Genesis (17/50)  

1. Abhuramu wakati asvika ma­kore ana makumi mapfumbamwe namapfumbamwe, Jehovha akazviratidza kuna Abhuramu, akati kwaari, "Ndini Mwari waMasimbaose, famba pamberi pangu, uve wakarurama.
2. Ndichaita su­ngano yangu pakati pangu newe, ndicha­kuwanza kwazvo."
3. Ipapo Abhuramu akawira pasi nechiso chake, Mwari aka­taura naye, akati,
4. "Kana ndirini, tarira, sungano yangu inewe, uchava baba ve­ndudzi zhinji-zhinji.
5. Zita rako haricha­zonzi Abhuramu, asi zita rako richanzi Abhurahamu; nokuti ndakakuita baba vendudzi zhinji-zhinji.
6. Ndichakubere­kesa vana vazhinji-zhinji; ndichakuita ndudzi, namadzimambo achabva kwauri.
7. "Ndichasimbisa sungano yangu pa­kati pangu newe, navana vako vanokute­vera pamarudzi avo ose, kuti ive sungano isingaperi; ndichava Mwari wako nowa­vana vako vanokutevera.
8. Ndichakupa iwe navana vako vanokutevera, nyika mauri mutorwa iwe, nyika yeKenani yose, kuti ive yako nokusingaperi; ini ndichava Mwari wako. "
9. Mwari akatiwo kuna Abhurahamu, "Kana uriwe, chengeta sungano yangu, iwe navana vako vanokutevera pamarudzi avo ose.
10. Ndiyo sungano yangu, yamunofanira kuchengeta pakati pangu nemi navana vako vanokutevera, vanako­mana vose pakati penyu ngavadzingiswe.
11. Mudzingiswe panyama yechikanda chenyu chapamberi, kuti chive chiratidzo chesungano iri pakati pangu nemi.
12. Mwanakomana ane mazuva masere pakati penyu ngaadzingiswe, mukomana mumwe nomumwe pamarudzi enyu, kana akazvarwa mumba, kana akatengwa ne­mari kuvatorwa vapi navapi, vasati vari vavana vako.
13. Wakazvarwa mumba mako, Nowakatengwa nemari, vanofanira kudzingiswa; sungano yangu ive pa­nyama penyu, ive sungano isingaperi.
14. Munhurume asina kudzingiswa, asina kudzingiswa panyama yechikanda chake chapamberi, munhu akadai anofanira ku­bviswa pakati porudzi rwake, akaputsa sungano yangu."
15. Mwari akatiwo kuna Abhurahamu, "Kana ari Sarai, mukadzi wako haufaniri kuzomutumidza zita rinonzi Sarai, asi zita rake richanzi Sara;
16. ndichamuropa­fadza iye, ndikupe mwanakomana kwaari; ndichamuropafadza iye, kuti ave mai vendudzi; madzimambo avanhu achabva maari."
17. Ipapo Abhurahamu wakawira pasi nechiso chake, akaseka, akati mumoyo make, "Ko munhu ana makore ane zana ungaberekerwa mwana here? NaSara, wava namakore ana makumi mapfumba­mwe, angabereka here?"
18. Abhurahamu akati kuna Mwari, "Dai Ishimaeri achira­rama hake pamberi penyu! "
19. Mwari akati kwaari, "Kwete, asi Sara, mukadzi wako, ndiye achakubere­kera mwanakomana, unofanira kumutu­midza zita rinonzi Isaka; ndichaita su­ngano yangu naye, ive sungano isingaperi pakati pavana vake vanomutevera.
20. Kana ari Ishimaeri, ndakunzwawo; ta­rira, ndamuropafadza, ndichamuberekesa vana vazhinji, nokumuwanzisa kwazvo; achabereka madzishe ane gumi namaviri, ndichamuita rudzi rukuru.
21. Asi sungano yangu ndichaisimbisa naIsaka, uyo wau­chaberekerwa naSara nenguva iyi ma­kei."
22. Akapedza kutaura naye, Mwari akakwira achibva kuna Abhurahamu.
23. Ipapo Abhurahamu wakatora Ishi­maeri, mwanakomana wake, navose vaka­zvarwa mumba make, navose vakatengwa nemari yake, munhurume mumwe nomu­mwe kuvanhu vakanga vari paimba yaAbhurahamu, akavadzingisa zvikanda zvavo zvapamberi nomusi iwoyo, sezvaakau­dzwa naMwari.
24. Abhurahamu wakanga ana makore ana makumi mapfumbamwe namapfumbamwe musi wokudzingiswa kwake.
25. lshimaeri, mwanakomana wake, wakanga ana makore ane gumi namatatu musi wokudzingiswa kwake.
26. Nomusi uyo Abhurahamu wakadzingiswa pamwe­chete naIshimaeri mwanakomana wake.
27. Navarume vose veimba yake, vakanga vazvarirwa mumba make, navakanga va­tengwa nemari kuvatorwa, vakadzingiswa pamwechete naye.

  Genesis (17/50)