| ← Genesis (16/50) → |
| 1. | Zvino Sarai, mukadzi waAbhuramu, wakanga asingamuberekeri vana; iye wakanga aine murandakadzi, muIjipiti, wainzi Hagari. |
| 2. | Sarai akati kuna Abhuramu, "Tarira Jehovha wakandikonesa kubereka, pinda hako kumurandakadzi wangu, zvimwe ndingawana vana naye." Abhuramu akateerera shoko raSarai. |
| 3. | Zvino Sarai mukadzi waAbhuramu, wakatora Hagari muljipiti, murandakadzi wake; Abhuramu zvino wakanga agara makore ane gumi panyika yeKenani akamupa Abhuramu, murume wake, kuti ave mukadzi wake. |
| 4. | Akapinda kuna Hagari, iye akatora mimba; zvino wakati aona kuti wava nemimba, akashora vatenzi vake. |
| 5. | Ipapo Sarai akati kuna Abhuramu, "Kukanganiswa kwangu ngakuve pamusoro pako; ndini ndakapa murandakadzi wangu pachipfuva chako, zvino iye wakati aona kuti wava nemimba, akandishora; Jehovha ngaatonge pakati pangu newe." |
| 6. | Abhuramu akati kuna Sarai, "Tarira, murandakadzi wako uri paruoko rwako, umuitire sezvaunoda." Zvino Sarai wakamunetsa, akatiza. |
| 7. | Mutumwa waJehovha akamuwana patsime remvura musango, patsime riri panzira inoenda Shuri. |
| 8. | Akati, "Nhai Hagari, murandakadzi waSarai, wabvepiko? Unoendepiko?" Iye akati, "Ndinotiza vatenzi vangu Sarai." |
| 9. | Mutumwa waJehovha akati kwaari, "Dzokera kuna vatenzi vako, uzvidukupise pasi pake." |
| 10. | Mutumwa waJehovha akati kwaari, "Ndichawandisa vana vako, varege kuverengwa nokuwanda kwavo." |
| 11. | Mutumwa waJehovha akatiwo kwaari, "Tarira wava nemimba, uchabereka mwanakomana; umutumidze zita rinonzi Ishimaeri, nokuti Jehovha wakanzwa kutambudzika kwako. |
| 12. | Iye uchava sembizi pakati pavanhu; ucharwa navanhu vose, navanhu vose vacharwa naye; uchagara akatarisana nehama dzake dzose." |
| 13. | Hagari akatumidza Jehovha wakataurirana naye, zita rinonzi: Ndimi Mwari anoona; nokuti wakati, "Zviro kwazvo ndamuona pano oenda, iye unondiona!" |
| 14. | Naizvozvo tsime iro rakatumidzwa Bheeriahiroi (tsime raiye mupenyu unondiona); riri pakati peKadheshi neBheredhi. |
| 15. | Hagari akaberekera Abhuramu mwanakomana; Abhuramu akatumidza mwanakomana wake, wakaberekwa naHagari, zita rinonzi Ishimaeri. |
| 16. | Abhuramu wakanga ana makore makumi masere namatanhatu, Hagari achimuberekera Ishimaeri. |
| ← Genesis (16/50) → |