Genesis (19/50)  

1. Vatumwa vaviri vakasvika So­dhomu madekwana; Roti akanga agere pasuo reSodhomu; Roti akavaona, akasimuka, akaenda kundosangana navo, akakotamira pasi nechiso chake;
2. akati, "Tarirai, madzishe angu, chidotsaukirai henyu kumba kwomuranda wenyu, mu­vate usiku hwose, mushambidze tsoka dzenyu, mugofumira parwendo rwenyu." Ivo vakati, "Kwete tichavata hedu padare usiku hwose."
3. Akavanyengetera zvikuru; vaka­dzimara votsaukira kwaari, vakapinda mumba make; akavagadzirira chirayiro, akabika chingwa chisina mbiriso, vaka­dya;
4. zvino vasati vavata, varume ve­guta, ivo varume veSodhomu, vakako­mba imba, vaduku navakuru, vanhu vose vokumativi ose;
5. vakadanidzira kuna Roti, vakati kwaari, "Vari kupiko varume vakapinda kumba kwako usiku huno? Vaburitsirei kwatiri, kuti tiva­zive."
6. Roti akabuda akaenda kwavari ku­musuo, akazarira musuo shure kwake.
7. Akati, "Regai henyu kuita zvakaipa zvakadai, hama dzangu.
8. Tarirai, ndine vakunda vaviri vasina kumboziva mu­rume, regai ndivabudisire kwamuri, mu­vaitire ivo sezvamunoda; asi varume ava, musavaitira chinhu, nokuti ndizvo zvava­kapindira mumumvuri wedenga rangu."
9. Ivo vakati, "Suduruka! " Vakati, "Munhu uyu wakauya kuzogara pano ari mutorwa, iye zvino anoda kuva mutongi. Zvino tichakuitira zvakaipa iwe kupfuura ivo." Vakamanikidza murume uyo Roti, vakaswedera kuputsa gonhi.
10. Asi va­rume vakatambanudza maoko avo, vaka­kwevera Roti mumba mavakanga vari, vakapfiga gonhi.
11. Vakapofomadza va­kanga vari pamusuo, vaduku navakuru; vakazvinetsa vachitsvaka musuo.
12. Va­rume vakati kuna Roti, "Une vamwe pano here? Kana mukuwasha, kana vana­komana vako, kana vanasikana vako, navose vaunavo muguta; uvabudise muno.
13. Nokuti tava kuda kuparadza nzvimbo ino; nokuti kudanidzira kwavo kwava kukuru kuna Jehovha; Jehovha wakatituma kuiparadza."
14. Ipapo Roti akabuda, akandotaura navakuwasha vake, vakanga vachazo­wana vakunda vake, vakati, "Simukai, ibvai muno; nokuti Jehovha achaparadza guta rino." Asi vakuwasha vake vakati, "Anoita hake musare."
15. Utonga huchitsvuka vatumwa va­kakurumidzisa Roti vachiti, "Simuka, uende nomukadzi wako, navakunda vako vaviri vari pano, kuti urege kuparadzwa kana guta rorohwa."
16. Asi vakanonoka; varume vakabata ruoko rwake, noruoko rwomukadzi wake, namaoko avakunda vake vaviri; nokuti Jehovha wakanga ane tsitsi naye; vakamubudisa, vakamuisa kunze kweguta.
17. Zvino vakati vavabu­disa kunze, mumwe akati, "Tiza nokuda kwoupenyu hwako, usacheuka shure kwako, kana kumira pabani rose, tizira kugomo, kuti urege kuparadzwa."
18. Roti akati kwavari, "Kwete, ishe wangu, regai kudaro.
19. Tarirai, muranda wenyu wakawana nyasha kwamuri, ma­kurisa tsitsi dzenyu dzamakandiitira, zva­mandiraramisa; asi handigoni kutizira kugomo, zvimwe zvakaipa zvingandiwira ndikafa.
20. Tarirai, guta iri riri pedo, nditizire hangu ikoko; iduku haro, ndite­nderei kuti nditizire ikoko, (harizi duku here?) Mweya wangu urarame."
21. Iye akati kwaari, "Tarira, ndaku­nzwira tsitsi pachinhu ichiwo, kuti handi­ngaparadzi guta iri rawareva.
22. Kurumi­dza, utizireko, nokuti handigoni kuita chinhu usati wasvikapo." Naizvozvo zita reguta rakanzi Zoari.
23. Zuva rakanga rabuda panyika, Roti achisvika paZoari.
24. Ipapo Jehovha akanaisa pamusoro peSodhomu neGomora sarufa nomoto, zvi­chibva kudenga kuna Jehovha,
25. akapa­radza maguta iwayo, nebani rose, navose vakanga vagere mumaguta, nezvose zva­kanga zvamera pavhu.
26. Asi mukadzi wake wakacheuka ari shure kwake, akai­twa shongwe yomunyu.
27. Zvino Abhurahamu wakamuka mangwanani, akaenda ikoko kwaakanga amire pamberi paJehovha;
28. akatarira kurutivi rweSodhomu neGomora noku­nyika yose yebani, akaona utsi hwenyika iyo huchikwira soutsi hwechoto.
29. Zvino Mwari wakati achiparadza maguta ebani, Mwari akarangarira Abhurahamu, akabudisa Roti pakati po­kuparadzwa ikoko, nguva yaakaparadza maguta makanga muchigara Roti.
30. Zvino Roti wakakwira, achibva muZoari, akandogara mugomo, navaku­nda vake vaviri pamwechete naye; nokuti wakatya kugara muZoari; akagara, mu­bako, iye navakunda vake vaviri.
31. Zvino dangwe rakati kumuduku, "Baba vedu vakwegura; hakuna murume panyika ino angapinda kwatiri nomutoo wenyika yose;
32. uya, tinwise baba vedu waini, tivate navo, kuti tichengete rudzi nababa vedu."
33. Usiku ihwohwo vakanwisa baba vavo waini, wedangwe akapinda, akando­vata nababa vake; ivo havana kuziva kuvata kwake pasi kana kumuka kwake.
34. Fume mangwana wedangwe akati kumuduku, "Tarira, ndavata nababa va­ngu usiku hwanezuro; ngativanwise waini usiku hwunowo, iwe ugopinda, undovata navo, kuti tichengete rudzi nababa vedu."
35. Vakanwisa baba vavo waini usiku ihwohwowo, muduku akasi­muka, akandovata navo; ivo havana ku­ziva kuvata kwake pasi kana kumuka kwake.
36. Naizvozvo vakunda vaRoti va­viri vakava nemimba kuna baba vavo.
37. Wedangwe akabereka mwanakomana,akamutumidza zita rinonzi Moabhu, ku­svikira zuva ranhasi.
38. Nomudukuwo wakabereka mwanakomana, akamutumi­dza zita rinonzi Bheniami; ndivo baba vavana vaAmoni kusvikira zuva ranhasi.

  Genesis (19/50)