| ← Genesis (21/50) → |
| 1. | Zvino Jehovha wakashanyira Sara, sezvaakataura; Jehovha akaitira Sara sezvaakavaudza. |
| 2. | Sara akava nemimba, akaberekera Abhurahamu mwanakomana pakukwegura kwake nenguva iyeyo yakanga yarehwa naMwari. |
| 3. | Abhurahamu akatumidza mwanakomana wake, waakaberekerwa naSara, zita rinonzi Isaka. |
| 4. | Abhurahamu akadzingisa mwanakomana wake Isaka aita mazuva masere, sezvaakarairwa naMwari. |
| 5. | Abhurahamu wakanga asvika makore ane zana, nguva yaakaberekerwa mwanakomana wake Isaka. |
| 6. | Ipapo Sara akati, "Mwari wandisekesa; vose, vanonzwa izvozvi, vachaseka neni." |
| 7. | Akati, "Ndianiko waitongoti kuna Abhurahamu, `Sara achayamwisa vana?' Nokuti ndakamuberekera mwanakomana pakukwegura kwake. " |
| 8. | Mwanakomana wakazokura, akarumurwa; Abhurahamu akaita mutambo mukuru nomusi wokurumurwa kwalsaka. |
| 9. | Zvino Sara akaona mwanakomana waHagari, muljipiti, waakaberekera Abhurahamu, achiseka. |
| 10. | Saka wakati kuna Abhurahamu, "Dzinga mubatiri uyu nomwanakomana wake, nokuti mwanakomana womubatiri uyu haangadyi nhaka pamwechete nomwanakomana wangu Isaka." |
| 11. | Shoko iro rakanga rakaipa kwazvo kuna Abhurahamu, nokuda kwomwanakomana wake. |
| 12. | Ipapo Mwari akati kuna Abhurahamu, "Ngazvirege hazvo kuva zvakaipa kwauri nokuda kwomukomana nokwo mubatiri wako; uteerere Sara pazvinhu zvose zvaanotaura kwauri, nokuti rudzi rwako ruchatumidzwa nezita ralsaka. |
| 13. | Naiye mwanakomana womubatiri ndichamuita rudzi rukuruwo, nokuti mwanakomana wako." |
| 14. | Abhurahamu akamuka mangwanani, akatora chingwa neguchu remvura, akapa Hagari, akazviisa pafudzi rake, nomwanawo, akamuendesa; iye akaenda akandodzungaira murenje reBheerishebha. |
| 15. | Mvura yeguchu yakati yapera, akakanda mwana pasi munyasi megwenzi; |
| 16. | iye akandogara pasi pakatarisana naye nhambwe inenge ingasvika museve kana wapotserwa, nokuti wakati, "Ndirege kuona hangu mwana achifa." Akagara pakatarisana naye, akachema kwazvo. |
| 17. | Mwari akanzwa inzwi romukomana; mutumwa waMwari akadanidzira kuna Hagari, ari kudenga, akati kwaari, "Zvaita seiko Hagari? Usatya, nokuti Mwari wanzwa inzwi romukomana apo paari. |
| 18. | Simuka usimudze mukomana, umubate noruoko rwako, nokuti ndichamuita rudzi rukuru." |
| 19. | Ipapo Mwari akasvinudza meso ake, akaona tsime remvura; akaenda, akazadza guchu nemvura, akanwisa mukomana. |
| 20. | Mwari akava nomukomana, akakura, akagara murenje, akava munhu anopfura nouta. |
| 21. | Akagara murenje reParani, mai vake vakamutorera mukadzi kunyika yeIjipiti. |
| 22. | Zvino nenguva iyo Abhimereki naPikori, mukuru wehondo yake, vakataura naAbhurahamu, vakati, "Mwari anewe pazvinhu zvose zvaunoita; |
| 23. | naizvozvo zvino ndipikire pano naMwari kuti haungandinyengeri ini, kana vana vangu, kana vana vavana vangu; asi sezvandakakuitira tsitsi, uitewo saizvozvo kwandiri, nokunyika mawakagara uri mutorwa." |
| 24. | Abhurahamu akati, "Ndichapika." |
| 25. | Asi Abhurahamu akatuka Abhimereki nokuda kwetsime remvura rakanga ratorwa nesimba navaranda vaAbhimereki. |
| 26. | Abhimereki akati, "Handizivi akaita izvozvo, newe hauna kundiudza, ini handina kumbozvinzwa, asi nhasi." |
| 27. | Abhurahamu akatora makwai nenzombe, akapa Abhimereki, ivo vaviri vakaita sungano. |
| 28. | Abhurahamu akaraura zvisheche zvinomwe zvamakwai; |
| 29. | Abhimereki akati kuna Abhurahamu, "Ko zvisheche izvi zvinomwe zvawaraura ndezveiko?" |
| 30. | Iye akati, "Zvisheche izvi zvinomwe uzvigamuchire paruoko rwangu, chive chapupu changu, kuti ndini ndakachera tsime iri." |
| 31. | Naizvozvo akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Bheerishebha, nokuti ndipo pavakapika ivo vaviri. |
| 32. | Saizvozvo vakaita sungano paBheerishebha; Abhimereki akasimuka, naPikori, mukuru wehondo yake, vakadzokera kunyika yavaFirisitia. |
| 33. | Abhurahamu akasima muti womutamarisiki paBheerishebha, akanamatapo zita raJehovha Mwari wokusingaperi. |
| 34. | Abhurahamu akagara ari mutorwa panyika yavaFirisitia mazuva mazhinji. |
| ← Genesis (21/50) → |