| ← Genesis (17/50) → |
| 1. | Abhuramu wakati asvika makore ana makumi mapfumbamwe namapfumbamwe, Jehovha akazviratidza kuna Abhuramu, akati kwaari, "Ndini Mwari waMasimbaose, famba pamberi pangu, uve wakarurama. |
| 2. | Ndichaita sungano yangu pakati pangu newe, ndichakuwanza kwazvo." |
| 3. | Ipapo Abhuramu akawira pasi nechiso chake, Mwari akataura naye, akati, |
| 4. | "Kana ndirini, tarira, sungano yangu inewe, uchava baba vendudzi zhinji-zhinji. |
| 5. | Zita rako harichazonzi Abhuramu, asi zita rako richanzi Abhurahamu; nokuti ndakakuita baba vendudzi zhinji-zhinji. |
| 6. | Ndichakuberekesa vana vazhinji-zhinji; ndichakuita ndudzi, namadzimambo achabva kwauri. |
| 7. | "Ndichasimbisa sungano yangu pakati pangu newe, navana vako vanokutevera pamarudzi avo ose, kuti ive sungano isingaperi; ndichava Mwari wako nowavana vako vanokutevera. |
| 8. | Ndichakupa iwe navana vako vanokutevera, nyika mauri mutorwa iwe, nyika yeKenani yose, kuti ive yako nokusingaperi; ini ndichava Mwari wako. " |
| 9. | Mwari akatiwo kuna Abhurahamu, "Kana uriwe, chengeta sungano yangu, iwe navana vako vanokutevera pamarudzi avo ose. |
| 10. | Ndiyo sungano yangu, yamunofanira kuchengeta pakati pangu nemi navana vako vanokutevera, vanakomana vose pakati penyu ngavadzingiswe. |
| 11. | Mudzingiswe panyama yechikanda chenyu chapamberi, kuti chive chiratidzo chesungano iri pakati pangu nemi. |
| 12. | Mwanakomana ane mazuva masere pakati penyu ngaadzingiswe, mukomana mumwe nomumwe pamarudzi enyu, kana akazvarwa mumba, kana akatengwa nemari kuvatorwa vapi navapi, vasati vari vavana vako. |
| 13. | Wakazvarwa mumba mako, Nowakatengwa nemari, vanofanira kudzingiswa; sungano yangu ive panyama penyu, ive sungano isingaperi. |
| 14. | Munhurume asina kudzingiswa, asina kudzingiswa panyama yechikanda chake chapamberi, munhu akadai anofanira kubviswa pakati porudzi rwake, akaputsa sungano yangu." |
| 15. | Mwari akatiwo kuna Abhurahamu, "Kana ari Sarai, mukadzi wako haufaniri kuzomutumidza zita rinonzi Sarai, asi zita rake richanzi Sara; |
| 16. | ndichamuropafadza iye, ndikupe mwanakomana kwaari; ndichamuropafadza iye, kuti ave mai vendudzi; madzimambo avanhu achabva maari." |
| 17. | Ipapo Abhurahamu wakawira pasi nechiso chake, akaseka, akati mumoyo make, "Ko munhu ana makore ane zana ungaberekerwa mwana here? NaSara, wava namakore ana makumi mapfumbamwe, angabereka here?" |
| 18. | Abhurahamu akati kuna Mwari, "Dai Ishimaeri achirarama hake pamberi penyu! " |
| 19. | Mwari akati kwaari, "Kwete, asi Sara, mukadzi wako, ndiye achakuberekera mwanakomana, unofanira kumutumidza zita rinonzi Isaka; ndichaita sungano yangu naye, ive sungano isingaperi pakati pavana vake vanomutevera. |
| 20. | Kana ari Ishimaeri, ndakunzwawo; tarira, ndamuropafadza, ndichamuberekesa vana vazhinji, nokumuwanzisa kwazvo; achabereka madzishe ane gumi namaviri, ndichamuita rudzi rukuru. |
| 21. | Asi sungano yangu ndichaisimbisa naIsaka, uyo wauchaberekerwa naSara nenguva iyi makei." |
| 22. | Akapedza kutaura naye, Mwari akakwira achibva kuna Abhurahamu. |
| 23. | Ipapo Abhurahamu wakatora Ishimaeri, mwanakomana wake, navose vakazvarwa mumba make, navose vakatengwa nemari yake, munhurume mumwe nomumwe kuvanhu vakanga vari paimba yaAbhurahamu, akavadzingisa zvikanda zvavo zvapamberi nomusi iwoyo, sezvaakaudzwa naMwari. |
| 24. | Abhurahamu wakanga ana makore ana makumi mapfumbamwe namapfumbamwe musi wokudzingiswa kwake. |
| 25. | lshimaeri, mwanakomana wake, wakanga ana makore ane gumi namatatu musi wokudzingiswa kwake. |
| 26. | Nomusi uyo Abhurahamu wakadzingiswa pamwechete naIshimaeri mwanakomana wake. |
| 27. | Navarume vose veimba yake, vakanga vazvarirwa mumba make, navakanga vatengwa nemari kuvatorwa, vakadzingiswa pamwechete naye. |
| ← Genesis (17/50) → |