Genesis (11/50)  

1. Nyika yose yakanga ino rurimi rumwe nokutaura kumwe.
2. Zvino vakati vachitamira mabvazuva, vakawana bani munyika yeShinari, vakagarako.
3. Vakataurirana, vachiti, "Uyai, ngatiite zvidhina, tizvipise kwazvo." Zvidhina zvakava mabwe avo, nebitumini rakava dope ravo.
4. Vakati, "Uyai, ngatizviva­kire guta, norusvingo, runomusoro uno­svikira kudenga; tizvimutsire mukuru­mbira, kuti tirege kupararira panyika yose."
5. Ipapo Jehovha wakaburuka kuzota­rira guta norusvingo, rwakanga ruchiva­kwa navanakomana vavanhu.
6. Jehovha akati, "Tarirai, vanhu ava ndivamwe, vanorurimi rumwe vose; zvino ndizvo zvavanotanga kuita; zvino hakuchina chi­nhu chavangada kuita chavangadziviswa.
7. Hendei, tiburuke, tinopesanisa rurimi rwavo ipapo, kuti varege kunzwana kana votaurirana."
8. Jehovha akavaparadzira ipapo, vakapararira panyika yose, vaka­rega kuvaka guta ravo.
9. Naizvozvo va­karitumidza Bhabheri, nokuti ipapo Jeho­vha wakapesanisa rurimi rwenyika yose; Jehovha akavaparadzira ipapo, vakaenda kunyika dzose.
10. Ndiwo marudzi aShemu. Shemu wakanga ana makore ane zana, akabereka Aripakishadhi, mvura zhinji yapfuura makore maviri;
11. wakati abereka Aripa­kishadhi, Shemu akagara makore ana mazana mashanu; akabereka vanako­mana navanasikana.
12. Aripakishadhi wakagara makore ana makumi matatu namashanu, akabe­reka Shera;
13. wakati abereka Shera, Ari­pakishadhi akagara makore ana mazana mana namatatu, akabereka vanakomana navanasikana.
14. Shera wakagara makore ana ma­kumi matatu, akabereka Ebheru.
15. Wa­kati abereka Ebheru, Shera akagara ma­kore ana mazana mana namatatu; akabereka vanakomana navanasikana.
16. Ebheru wakagara makore ana ma­kumi matatu namana, akabereka Peregi,
17. wakati abereka Peregi, Ebheru akagara makore ana mazana mana namakumi matatu, akabereka vanakomana navanasi­kana.
18. Peregi wakagara makore ana ma­kumi matatu, akabereka Rehu;
19. wakati abereka Rehu, Peregi akagara makore ana mazana maviri namapfumbamwe, akabereka vanakomana navanasikana.
20. Rehu wakagara makore ana ma­kumi matatu namaviri, akabereka Serugu;
21. wakati abereka Serugu, Rehu akagara makore ana mazana maviri namanomwe; akabereka vanakomana navanasikana.
22. Serugu wakagara makore ana ma­kumi matatu, akabereka Nahori;
23. wakati abereka Nahori, Serugu akagara makore ana mazana maviri, akabereka vanako­mana navanasikana.
24. Nahori wakagara makore ana ma­kumi maviri namapfumbamwe, akabe­reka Tera;
25. Nahori akagara makore ane zana negumi namapfumbamwe, akabe­reka vanakomana navanasikana.
26. Tera wakagara makore ana ma­kumi manomwe, akabereka Abhuramu naNahori, naHarani.
27. Ndiwo marudzi aTera; Tera waka­bereka Abhuramu, naNahori, naHarani; Harani akabereka Roti;
28. Harani akafa, baba vake Tera vachiri vapenyu, panyika yokuberekwa kwake, paUri yavaKara­dhea.
29. Abhuramu naNahori vakazviwa­nira vakadzi; zita romukadzi waAbhu­ramu rainzi Sarai; zita romukadzi waNahori rainzi Mirika, mukunda waHa­rani, baba vaMirika, nababa vaIsika.
30. Sarai wakanga asingabereki, wakanga asina mwana.
31. Zvino Tera wakatora mwanakomana wake Abhuramu, naRoti, mwanakomana waHarani, mwanako­mana womwanakomana wake, naSarai, mukadzi womwanakomana wake Abhu­ramu; vakatama navo vakabva Uri yavaKaradhea, kuti vaende kunyika yeKenani, vakasvika Harani, vakagarapo.
32. Mazuva aTera akanga ari makore ana mazana maviri namashanu; Tera akafira Harani.

  Genesis (11/50)