Genesis (22/50)  

1. Shure kwaizvozvo Mwari wa­kaedza Abhurahamu, akati kwaari, "Abhurahamu! " Iye akati, "Ndiri pano hangu."
2. Akati, "Zvino tora mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe chete, waunoda, Isaka, uende kunyika yeMoria umuite chibayiro chinopiswa pane rimwe gomo randichakuudza."
3. Abhurahamu akamuka mangwa­nani, akasunga mbongoro yake, akatora majaya ake maviri naIsaka, mwanako­mana wake, akatsemura huni dzechiba­yiro chinopiswa, ndokusimuka, akaenda kunzvimbo yaakaudzwa naMwari.
4. Zvino nomusi wetatu Abhurahamu aka­simudza meso ake, akaona nzvimbo iyo ari kure.
5. Abhurahamu akati kumajaya ake, "imwi chigarai henyu pano nembo­ngoro, ini nomwana tichaenda ikoko; tichambondonamata, tigodzokera kwa­muri. "
6. Abhurahamu akatora huni dzechi­bayiro chinopiswa, akadzitakudza Isaka, mwanakomana wake; akatora moto neba­nga muruoko rwake, vakaenda vari va­viri.
7. Isaka akataura naAbhurahamu, baba vake, akati, "Baba vangu! " Iye akati, "Ndiri pano hangu, mwana wangu." Akati: "Hoyu moto nehuni, asi hwayana rechibayiro chinopiswa riripiko?"
8. Abhurahamu akati, "Mwari ucha­tipa gwayana rechibayiro chinopiswa, mwana wangu;" saizvozvo vakafamba vari vaviri.
9. Vakandosvika panzvimbo yaakau­dzwa naMwari; Abhurahamu akavakapo aritari, akagadzira huni, ndokusunga mwa­nakomana wake, akamuisa paaritari pamu­soro pehuni.
10. Zvino Abhurahamu akata­mbanudza ruoko rwake, akatora banga, kuti abaye mwanakomana wake.
11. Ipapo mutumwa waJehovha wakadanidzira kwaari, ari kudenga akati, "Abhurahamu! Abhurahamu!" Iye akati, "Ndiri pano hangu."
12. Akati, "Usaisa ruoko rwako ku­mwana, usamuitira chinhu, nokuti zvino ndinoziva kuti unotya Mwari, zvausina kundinyima mwanakomana wako, iye mwanakomana wako mumwe chete."
13. Abhurahamu akasimudza meso ake, akatarira, ndokuona shure kwake hondohwe yakanga yakabatwa nyanga dzayo mugwenzi. Abhurahamu akatora hondohwe iya, akaipisa chikava chiba­yiro panzvimbo yomwanakomana wake.
14. Abhurahamu akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Jehovha jire; saka nanhasi vanositi, "Pagomo raJehovha ndipo paa­chaonekwa."
15. Ipapo mutumwa waJehovha waka­dana Abhurahamu rwechipiri, ari kude­nga,
16. akati, "Zvanzi naJehovha, `Ndaka­pika neni ndimene,' ndichiti, `Zvawaita izvozvo, ukasandinyima mwanakomana wako mumwe chete;
17. ndichakuropafa­dza kwazvo, ndichawanza vana vako kwazvo senyeredzi dzokudenga, uye se­jecha riri pamahombekombe egungwa; vana vako vachava varidzi vamasuo ava­vengi vavo;
18. ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa muvana vako, zvawa­kateerera inzwi rangu.' "
19. Ipapo Abhura­hamu wakadzokera kumajaya ake, vaka­simuka vakaenda vose Bheerishebha; Abhurahamu akagara paBheerishebha.
20. Zvino shure kwaizvozvo Abhura­hamu wakaudzwa, zvichinzi, "Tarira, Mirika wakaberekerawo munun’una wako Nahori vanakomana ava:
21. Uzi, dangwe rake, naBuzi, munun’una wake, naKemueri, baba vaAramu,
22. naKesedhi, naHazo, naPiradhashi, naJidhirafi, naBhetueri.
23. Bhetueri akabereka Rabheka, ava va­sere ndivo vakaberekerwa Nahori, munu­n’una waAbhurahamu, naMirika."
24. No­murongo wake wainzi Ruma, wakaberekawo Tebha, naGahami, naTa­hashi, naMaaka.

  Genesis (22/50)