| ← Genesis (18/50) → |
| 1. | Zvino Jehovha wakazviratidza kwaari pamiti yemiouki yeMamure, agere pamusuo wetende masikati zuva richipisa; |
| 2. | akasimudza meso ake, akatarira, akaona varume vatatu vamire vakatarisana naye; akati achivaona, akabva pamusuo wetende, akamhanya kundosangana navo, akakotamira pasi, |
| 3. | akati, "Ishe wangu, kana ndawana nyasha kwamuri, musapfuura henyu pamuranda wenyu. |
| 4. | Ngavauye nemvura shomanana, mushambidze tsoka dzenyu, muzorore pasi pomuti; |
| 5. | ini nditore chimedu chechingwa, musimbise moyo yenyu; mugozopfuura henyu, nokuti ndizvo zvamauyira kumuranda wenyu. Ivo vakati; 'ita hako sezvawataura' |
| 6. | Abhurahamu akakurumidza kupinda mutende kuna Sara, akati, "Kurumidza ugadzire zviyero zvitatu zvoupfu hwakatsetseka, ukanye, ubike zvingwa zviduku. " |
| 7. | Naiye Abhurahamu akamhanyira kumombe, akatora mhuru ine nyama yakapfava, yakanaka, akapa muranda wake, iye akakurumidza kuigadzira. |
| 8. | Akatora mukaka wakafa, nomukaka, nemhuru yaakanga agadzira, akazviisa pamberi pavo; akamira navo munyasi momuti, vakadya. |
| 9. | Ivo vakati kwaari, "Sara, mukadzi wako, ari kupiko?" Iye akati, "Tarirai, ari mutende." |
| 10. | Iye akati, "Zvirokwazvo, kana gore rapfuura, ndichauyazve kwamuri, nenguva iyo Sara, mukadzi wako, achava nomwanakomana." Zvino Sara akanga achiteerera ari pamusuo wetende shure kwake. |
| 11. | Zvino Abhurahamu naSara vakanga vakwegura, vava namakore mazhinji; nomutoo wavakadzi wakanga watoguma kuna Sara. |
| 12. | Sara akaseka mumoyo make akati, "Ini ndingazvifarira here zvandachembera, naiye tenzi wangu akwegurawo?" |
| 13. | Jehovha akati kuna Abhurahamu, "Sara wasekereiko, achiti, `Ko ini muchembere ndichabereka mwana zvirokwazvo here?' |
| 14. | Kune chinhu chingakunda Jehovha here? Nguva ino, gore rapfuura, ndichadzokera kwauri; Sara achava nomwanakomana." |
| 15. | Asi Sara akaramba achiti, "Handina kuseka," nokuti akanga achitya. Iye akati, "Kwete waseka hako." |
| 16. | Zvino vaya varume vakasimuka, vakabva ipapo, vakatarira Sodhomu; Abhurahamu akaenda navo achivaperekedza. |
| 17. | Zvino Jehovha akati, "Ndichavanzira Abhurahamu zvandinoita here? |
| 18. | Abhurahamu zvaachava rudzi rukuru rune simba, nendudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa maari? |
| 19. | Nokuti ndakamutsaura, kuti araire vana vake naveimba yake vanomutevera, kuti vachengete nzira yaJehovha, vaite zvakarurama nezvakanaka; kuti Jehovha auyise pamusoro paAbhurahamu izvo zvaakataura pamusoro pake." |
| 20. | Ipapo Jehovha akati, "Kudanidzira kweSodhomu neGomora kukuru kwazvo; zvirokwazvo zvivi zvavo zvakaipa kwazvo; |
| 21. | ndichaburuka zvino kuti ndione izvo zvavaita, kana zvakafanana nokudanidzira kwavo kwakasvika kwandiri; kana zvisina kudaro, ndichazviziva." |
| 22. | Zvino vaya varume vakabva, vakaenda Sodhomu; asi Abhurahamu akaramba amire pamberi paJehovha. |
| 23. | Zvino Abhurahamu wakaswedera, akati, "Muchaparadza vakarurama pamwechete navakaipa here? |
| 24. | Zvimwe vangavapo vakarurama vana makumi mashanu muguta; muchaparadza nzvimbo iyo, mukasainzwira tsitsi nokuda kwavakarurama vana makumi mashanu varimo here? |
| 25. | Ngazvive kure nemi kuita kudaro kuuraya vakarurama pamwechete navakaipa, kuti vakarurama vave savakaipa, ngazvive kure nemi. Mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?" |
| 26. | Ipapo Jehovha akati, "Kana ndikawana muSodhomu vakarurama vana makumi mashanu mukati meguta, ndichanzwira nzvimbo yose tsitsi nokuda kwavo. " |
| 27. | Abhurahamu akapindura akati, "Tarirai zvino, ndatsunga kutaura naJehovha, ini guruva nedota hangu; |
| 28. | zvimwe kuchashaikwa vashanu kuvakarurama vana makumi mashanu; mungaparadza guta rose kana vashanu vashaikwa here?" Akati, "Handingariparadzi, kana ndikawanamo makumi mana navashanu." |
| 29. | Akataurazve naye akati, "Zvimwe kuchawanikwamo makumi mana." Akati, "Handingazviiti nokuda kwamakumi mana." |
| 30. | Akati, "Jehovha ngaarege hake kunditsamwira, kana ndikataurazve. Zvimwe vana makumi matatu vachawanikwamo." Akati, "Handingazviiti, kana ndikawana makumi matatu." |
| 31. | Akati, "Tarirai, ndatsunga kutaura naJehovha, zvimwe vana makumi maviri vachawanikwamo." Akati, "Handingariparadzi nokuda kwamakumi maviri." |
| 32. | Akati, "Jehovha ndikataurazve kamwe chete; zvimwe vane gumi rimwe chete vangawanikwamo." Akati, "Handingariparadzi nokuda kwaivavo vane gumi." |
| 33. | Ipapo Jehovha akabva, apedza kutaura naAbhurahamu; naAbhurahamu akadzokera kumba kwake. |
| ← Genesis (18/50) → |