Genesis (15/50)  

1. Shure kwaizvozvo shoko raJe­hovha rakasvika kuna Abhuramu pane zvaakaratidzwa, richiti, "Usatya Abhuramu; ini ndiri nhovo yako nomu­bayiro wako mukuru-kuru."
2. Abhuramu akati, "Ishe Jehovha, muchandipeiko, zvondofa hangu ndisina mwana; uchava mudyi wenhaka yeimba yangu ndiEriezeri weDhamasiko kanhi?"
3. Abhuramu akati, "Tarirai, hamuna ku­ndipa mwana; zvino uyo wakaponerwa mumba mangu ndiye achava mudyi we­nhaka yangu."
4. Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwaari rikati, "Uyu haangavi mudyi we­nhaka yako; asi uyo, achabuda paura hwako, ndiye achava mudyi wenhaka yako."
5. Akamubudisa panze akati, "Zvino tarira kudenga, uverenge nyere­dzi, kana uchigona kudziverenga." Akati kwaari, "Ndizvo zvichaita vana vako."
6. Iye akatenda Jehovha, akamuti ndiko kururama kwake.
7. Akati kwaari, "Ndini Jehovha wa­kakubudisa panyika yeUri yavaKaradhea, kuti ndikupe nyika iyi, ive nhaka yako."
8. Iye akati, "Ishe Jehovha, ndichaziva seiko kuti ichava nhaka yangu?"
9. Akati kwaari, "Nditorere tsiru rina makore matatu, nesheche yembudzi ina makore matatu, nehondohwe rina makore matatu, nenjiva, nemwana wenjiva."
10. Akandomutorera izvozvo zvose, aka­zvipamura napakati, akagadzika rumwe rutivi rwakatarisana norumwe; asi shiri haana kudzipamura.
11. Ipapo magora aka­burukira kunyama, asi Abhuramu wakaa­dzinga.
12. Zvino zuva rakati rovira, Abhu­ramu ndokubatwa nehope huru; akawi­rwa nokutya kwakabva parima guru.
13. Akati kuna Abhuramu, "Uzive kwazvo kuti vana vako vachava vatorwa munyika isati iri yavo, vachava varanda vavo, vachatambudzwa makore ana mazana mana;
14. asi ini ndichatonga rudzi urwo rwavachashumira, pashure vachabudapo nefuma zhinji.
15. Asi iwe uchaenda kuna madzibaba ako norugare; uchavigwa wa­kwegura kwazvo.
16. Rudzi rwechina ru­chadzokera pano, nokuti kusarurama kwavaAmori kuchigere kuzara."
17. Zvino zuva rakati ravira, kwa­sviba, choto chinopfungaira nezhenje romoto zvakaonekwa zvichipfuura napakati penhindi idzodzo dzenyama.
18. Nomusi iwoyo Jehovha akaita sungano naAbhu­ramu, akati, "Vana vako ndavapa nyika iyi, kubva parwizi rweIjipiti kusvikira kurwizi rukuru, runonzi Yufuratesi.
19. VaKeni, navaKenizi, navaKadhimoni,
20. navaHeti, navaPerezi, navaRefaimi,
21. navaAmori, navaKenani, navaGiriga­shi, navaJebhusi."

  Genesis (15/50)