| ← Galatians (6/6) |
| 1. | Hama dzangu, kunyange munhu akabatwa panokumwe kudarika, imi voMweya mudzose wakadai nomoyo wovunyoro; uchizvichenjerera iwe, kuti urege kuidzwa vo. |
| 2. | Takuriranai mitoro yenyu, mugozadzisa murairo waKristu saizvozvo. |
| 3. | Nokuti kana munhu achiti, ndiri chinhu, asati ari chinhu, unozvinyengera iye. |
| 4. | Zvino munhu mumwe nomumwe ngaaidze basa rake amene, ipapo ungazvirumbidza pamusoro pake iye amene oga, asingazviiti pamusoro pomumwe. |
| 5. | Nokuti munhu mumwe nomumwe uchafanira kutakura mutoro wake. |
| 6. | Zvino unodzidziswa Shoko, ngaagovane nounodzidzisa pazvinhu zvose zvakanaka. |
| 7. | Musanyengerwa; Mwari haasekwi; nokuti izvo zvinodzvara munhu, ndizvo zvaanocheka zve. |
| 8. | Nokuti unodzvarira nyama yake, uchacheka kuvora, kunobva panyama; asi unodzvarira mweya, uchacheka vupenyu bwusingaperi, bwunobva kumweya. |
| 9. | Zvino ngatirege kuneta pakuita zvakanaka, nokuti tinozocheka nenguva yakafanira, kana tisingavori moyo. |
| 10. | Zvino zvatinenguva, ngatiitire vose zvakanaka, zvikuru kunaveimba yokutenda. |
| 11. | Tarirai, kukura kwamaretere andinokunyorerai nawo noruvoko rwangu. |
| 12. | Vose vanoda kunzi vakanaka pane zvinovonekwa panyama, ndivo vanokurovererai kuti mudzingiswe; vanodaro bedzi kuti varege kutambudzwa nokuda kwomuchinjikwa waKristu. |
| 13. | Nokuti kunyange vakadzingiswa,havachengeti murairo vamene, asi vanoda kuti imi mudzingiswe, kuti vazvirumbidze panyama yenyu. |
| 14. | Asi kana ndirini, ngandirege kutongozvirumbidza napaduku, asi bedzi mumuchinjikwa waShe wedu, Jesu Kristu; naye nyika yakaroverwa pamuchinjikwa kwandiri, neni ndakaroverwa kunyika. |
| 15. | Nokuti kudzingiswa kana kusadzingiswa hachizi chinhu, asi chisikwa chitsva. |
| 16. | Vose vanofamba nomurairo uyu rugare ngaruve pamsoro pavo, nenyasha, napamsoro pavaIsraeri vaMwari. |
| 17. | Kubvira zvino ngakurege kuva nomunhu unonditambudza; nokuti ndinamavanga aShe Jesu pamuviri wangu. |
| 18. | Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu, ngadzive nomweya wenyu, hama dzangu. Ameni. |
| ← Galatians (6/6) |