Genesis (20/50)  

1. Zvino Abhurahamu wakabvapo, akaenda kunyika yenyasi, aka­ndogara pakati peKadheshi neShuri; akava mutorwa muGerari.
2. Abhurahamu akati pamusoro paSara, mukadzi wake, "Ihanzvadzi yangu." Abhimereki, ma­mbo weGerari, akatuma vanhu kundotora Sara.
3. Asi Mwari wakauya kuna Abhi­mereki usiku pakurota, akati kwaari, "Tarira, uchafa nokuda kwomukadzi wa­watora; nokuti mukadzi uyu ane mu­rume. "
4. Zvino Abhimereki wakanga asina kuswedera kwaari; akati, "Ishe, muchau­raya norudzi rwakaruramawo here?
5. Ko iye haana kundiudza here, achiti, iha­nzvadzi yangu; naiye mukadzi haana kuti, ihanzvadzi yangu, here? Ndakaita izvozvo nomoyo wakarurama, na­maoko akachena."
6. Mwari akati kwaari pakurota, "Hongu, ndinoziva kuti wa­kaita chinhu ichi nomoyo wakarurama, ndikakudzivisawo kuti urege kundita­dzira; naizvozvo handina kukutendera kumubata.
7. Saka zvino dzosa mukadzi womurume uyu, nokuti muporofita; iye achakunyengeterera, kuti urarame; kana ukasamudzosa, uzive kuti uchafa zviro­kwazvo, iwe navose vari vako."
8. Abhimereki akamuka mangwanani, akadana varanda vake vose, akavaudza izvozvo zvose munzeve dzavo; varume vakavhunduka kwazvo.
9. Ipapo Abhime­reki akadana Abhurahamu akati kwaari, "Chiiko chinhu ichi chawatiitira? Ini ndakutadzireiko, zvawauyisa mhosva huru pamusoro pangu napamusoro pou­she hwangu?"
10. Abhimereki akati kuna Abhurahamu, "Wanga uchiti kudiniko, zvawaita chinhu ichi?"
11. Abhurahamu akati, "Nokuti nda­kati, `Zvirokwazvo havatyi Mwari pa­nzvimbo ino; zvimwe vachandiuraya pa­musoro pomukadzi wangu.'
12. Uye, zvirokwazvo ihanzvadzi yangu, mukunda wababa vangu, asi haazi mwana wamai vangu; akazowanikwa neni.
13. Zvino Mwari wakati achindibudisa paimba ya­baba vangu, kuti ndidzungaire, ndikati kwaari, `Hechi chinhu chakanaka chau­nofanira kundiitira. Pose patinosvika, uti pamusoro pangu, ihanzvadzi yangu.' "
14. Abhimereki akatora makwai, ne­mombe, navaranda, navarandakadzi, akapa Abhurahamu izvozvo, akamudzo­serawo Sara, mukadzi wake.
15. Abhime­reki akati, "Tarira, nyika yangu iri pa­mberi pako; gara hako paunoda."
16. Akati kuna Sara, "Tarira, ndapa hanzvadzi yako mashekeri esirivha ane chiuru che­zana; chichava chifukidziro chameso ako kuna vose vaunavo; waruramiswa pa­mberi pavose."
17. Abhurahamu akanyengetera kuna Mwari, Mwari akaporesa Abhimereki, no­mukadzi wake, navarandakadzi vake, va­kabereka vana.
18. Nokuti Jehovha wakanga azarira zvizvaro zvose zveveimba yaAbhi­mereki nokuda kwaSara, mukadzi waAbhurahamu.

  Genesis (20/50)