Genesis (16/50)  

1. Zvino Sarai, mukadzi waAbhuramu, wakanga asingamuberekeri vana; iye wakanga aine murandakadzi, muIjipiti, wainzi Hagari.
2. Sarai akati kuna Abhuramu, "Tarira Jehovha waka­ndikonesa kubereka, pinda hako kumura­ndakadzi wangu, zvimwe ndingawana vana naye." Abhuramu akateerera shoko raSarai.
3. Zvino Sarai mukadzi waAbhu­ramu, wakatora Hagari muljipiti, mura­ndakadzi wake; Abhuramu zvino waka­nga agara makore ane gumi panyika yeKenani akamupa Abhuramu, murume wake, kuti ave mukadzi wake.
4. Akapinda kuna Hagari, iye akatora mimba; zvino wakati aona kuti wava nemimba, aka­shora vatenzi vake.
5. Ipapo Sarai akati kuna Abhuramu, "Kukanganiswa kwangu ngakuve pamu­soro pako; ndini ndakapa murandakadzi wangu pachipfuva chako, zvino iye wakati aona kuti wava nemimba, akandishora; Jehovha ngaatonge pakati pangu newe."
6. Abhuramu akati kuna Sarai, "Ta­rira, murandakadzi wako uri paruoko rwako, umuitire sezvaunoda." Zvino Sa­rai wakamunetsa, akatiza.
7. Mutumwa waJehovha akamuwana patsime remvura musango, patsime riri panzira inoenda Shuri.
8. Akati, "Nhai Hagari, murandakadzi waSarai, wabve­piko? Unoendepiko?" Iye akati, "Ndino­tiza vatenzi vangu Sarai."
9. Mutumwa waJehovha akati kwaari, "Dzokera kuna vatenzi vako, uzviduku­pise pasi pake."
10. Mutumwa waJehovha akati kwaari, "Ndichawandisa vana vako, varege kuverengwa nokuwanda kwavo."
11. Mutumwa waJehovha akatiwo kwaari, "Tarira wava nemimba, uchabereka mwanakomana; umutumidze zita rinonzi Ishimaeri, nokuti Jehovha wakanzwa ku­tambudzika kwako.
12. Iye uchava sembizi pakati pavanhu; ucharwa navanhu vose, navanhu vose vacharwa naye; uchagara akatarisana nehama dzake dzose."
13. Hagari akatumidza Jehovha wa­kataurirana naye, zita rinonzi: Ndimi Mwari anoona; nokuti wakati, "Zviro kwazvo ndamuona pano oenda, iye unondiona!"
14. Naizvozvo tsime iro ra­katumidzwa Bheeriahiroi (tsime raiye mupenyu unondiona); riri pakati peKa­dheshi neBheredhi.
15. Hagari akaberekera Abhuramu mwanakomana; Abhuramu akatumidza mwanakomana wake, wakaberekwa naHagari, zita rinonzi Ishimaeri.
16. Abhu­ramu wakanga ana makore makumi ma­sere namatanhatu, Hagari achimuberekera Ishimaeri.

  Genesis (16/50)