Genesis (12/50)  

1. Zvino Jehovha wakati kunaAbhuramu, "Ibva panyika yako, nokuhama dzako, nokuimba yababa vako, uende kunyika yandichakuratidza iyo;
2. ndichakuita rudzi rukuru, ndichaku­ropafadza, ndichakudza zita rako, iwe uropafadze vamwe.
3. Ndicharopafadza ivo vanokuropafadza; unokutuka, ndichamutukawo; marudzi ose enyika acharopafadzwa mauri."
4. Naizvozvo Abhuramu wakaenda se­zvaakaudzwa naJehovha; naRoti wakae­nda naye. Abhuramu wakanga ana ma­kore ana makumi manomwe namashanu pakubva kwake Harani.
5. Abhuramu aka­tora Sarai, mukadzi wake, naRoti, mwa­nakomana womunun’una wake, nefuma yavo yose yavakanga vaunganidza, na­vana vavakanga vabereka paHarani, va­kabuda kuenda kunyika yeKenani; vaka­ndosvika kunyika yeKenani.
6. Abhuramu akagura nenyika iyo akasvika panzvimbo inonzi Shekemu, pamuti womuouki weMore; nguva iyo vaKenani vakanga vari munyika iyo.
7. Zvino Jehovha wakazvira­tidza kuna Abhuramu, akati, "Ndichapa vana vako nyika iyi;" akavakira Jehovha aritari ipapo, iye wakanga azviratidza kwaari.
8. Akabva ipapo, akaenda kugomo riri kumabvazuva aBheteri, akadzikapo tende rake; Bheteri rakanga riri kumavi­razuva neAi kumabvazuva; akavakirapo Jehovha aritari, akanamata Zita raJehovha ipapo.
9. Kubva ipapo Abhuramu wakara­mba achitamira kumavirazuva.
10. Zvino nzara yakanga iripo panyika iyo; Abhuramu ndokuburukira Ijipiti ku­ndogarako; nokuti nzara yakanga iri huru panyika iyo.
11. Zvino wakati oda kupinda Ijipiti, akati kuna Sarai, mukadzi wake, "Tarira, ndinoziva kuti uri mukadzi wa­kanaka pachiso chako;
12. kana vaIjipiti vachikuona, vachati, `Ndiye mukadzi wa­ke', vachandiuraya, asi iwe vachakurega uri mupenyu.
13. Uti hako uri hanzvadzi yangu, kuti ndiitirwe zvakanaka nokuda kwako, kuti mweya wangu urarame no­kuda kwako. "
14. Zvino Abhuramu achi­svika Ijipiti, valjipiti vakaona mukadzi kuti wakanaka kwazvo.
15. Namachinda aFarao akamuonawo, vakandomurumbi­dza kuna Farao; mukadzi akatorwa, akai­swa mumba maFarao.
16. Akaitira Abhu­ramu zvakanaka nokuda kwake; waiva namakwai, nemombe, namakono ema­dhongi, navaranda, navarandakadzi, na­madhongi echikadzi, namakamera.
17. Asi Jehovha wakatambudza Farao neveimba yake namatambudziko makuru nokuda kwaSarai, mukadzi waAbhu­ramu.
18. Zvino Farao wakadana Abhu­ramu akati, "Chiiko ichi chawakandiitira? Wakaregereiko kundizivisa kuti mu­kadzi wako.
19. Wakarevereiko uchiti, `Ihanzvadzi yangu?' Naizvozvo ndaka­mutora kuti ave mukadzi wangu; naizvo­zvo zvino hoyu mukadzi wako, mutore, uende hako."
20. Zvino Farao akaraira vamwe varume pamusoro pake, vakamu­perekedza iye nomukadzi wake nezvose zvaakanga anazvo.

  Genesis (12/50)