Genesis (14/50)  

1. Zvino nenguva yaAmuraferi, mambo weShinari, naArioki ma­mbo weErasari, naKedhoriraomeri, ma­mbo weEramu, naTidhari, mambo weGoyimi,
2. vakarwa naBhera, mambo weSodhomu, naBherisha, mambo weGomora, naShinabhi, mambo weAdhamu, naShemebheri, mambo weZe­bhoimi, namambo weBhera (rinonziwo Zoari).
3. Ava vose vakasangana mumu­pata weSidhimu (ndiro Gungwa roMu­nyu).
4. Vakanga vava varanda veKedhoriraomeri makore ane gumi namaviri, vakamumukira negore regumi namatatu.
5. Ipapo Kedhoriraomeri wakauya negore regumi namana, namadzimambo aaka­nga anawo, akakunda vaRefaimi paAshitoreti karinaimi, navaZuzimi paHamu, navaEmimi paShave-kiriataimi,
6. navaHori pagomo ravo reSeiri, kusvi­kira paEriparani, pedo nesango.
7. Va­kadzoka, vakasvika Enimishipati (rino­nziwo Kadheshi), vakakunda nyika yose yavaAmareki, navaAmori, vakanga va­gere paHazazoni-tamari.
8. Zvino mambo weSodhomu, nama­mbo weGomora, namambo weAdhamu, namambo weZebhoimi, namambo weBhera (rinonziwo Zoari), vakabuda vaka­gadzira hondo kuzorwa navo pamupata weSidhimu;
9. kuti varwe naKedhorirao­meri, mambo weEramu, naTidhari, ma­mbo weGoyimi, naAmuraferi, mambo weShinari, naArioki, mambo weErasari; madzimambo mana kuti arwe namadzi­mambo mashanu.
10. Zvino mupata weSi­dhimu wakanga uzere namakomba ane tara, madzimambo eSodhomu neGomora vakatiza vakawiramo; vakasara vakatizira kugomo.
11. Vakatora fuma yose yeSo­dhomu neGomora, nezvokudya zvavo zvose, vakaenda.
12. Vakatorawo Roti, mwanakomana womunun’una waAbhu­ramu wakanga agere paSodhomu, ne­fuma yake, vakaenda.
13. Zvino mumwe wakanga apuku­nyuka wakasvika, akaudza Abhuramu, muHebheru; iye wakanga agere pamiti yemiouki yaMamure, muAmori, mu­nun’una waEshikori, munun’una waAneri; ava vakanga vaita sungano naAbhuramu.
14. Zvino Abhuramu wakati achinzwa kuti hama yake yatapwa, akaraira varume vake vakanga vadzidziswa kurwa, vaka­zvarwa paimba yake, vana mazana ma­tatu negumi navasere, akavateverera ku­svikira paDhani;
15. akakamura varwi vake usiku, iye navaranda vake, akavaku­nda, akavateverera kusvikira paHobha, riri kurudyi rweDhamasiko.
16. Akadzosa fuma yose, akadzosawo Roti, hama yake, nefuma yake, navakadziwo nava­nhu.
17. Ipapo mambo weSodhomu waka­buda kundosangana naye pakudzoka kwake pakuuraya Kedhorir-omeri nama­dzimambo akanga anavo pamupata weShave (ndiwo mupata wamambo).
18. Me­rikizedheki, mambo weSaremi, akauya nechingwa newaini; iye wakanga ari mupirisiti waMwari woKudenga-denga.
19. Akamuropafadza, akati, "Abhuramu ngaaropafadzwe naMwari woKudenga­denga, muridzi wokudenga napasi.
20. Mwari woKudenga-denga ngaaku­dzwe, wakapa vavengi venyu mumaoko enyu." Akamupa chegumi chezvose.
21. Zvino mambo weSodhomu akati kuna Abhuramu, "Ndipe vanhu, iwe utore hako fuma. "
22. Abhuramu akati kuna mambo weSodhomu, "Ndakasimudzira ruoko rwa­ngu kuna Jehovha, Mwari woKudenga­denga, muridzi wokudenga napasi,
23. kuti handingatori rushinda kana rukanda rwe­shangu, kana chinhu chimwe chezvinhu zvenyu, kuti murege kuzoti, `Ndini nda­kafumisa Abhuramu',
24. ini handidi ha­ngu, asi zvakadyiwa namajaya chete, nomugove wavanhu vakaenda neni, va­naAneri, naEshikori, naMamure, ngava­tore migove yavo."

  Genesis (14/50)