| ← Galatians (3/6) → |
| 1. | Imi vaGaratia vokusafunga, ndianiko wakakurunzirai, kuti murege kuteerera chokwadi iyemi, makaratidzwa Jesu Kristu pachena pamberi pameso enyu akaroverwa pamuchinjikwa pakati penyu? |
| 2. | Ichechi bedzi ndinoda kunzwa kwamuri: Makapiwa Mweya namabasa omurairo here, kana nokunzwa kwokutenda? |
| 3. | Muri vokusafunga vakadaro seiko? Makatanga muMweya, ko zvino mopedzisa munyama here? |
| 4. | Makatambudzika zvikuru mukadai pasina here? Kana zvaiva pasina hazvo! |
| 5. | Naizvozvo uyo unokupai Mweya, nokuita mabasa esimba pakati penyu, unozviita izvo namabasa omurairo here, kana nokunzwa kwokutenda? |
| 6. | Abhurahamu sezvaakatenda kunaMwari kukanzi kwaari ndiko kururama. |
| 7. | Naizvozvo zivai kuti vokutenda ndivo vana vaAbhurahamu. |
| 8. | Norugwaro zvarwakaziva zviri mberi kuti Mwari ucharuramisa vahedheni nokutenda, rwakaparidza Evhangeri kare kunaAbhurahamu, ruchiti: Mauri marudzi ose acharopafadzwa. |
| 9. | Naizvozvo vokutenda vanoropafadzwa pamwe chete naAbhurahamu, wakatenda. |
| 10. | Nokuti vose vari vamabasa omurairo, vari pakutukwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Vakatukwa vose vasingarambiri pazvinhu zvose zvakanyorwa mubuku yomurairo, kuti vazviite. |
| 11. | Zvino, zvinovonekwa kuti hakunomunhu unoruramiswa nomurairo pamberi paMwari, nokuti: Wakarurama uchararama nokutenda. |
| 12. | Zvino murairo haubvi pakutenda; asi uyo wakaita zvinhu izvozvi uchararama nazvo. |
| 13. | Kristu wakatidzikinura pakutuka kwomurairo, iye akaitwa chakatukwa nokuda kwedu, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Vakatukwa vose vanoturikwa pamuti! |
| 14. | Kuti kuropafadzwa kwaAbhurahamu kusvike kuvahedheni munaJesu Kristu; kuti tipiwe nokutenda chipikirwa choMweya. |
| 15. | Hama dzangu, ndinoreva nokureva kwavanhu, ndichiti: Kunyange iri sungano yavanhu hayo, kana yasimbiswa, hakunomunhu unoikonesa kana kuwedzera kwairi. |
| 16. | Zvino, izvo zvipikirwa zvakarebwa kunaAbhurahamu nokumwana wake. Haarevi, achiti: Kuvana vako, savanenge vari vazhinji; asi saanenge ari mumwe, unoti; Kumwana wako; uyu ndiye Kristu. |
| 17. | Zvino ndinoreva chinhu ichi, ndichiti; Sungano yakasimbiswa kare naMwari, munaKristu, haitorerwi simba rayo nomurairo wakazotevera makore mazana mana namakumi matatu apfuvura, kuti chipikirwa chikoneswe. |
| 18. | Nokuti kana nhaka ichibva kumurairo, haichabvi kuchipikirwa;; asi Mwari wakaipa Abhurahamu nokupikira. |
| 19. | Naizvozvo murairo chinyiko? Wakazowedzerwa nokuda kwezvivi, kusvikira mwana wakapikirwa izvozvo achizovuya; iwo wakarairwa navatumwa noruvoko rwomurevereri. |
| 20. | Zvino murevereri haazi womumwe chete, asi Mwari ndomumwe. |
| 21. | Ko murairo unorwisana nezvipikirwa zvaMwari here? Haisva! Nokuti dai vakanga vapiwa murairo waigona kuraramisa, zvirokwazvo Kururamiswa kungadai kwakabva kumurairo. |
| 22. | Asi Rugwaro rwakapfigira zvose pasi pezvivi, kuti chipikirwa chinobva pakutenda munaJesu Krisitu chipiwe vanotenda. |
| 23. | Asi kutenda kusati kwasvika, taichengetwa pasi pomurairo, takapfigirwa nokuda kwokutenda kwaizoratidzwa. |
| 24. | Saizvozvo murairo wakanga uri muperekedzi wedu, kutiisa kunaKristu kuti tiruramiswe nokutenda. |
| 25. | Zvino kutenda zvakwakasvika, hatichiri pasi pomuperekedzi. |
| 26. | Nokuti imi mose muri vana vaMwari nokutenda munaKristu Jesu; |
| 27. | nokuti vose pakati penyu, vakabhabhatidzwa munaKristu, makafuka Kristu. |
| 28. | Hakuchina muJudha kana muGiriki, hakuchina wakasungwa kana wakasununguka, hakuchina munhurume kana munhukadzi; nokuti imi mose muri vamwe munaKristu Jesu. |
| 29. | Zvino kana muri vaKristu, muri vana vaAbhurahamu, vadyi venhaka sezvamakapikirwa. |
| ← Galatians (3/6) → |