Genesis (10/50)  

1. Ndiwo marudzi avanakomana vaNoa, naShemu, naHamu, naJa­feti; ivo vakaberekerwa vana shure kwe­mvura zhinji.
2. Vanakomana vaJafeti ndivo: Go­meru, naMagogi, naMadhai, naJavhani, naTubhari, naMisheki, naTirasi.
3. Vana­komana vaGomeru ndivo: Ashikenazi, naRifati, naTogarima.
4. Vanakomana vaJavhani ndivo: Erisha, naTashisi, naKi­timi, naDhodhanimu.
5. Kwavari kwaka­bva vanhu vezvivi zvakapararira. Ndivo vanakomana vaJafeti munyika dzavo, mumwe nomumwe norurimi rwake, ne­mhuri dzavo, nendudzi dzavo.
6. Vanakomana vaHamu ndivo: Kushi, naMiziraimu, naPuti, naKenani.
7. Vana­komana vaKushi ndivo: Sebha, naHa­vhira, naSabhata, naRama, naSabhuteka; navanakomana vaRama ndivo: Shebha naDhedhani.
8. Kushi akabereka Nimuro­dhi, ndiye akatanga kuva nesimba pa­nyika.
9. Akanga ari mudzimba mukuru pamberi paJehovha; naizvozvo vanoti, "SaNimurodhi, mudzimba mukuru pa­mberi paJehovha."
10. Ushe hwake hwaka­tanga paBhabheri, neEreki, neAkadhi, neKarine, panyika yeShinari.
11. Akabuda kunyika iyo, akaenda Asiria, akavaka Ninivhe neRohobhoti-iri, neKara,
12. neRe­seni, pakati peNinivhe neKara (iri iguta guru).
13. Miziraimu akabereka vaRudhi, navaAnami, navaRehabhi, navaNafitu­himu,
14. navaPaturusi navaKasiruhi, (vaFirisitia vakabva kwavari), navaKafutori.
15. Kenani akabereka Sidhoni, da­ngwe rake, naHeti;
16. navaJebhusi, na­vaAmori, navaGirigashi;
17. navaHivhi, navaAriki, navaSini,
18. navaArivhadhi, navaZemari, navaHamati. Shure kwai­vava mhuri dzavaKenani dzakapararira.
19. Muganhu wavaKenani wakatanga paSidhoni, ukaenda Gerari, ukasvika Gaza, ukaenda Sodhomu, neGomora, neAdhamu, neZibhoimu, ukasvika paRasha.
20. Ndivo vanakomana vaHamu, mhuri dzavo, nendimi dzavo, munyika dzavo, nendudzi dzavo.
21. Naiye Shemu, baba vavana vose vaEbheru, mukuru waJafeti, akabereke­rwa vana.
22. Vanakomana vaShemu ndivo: Eramu, naAsheri, naAripakisha­dhi, naRudhi, naAramu.
23. Vanakomana vaAramu ndivo: Uzi, naHuri, naGeteri, naMashi.
24. Aripakishadhi akabereka Shera, Shera akabereka Ebheru.
25. Ebheru akaberekerwa vanakomana vaviri, zita romumwe rakanga riri Peregi, nokuti pamazuva ake nyika yakakamurwa; zita romunun’una wake rakanga riri Jokitani.
26. Jokitani akabereka Arimodhadhi, naSherefi, naHazarimavheti, naJera;
27. naHadhoramu, naUsari, naDhikira;
28. naObhari, naAbhimaeri, naShebha;
29. naOfiri, naHavhira, naJobhabhu; ava vose vaiva vanakomana vaJokitani.
30. Kwavakagara ndiko: kubva paMesha, kuenda Sefari, kugomo rokumabvazuva.
31. Ndivo vana­komana vaShemu, mhuri dzavo, nendimi dzavo, munyika dzavo, nendudzi dzavo.
32. Ndidzo mhuri dzavanakomana vaNoa, nedzimba dzavo, nendudzi dzavo; kwavari kwakabva ndudzi dzose dzaka­pararira, shure kwemvura zhinji.

  Genesis (10/50)