Genesis (18/50)  

1. Zvino Jehovha wakazviratidza kwaari pamiti yemiouki yeMa­mure, agere pamusuo wetende masikati zuva richipisa;
2. akasimudza meso ake, akatarira, akaona varume vatatu vamire vakatarisana naye; akati achivaona, aka­bva pamusuo wetende, akamhanya ku­ndosangana navo, akakotamira pasi,
3. akati, "Ishe wangu, kana ndawana nya­sha kwamuri, musapfuura henyu pamura­nda wenyu.
4. Ngavauye nemvura shoma­nana, mushambidze tsoka dzenyu, muzorore pasi pomuti;
5. ini nditore chi­medu chechingwa, musimbise moyo yenyu; mugozopfuura henyu, nokuti ndi­zvo zvamauyira kumuranda wenyu. Ivo vakati; 'ita hako sezvawataura'
6. Abhurahamu akakurumidza kupi­nda mutende kuna Sara, akati, "Kurumi­dza ugadzire zviyero zvitatu zvoupfu hwakatsetseka, ukanye, ubike zvingwa zviduku. "
7. Naiye Abhurahamu akamhanyira kumombe, akatora mhuru ine nyama yakapfava, yakanaka, akapa muranda wake, iye akakurumidza kuigadzira.
8. Akatora mukaka wakafa, nomukaka, nemhuru yaakanga agadzira, akazviisa pamberi pavo; akamira navo munyasi momuti, vakadya.
9. Ivo vakati kwaari, "Sara, mukadzi wako, ari kupiko?" Iye akati, "Tarirai, ari mutende."
10. Iye akati, "Zvirokwazvo, kana gore rapfuura, ndichauyazve kwa­muri, nenguva iyo Sara, mukadzi wako, achava nomwanakomana." Zvino Sara akanga achiteerera ari pamusuo wetende shure kwake.
11. Zvino Abhurahamu naSara vakanga vakwegura, vava namakore mazhinji; nomutoo wavakadzi wakanga watoguma kuna Sara.
12. Sara akaseka mumoyo make akati, "Ini ndingazvifa­rira here zvandachembera, naiye tenzi wangu akwegurawo?"
13. Jehovha akati kuna Abhurahamu, "Sara wasekereiko, achiti, `Ko ini muchembere ndichabereka mwana zvirokwazvo here?'
14. Kune chi­nhu chingakunda Jehovha here? Nguva ino, gore rapfuura, ndichadzokera kwauri; Sara achava nomwanakomana."
15. Asi Sara akaramba achiti, "Ha­ndina kuseka," nokuti akanga achitya. Iye akati, "Kwete waseka hako."
16. Zvino vaya varume vakasimuka, vakabva ipapo, vakatarira Sodhomu; Abhurahamu akaenda navo achivapere­kedza.
17. Zvino Jehovha akati, "Ndicha­vanzira Abhurahamu zvandinoita here?
18. Abhurahamu zvaachava rudzi rukuru rune simba, nendudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa maari?
19. Nokuti nda­kamutsaura, kuti araire vana vake navei­mba yake vanomutevera, kuti vache­ngete nzira yaJehovha, vaite zvakarurama nezvakanaka; kuti Jehovha auyise pamusoro paAbhurahamu izvo zvaakataura pamusoro pake."
20. Ipapo Jehovha akati, "Kudanidzira kweSodhomu neGomora kukuru kwazvo; zvirokwazvo zvivi zvavo zvakaipa kwa­zvo;
21. ndichaburuka zvino kuti ndione izvo zvavaita, kana zvakafanana nokuda­nidzira kwavo kwakasvika kwandiri; kana zvisina kudaro, ndichazviziva."
22. Zvino vaya varume vakabva, va­kaenda Sodhomu; asi Abhurahamu aka­ramba amire pamberi paJehovha.
23. Zvino Abhurahamu wakaswedera, akati, "Mu­chaparadza vakarurama pamwechete na­vakaipa here?
24. Zvimwe vangavapo va­karurama vana makumi mashanu muguta; muchaparadza nzvimbo iyo, mu­kasainzwira tsitsi nokuda kwavakaru­rama vana makumi mashanu varimo here?
25. Ngazvive kure nemi kuita kudaro kuuraya vakarurama pamwechete nava­kaipa, kuti vakarurama vave savakaipa, ngazvive kure nemi. Mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?"
26. Ipapo Jehovha akati, "Kana ndika­wana muSodhomu vakarurama vana ma­kumi mashanu mukati meguta, ndicha­nzwira nzvimbo yose tsitsi nokuda kwavo. "
27. Abhurahamu akapindura akati, "Tarirai zvino, ndatsunga kutaura naJeho­vha, ini guruva nedota hangu;
28. zvimwe kuchashaikwa vashanu kuvakarurama vana makumi mashanu; mungaparadza guta rose kana vashanu vashaikwa here?" Akati, "Handingariparadzi, kana ndikawa­namo makumi mana navashanu."
29. Akataurazve naye akati, "Zvimwe kuchawanikwamo makumi mana." Akati, "Handingazviiti nokuda kwamakumi mana."
30. Akati, "Jehovha ngaarege hake kunditsamwira, kana ndikataurazve. Zvi­mwe vana makumi matatu vachawani­kwamo." Akati, "Handingazviiti, kana ndikawana makumi matatu."
31. Akati, "Tarirai, ndatsunga kutaura naJehovha, zvimwe vana makumi maviri vachawanikwamo." Akati, "Handingari­paradzi nokuda kwamakumi maviri."
32. Akati, "Jehovha ndikataurazve ka­mwe chete; zvimwe vane gumi rimwe chete vangawanikwamo." Akati, "Handingariparadzi nokuda kwaivavo vane gumi."
33. Ipapo Jehovha akabva, apedza kutaura naAbhurahamu; naAbhurahamu akadzokera kumba kwake.

  Genesis (18/50)