna Abhurahamu navana vaHeti, kuti zvive zvake, ikava nzvimbo yake yokuviga.

  Genesis (23/50)