Genesis (21/50)  

1. Zvino Jehovha wakashanyira Sara, sezvaakataura; Jehovha akaitira Sara sezvaakavaudza.
2. Sara akava nemimba, akaberekera Abhura­hamu mwanakomana pakukwegura kwake nenguva iyeyo yakanga yarehwa naMwari.
3. Abhurahamu akatumidza mwanakomana wake, waakaberekerwa naSara, zita rinonzi Isaka.
4. Abhurahamu akadzingisa mwanakomana wake Isaka aita mazuva masere, sezvaakarairwa naMwari.
5. Abhurahamu wakanga asvika makore ane zana, nguva yaakaberekerwa mwanakomana wake Isaka.
6. Ipapo Sara akati, "Mwari wandisekesa; vose, vano­nzwa izvozvi, vachaseka neni."
7. Akati, "Ndianiko waitongoti kuna Abhurahamu, `Sara achayamwisa vana?' Nokuti ndaka­muberekera mwanakomana pakukwegura kwake. "
8. Mwanakomana wakazokura, akaru­murwa; Abhurahamu akaita mutambo mukuru nomusi wokurumurwa kwalsaka.
9. Zvino Sara akaona mwanakomana waHagari, muljipiti, waakaberekera Abhu­rahamu, achiseka.
10. Saka wakati kuna Abhurahamu, "Dzinga mubatiri uyu no­mwanakomana wake, nokuti mwanako­mana womubatiri uyu haangadyi nhaka pamwechete nomwanakomana wangu Isaka."
11. Shoko iro rakanga rakaipa kwazvo kuna Abhurahamu, nokuda kwo­mwanakomana wake.
12. Ipapo Mwari akati kuna Abhurahamu, "Ngazvirege hazvo kuva zvakaipa kwauri nokuda kwomukomana nokwo mubatiri wako; uteerere Sara pazvinhu zvose zvaano­taura kwauri, nokuti rudzi rwako ruchatumidzwa nezita ralsaka.
13. Naiye mwa­nakomana womubatiri ndichamuita rudzi rukuruwo, nokuti mwanakomana wako."
14. Abhurahamu akamuka mangwa­nani, akatora chingwa neguchu remvura, akapa Hagari, akazviisa pafudzi rake, nomwanawo, akamuendesa; iye akaenda akandodzungaira murenje reBheerishe­bha.
15. Mvura yeguchu yakati yapera, akakanda mwana pasi munyasi megwe­nzi;
16. iye akandogara pasi pakatarisana naye nhambwe inenge ingasvika museve kana wapotserwa, nokuti wakati, "Ndi­rege kuona hangu mwana achifa." Aka­gara pakatarisana naye, akachema kwa­zvo.
17. Mwari akanzwa inzwi romuko­mana; mutumwa waMwari akadanidzira kuna Hagari, ari kudenga, akati kwaari, "Zvaita seiko Hagari? Usatya, nokuti Mwari wanzwa inzwi romukomana apo paari.
18. Simuka usimudze mukomana, umubate noruoko rwako, nokuti ndicha­muita rudzi rukuru."
19. Ipapo Mwari akasvinudza meso ake, akaona tsime remvura; akaenda, akazadza guchu ne­mvura, akanwisa mukomana.
20. Mwari akava nomukomana, akakura, akagara murenje, akava munhu anopfura nouta.
21. Akagara murenje reParani, mai vake vakamutorera mukadzi kunyika yeIjipiti.
22. Zvino nenguva iyo Abhimereki naPikori, mukuru wehondo yake, vaka­taura naAbhurahamu, vakati, "Mwari anewe pazvinhu zvose zvaunoita;
23. nai­zvozvo zvino ndipikire pano naMwari kuti haungandinyengeri ini, kana vana vangu, kana vana vavana vangu; asi sezvandakakuitira tsitsi, uitewo saizvo­zvo kwandiri, nokunyika mawakagara uri mutorwa."
24. Abhurahamu akati, "Ndi­chapika."
25. Asi Abhurahamu akatuka Abhime­reki nokuda kwetsime remvura rakanga ratorwa nesimba navaranda vaAbhime­reki.
26. Abhimereki akati, "Handizivi akaita izvozvo, newe hauna kundiudza, ini handina kumbozvinzwa, asi nhasi."
27. Abhurahamu akatora makwai nenzo­mbe, akapa Abhimereki, ivo vaviri va­kaita sungano.
28. Abhurahamu akaraura zvisheche zvinomwe zvamakwai;
29. Abhimereki akati kuna Abhurahamu, "Ko zvisheche izvi zvinomwe zvawa­raura ndezveiko?"
30. Iye akati, "Zvisheche izvi zvino­mwe uzvigamuchire paruoko rwangu, chive chapupu changu, kuti ndini ndaka­chera tsime iri."
31. Naizvozvo akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Bheerishebha, nokuti ndipo pavakapika ivo vaviri.
32. Saizvozvo vakaita sungano paBheeri­shebha; Abhimereki akasimuka, naPikori, mukuru wehondo yake, vakadzokera ku­nyika yavaFirisitia.
33. Abhurahamu aka­sima muti womutamarisiki paBheerishe­bha, akanamatapo zita raJehovha Mwari wokusingaperi.
34. Abhurahamu akagara ari mutorwa panyika yavaFirisitia mazuva mazhinji.

  Genesis (21/50)