Genesis (13/50)  

1. Zvino Abhuramu wakakwira, akabva Ijipiti, iye nomukadzi wake, nezvose zvaakanga anazvo, naRo­tiwo anaye; vakaenda kurutivi rwenyasi.
2. Abhuramu wakanga akafuma kwazvo mombe, nesirivha, nendarama.
3. Akafa­mba nzendo dzake achibva nyasi kusvi­kira paBheteri, kunzvimbo iya kwaiva netende rake pakutanga, pakati peBheteri neAi;
4. kunzvimbo yearitari, yaakanga ai­tapo pakutanga; Abhuramu akanamata zita raJehovha ipapo.
5. NaRoti, iye wakaenda naAbhu­ramu, wakanga aine makwai, nemombe, namatende.
6. Nyika ikasavaringana, kuti vagare panzvimbo imwe; nokuti fuma yavo yakanga iri zhinji; vakasagona ku­gara panzvimbo imwe.
7. Vafudzi vezvi­pfuwo zvaAbhuramu navafudzi vezvi­pfuwo zvaRoti vakaita nharo; vaKenani navaPerezi vakanga vagere panyika iyo.
8. Ipapo Abhuramu akati kuna Roti, "Nharo ngadzirege kuvapo pakati pangu newe, napakati pavafudzi vangu navafu­dzi vako, nokuti tiri hama.
9. Ko nyika yose haizi pamberi pako here? Para­dzana hako neni; kana iwe ukaenda kuruboshwe, ini ndichaenda kurudyi; kana iwe ukaenda kurudyi ini ndichae­nda kuruboshwe."
10. Roti akasimudzira meso ake, akaona bani rose reJorodhani, kuti raka­nga riine mvura pose, Jehovha achigere kuparadza Sodhomu neGomora; rakanga rakaita somunda waJehovha, senyika yeIjipiti, kana munhu achienda Zoari.
11. Roti akazvitsaurira bani rose reJorodhani; Roti akaenda kurutivi rwamabvazuva; vakapa­radzana havo.
12. Abhuramu akagara pa­nyika yeKenani, Roti akagara pamaguta aiva kubani, akaswededzera tende rake kusvikira paSodhomu.
13. Zvino varume veSodhomu vakanga vakaipa, vaitadzira Jehovha kwazvo-kwazvo.
14. Zvino Roti wakati aparadzana naye, Jehovha akati kuna Abhuramu, "Simudza hako meso ako ipapo paugere, utarire kurutivi rwokumusoro, norwe­nyasi, norwokumabvazuva, norwokuma­virira;
15. nokuti nyika yose yaunoona, ndichaipa iwe navana vako nokusinga­peri.
16. Ndichaita vana vako seguruva renyika; kuti kana kuine munhu anogona kuverenga guruva renyika, navana vako vangaverengwawo.
17. Simuka, ufambe nenyika pakureba kwayo, napaupamhi hwayo, nokuti ndichakupa iyo."
18. Ipapo Abhuramu wakabvisa tende rake, aka­ndogara pamiti yemiouki yeMamure, iri paHebhuroni, akavakirapo Jehovha aritari.

  Genesis (13/50)