| ← Genesis (20/50) → |
| 1. | Zvino Abhurahamu wakabvapo, akaenda kunyika yenyasi, akandogara pakati peKadheshi neShuri; akava mutorwa muGerari. |
| 2. | Abhurahamu akati pamusoro paSara, mukadzi wake, "Ihanzvadzi yangu." Abhimereki, mambo weGerari, akatuma vanhu kundotora Sara. |
| 3. | Asi Mwari wakauya kuna Abhimereki usiku pakurota, akati kwaari, "Tarira, uchafa nokuda kwomukadzi wawatora; nokuti mukadzi uyu ane murume. " |
| 4. | Zvino Abhimereki wakanga asina kuswedera kwaari; akati, "Ishe, muchauraya norudzi rwakaruramawo here? |
| 5. | Ko iye haana kundiudza here, achiti, ihanzvadzi yangu; naiye mukadzi haana kuti, ihanzvadzi yangu, here? Ndakaita izvozvo nomoyo wakarurama, namaoko akachena." |
| 6. | Mwari akati kwaari pakurota, "Hongu, ndinoziva kuti wakaita chinhu ichi nomoyo wakarurama, ndikakudzivisawo kuti urege kunditadzira; naizvozvo handina kukutendera kumubata. |
| 7. | Saka zvino dzosa mukadzi womurume uyu, nokuti muporofita; iye achakunyengeterera, kuti urarame; kana ukasamudzosa, uzive kuti uchafa zvirokwazvo, iwe navose vari vako." |
| 8. | Abhimereki akamuka mangwanani, akadana varanda vake vose, akavaudza izvozvo zvose munzeve dzavo; varume vakavhunduka kwazvo. |
| 9. | Ipapo Abhimereki akadana Abhurahamu akati kwaari, "Chiiko chinhu ichi chawatiitira? Ini ndakutadzireiko, zvawauyisa mhosva huru pamusoro pangu napamusoro poushe hwangu?" |
| 10. | Abhimereki akati kuna Abhurahamu, "Wanga uchiti kudiniko, zvawaita chinhu ichi?" |
| 11. | Abhurahamu akati, "Nokuti ndakati, `Zvirokwazvo havatyi Mwari panzvimbo ino; zvimwe vachandiuraya pamusoro pomukadzi wangu.' |
| 12. | Uye, zvirokwazvo ihanzvadzi yangu, mukunda wababa vangu, asi haazi mwana wamai vangu; akazowanikwa neni. |
| 13. | Zvino Mwari wakati achindibudisa paimba yababa vangu, kuti ndidzungaire, ndikati kwaari, `Hechi chinhu chakanaka chaunofanira kundiitira. Pose patinosvika, uti pamusoro pangu, ihanzvadzi yangu.' " |
| 14. | Abhimereki akatora makwai, nemombe, navaranda, navarandakadzi, akapa Abhurahamu izvozvo, akamudzoserawo Sara, mukadzi wake. |
| 15. | Abhimereki akati, "Tarira, nyika yangu iri pamberi pako; gara hako paunoda." |
| 16. | Akati kuna Sara, "Tarira, ndapa hanzvadzi yako mashekeri esirivha ane chiuru chezana; chichava chifukidziro chameso ako kuna vose vaunavo; waruramiswa pamberi pavose." |
| 17. | Abhurahamu akanyengetera kuna Mwari, Mwari akaporesa Abhimereki, nomukadzi wake, navarandakadzi vake, vakabereka vana. |
| 18. | Nokuti Jehovha wakanga azarira zvizvaro zvose zveveimba yaAbhimereki nokuda kwaSara, mukadzi waAbhurahamu. |
| ← Genesis (20/50) → |