Genesis (2/50)  

1. Denga nenyika zvikapera saizvo­zvo, nouzhinji hwazvo.
2. Mwari aka­pedza basa rake raakaita nomusi wechi­nomwe; akazorora nomusi wechinomwe pabasa rake rose raakaita.
3. Mwari akaro­pafadza musi wechinomwe, akauita mu­tsvene; nokuti akazorora nawo pabasa rake rose, raakanga asika nokuita iye Mwari.
4. Ndiko kuvamba kwedenga nenyika, musi wazvakasikwa: Nezuva iroro Jeho­vha Mwari raakasika naro nyika nedenga,
5. makwenzi esango akanga achigere ku­vapo panyika, nemiriwo yesango yaka­nga ichigere kumera; nokuti Jehovha Mwari akanga asati anaisa mvura pa­nyika, uye kwakanga kusina munhu ku­zorima pasi;
6. asi mhute yaisikwira ichi­bva panyika ichinyorevesa nyika yose.
7. Jehovha Mwari akaumba munhu neguruva revhu, akafuridzira mweya woupenyu mumhino dzake; munhu akava mweya mupenyu.
8. Jehovha Mwari akasima munda muEdheni, kumabvazuva, akaisapo mu­nhu waakanga aumba.
9. Jehovha Mwari akameresa pasi miti yose inofadza meso, neyakanaka kudya; uye muti woupenyu pakati pomunda, nomuti wokuziva zva­kanaka nezvakaipa.
10. MuEdheni muka­buda rwizi kuzodiridza munda uyo, ruka­paradzana ipapo, dzikaita hova ina.
11. Zita rorwokutanga ndiPishoni; ndirwo runo­poteredza nyika yose yeHavhira, pane ndarama ipapo;
12. ndarama yenyika iyoyo yakanaka; uyewo pane dheriumu nebwe reonikisi.
13. Zita rorwizi rwechipiri ndiGihoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yeKushi.
14. Zita rorwizi rwechitatu ndiHedhekeri, ndirwo runoyerera kumabva­zuva kweAsiria. Rwizi rwechina ndiYu­furatesi.
15. Jehovha Mwari akatora munhu, akamuisa mumunda weEdheni, kuti au­rime nokuuchengeta.
16. Jehovha Mwari akaraira munhu achiti, "Ungadya hako miti yose yomunda,
17. asi muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa usaudya; nokuti nomusi waunoudya, uchafa zvirokwa­zvo."
18. Jehovha Mwari akatizve, "Ha­zvina kunaka kuti munhu agare ari woga; ndichamuitira mubatsiri akamukwanira."
19. Jehovha Mwari akaumba nevhu mhuka dzose dzesango, neshiri dzose dzedenga, akadziisa kumunhu kuti aone kuti acha­dzitumidza mazita api; zvipenyu zvose sezvazvakatumidzwa nomunhu, ndiwo akava mazita azvo.
20. Munhu akatumidza zvipfuwo zvose mazita, neshiri dzedenga, nemhuka dzose dzesango; asi kwakashai­kwa mubatsiri akamukwanira iye munhu.
21. Ipapo Jehovha Mwari akavatisa munhu hope huru, akavata; akatora ru­mbabvu rwake rumwe, akadzivira nyama panzvimbo yarwo.
22. Norumbabvu urwo Jehovha Mwari rwaakatora pamunhu, akaita mukadzi narwo, akamuisa kumu­nhu.
23. Munhu akati, "Zvino uyu ipfupa ramapfupa angu, nenyama yenyama ya­ngu, uchatumidzwa Mukadzi, nokuti wa­kabviswa paMurume."
24. Naizvozvo munhu anofanira ku­siya baba vake namai vake, anamatire mukadzi wake, vave nyama imwe.
25. Vose vari vaviri vakanga vasina kusi­mira, munhu nomukadzi wake, asi ha­vana kunyara.

  Genesis (2/50)