| ← Genesis (14/50) → |
| 1. | Zvino nenguva yaAmuraferi, mambo weShinari, naArioki mambo weErasari, naKedhoriraomeri, mambo weEramu, naTidhari, mambo weGoyimi, |
| 2. | vakarwa naBhera, mambo weSodhomu, naBherisha, mambo weGomora, naShinabhi, mambo weAdhamu, naShemebheri, mambo weZebhoimi, namambo weBhera (rinonziwo Zoari). |
| 3. | Ava vose vakasangana mumupata weSidhimu (ndiro Gungwa roMunyu). |
| 4. | Vakanga vava varanda veKedhoriraomeri makore ane gumi namaviri, vakamumukira negore regumi namatatu. |
| 5. | Ipapo Kedhoriraomeri wakauya negore regumi namana, namadzimambo aakanga anawo, akakunda vaRefaimi paAshitoreti karinaimi, navaZuzimi paHamu, navaEmimi paShave-kiriataimi, |
| 6. | navaHori pagomo ravo reSeiri, kusvikira paEriparani, pedo nesango. |
| 7. | Vakadzoka, vakasvika Enimishipati (rinonziwo Kadheshi), vakakunda nyika yose yavaAmareki, navaAmori, vakanga vagere paHazazoni-tamari. |
| 8. | Zvino mambo weSodhomu, namambo weGomora, namambo weAdhamu, namambo weZebhoimi, namambo weBhera (rinonziwo Zoari), vakabuda vakagadzira hondo kuzorwa navo pamupata weSidhimu; |
| 9. | kuti varwe naKedhoriraomeri, mambo weEramu, naTidhari, mambo weGoyimi, naAmuraferi, mambo weShinari, naArioki, mambo weErasari; madzimambo mana kuti arwe namadzimambo mashanu. |
| 10. | Zvino mupata weSidhimu wakanga uzere namakomba ane tara, madzimambo eSodhomu neGomora vakatiza vakawiramo; vakasara vakatizira kugomo. |
| 11. | Vakatora fuma yose yeSodhomu neGomora, nezvokudya zvavo zvose, vakaenda. |
| 12. | Vakatorawo Roti, mwanakomana womunun’una waAbhuramu wakanga agere paSodhomu, nefuma yake, vakaenda. |
| 13. | Zvino mumwe wakanga apukunyuka wakasvika, akaudza Abhuramu, muHebheru; iye wakanga agere pamiti yemiouki yaMamure, muAmori, munun’una waEshikori, munun’una waAneri; ava vakanga vaita sungano naAbhuramu. |
| 14. | Zvino Abhuramu wakati achinzwa kuti hama yake yatapwa, akaraira varume vake vakanga vadzidziswa kurwa, vakazvarwa paimba yake, vana mazana matatu negumi navasere, akavateverera kusvikira paDhani; |
| 15. | akakamura varwi vake usiku, iye navaranda vake, akavakunda, akavateverera kusvikira paHobha, riri kurudyi rweDhamasiko. |
| 16. | Akadzosa fuma yose, akadzosawo Roti, hama yake, nefuma yake, navakadziwo navanhu. |
| 17. | Ipapo mambo weSodhomu wakabuda kundosangana naye pakudzoka kwake pakuuraya Kedhorir-omeri namadzimambo akanga anavo pamupata weShave (ndiwo mupata wamambo). |
| 18. | Merikizedheki, mambo weSaremi, akauya nechingwa newaini; iye wakanga ari mupirisiti waMwari woKudenga-denga. |
| 19. | Akamuropafadza, akati, "Abhuramu ngaaropafadzwe naMwari woKudengadenga, muridzi wokudenga napasi. |
| 20. | Mwari woKudenga-denga ngaakudzwe, wakapa vavengi venyu mumaoko enyu." Akamupa chegumi chezvose. |
| 21. | Zvino mambo weSodhomu akati kuna Abhuramu, "Ndipe vanhu, iwe utore hako fuma. " |
| 22. | Abhuramu akati kuna mambo weSodhomu, "Ndakasimudzira ruoko rwangu kuna Jehovha, Mwari woKudengadenga, muridzi wokudenga napasi, |
| 23. | kuti handingatori rushinda kana rukanda rweshangu, kana chinhu chimwe chezvinhu zvenyu, kuti murege kuzoti, `Ndini ndakafumisa Abhuramu', |
| 24. | ini handidi hangu, asi zvakadyiwa namajaya chete, nomugove wavanhu vakaenda neni, vanaAneri, naEshikori, naMamure, ngavatore migove yavo." |
| ← Genesis (14/50) → |