Galatians (6/6)    

1. Hama dzangu, kunyange munhu akabatwa panokumwe kudarika, imi voMweya mudzose wakadai nomoyo wovunyoro; uchizvichenjerera iwe, kuti urege kuidzwa vo.
2. Takuriranai mitoro yenyu, mugozadzisa murairo waKristu saizvozvo.
3. Nokuti kana munhu achiti, ndiri chinhu, asati ari chinhu, unozvinyengera iye.
4. Zvino munhu mumwe nomumwe ngaaidze basa rake amene, ipapo ungazvirumbidza pamusoro pake iye amene oga, asingazviiti pamusoro pomumwe.
5. Nokuti munhu mumwe nomumwe uchafanira kutakura mutoro wake.
6. Zvino unodzidziswa Shoko, ngaagovane nounodzidzisa pazvinhu zvose zvakanaka.
7. Musanyengerwa; Mwari haasekwi; nokuti izvo zvinodzvara munhu, ndizvo zvaanocheka zve.
8. Nokuti unodzvarira nyama yake, uchacheka kuvora, kunobva panyama; asi unodzvarira mweya, uchacheka vupenyu bwusingaperi, bwunobva kumweya.
9. Zvino ngatirege kuneta pakuita zvakanaka, nokuti tinozocheka nenguva yakafanira, kana tisingavori moyo.
10. Zvino zvatinenguva, ngatiitire vose zvakanaka, zvikuru kunaveimba yokutenda.
11. Tarirai, kukura kwamaretere andinokunyorerai nawo noruvoko rwangu.
12. Vose vanoda kunzi vakanaka pane zvinovonekwa panyama, ndivo vanokurovererai kuti mudzingiswe; vanodaro bedzi kuti varege kutambudzwa nokuda kwomuchinjikwa waKristu.
13. Nokuti kunyange vakadzingiswa,havachengeti murairo vamene, asi vanoda kuti imi mudzingiswe, kuti vazvirumbidze panyama yenyu.
14. Asi kana ndirini, ngandirege kutongozvirumbidza napaduku, asi bedzi mumuchinjikwa waShe wedu, Jesu Kristu; naye nyika yakaroverwa pamuchinjikwa kwandiri, neni ndakaroverwa kunyika.
15. Nokuti kudzingiswa kana kusadzingiswa hachizi chinhu, asi chisikwa chitsva.
16. Vose vanofamba nomurairo uyu rugare ngaruve pamsoro pavo, nenyasha, napamsoro pavaIsraeri vaMwari.
17. Kubvira zvino ngakurege kuva nomunhu unonditambudza; nokuti ndinamavanga aShe Jesu pamuviri wangu.
18. Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu, ngadzive nomweya wenyu, hama dzangu. Ameni.

  Galatians (6/6)