Galatians (1/6)  

1. Pauro, muapostora,usina kubva kuvanhu, kana kutumwa nomunhu, asi naJesu Kristu, naMwari Baba, wakamumutsa kuvakafa),
2. nehama dzose dziri kwandiri, kukereke dzeGaratia:
3. Nyasha norugare ngazvive nemi, zvinobva kunaMwari, Baba vedu, naShe Jesu Kristu,
4. wakazvipa nokuda kwezvivi zvedu, kuti atisunungure kunyika yakaipa yazvino, nokuda kwaMwari, Baba vedu;
5. ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.
6. Ndinoshamiswa kuti munokurumidza mukadai kushandukira uyo wakakudanai munyasha dzaKristu, kuti mutsaukire kune imwe evhangeri;
7. isati iri imwe hayo; asi kuti vamwe varipo vanokukanganisai, vachida kushandura Evhangeri yaKristu.
8. Asi kunyange isu, kana mutumwa unobva kudenga, akakuparidzirai imwe Evhangeri, inopesana neyatinokuparidzirai isu, ngaave wakatukwa.
9. Sezvatakamboreva, zvino ndinoreva zve saizvozvo: Kana kunomunhu unokuparidzirai imwe Evhangeri, inopesana naiyo yamakagamuchira, ngaave wakatukwa.
10. Nokuti zvino ndinoita vushamwari navanhu here, kana naMwari? Kana ndinotsvaka kufadza vanhu here? Kana ndaifadza vanhu nazvino, handizaiva muranda waKristu.
11. Nokuti ndinokuzivisai, hama dzangu, kuti Evhangeri yakaparidzwa neni, haina kuita seyavanhu.
12. Nokuti handina kuipiwa kana kuidzidziswa nomunhu, asi ndakairatidzwa naJesu Kristu.
13. Nokuti makanzwa zvomufambire wangu kare pakunamata kwavaJudha, kuti ndaitambudza kereke yaMwari zvikuru kwazvo, ndikaiparadza;
14. pakunamata kwavaJudha ndaipfuvura vazhinji vezero rangu parudzi rwangu, ndichinyanya kushingairira tsika dzamadzibaba angu.
15. Zvino Mwari, akati afadzwa nazvo, iye wakandisanangura kubva padumbu ramai vangu, akandidana nenyasha dzake.
16. kuti aratidze Mwanakomana wake mandiri, ndimuparidze pakati pavahedheni, pakarepo handina kurangana nenyama neropa.
17. handina kukwira Jerusarema kunaavo vakanditangira kuva vaapostra, asi ndakaenda ArAbhiya, ndikadzokera Dhamaseko zve.
18. Ipapo, makore matatu akati apfuvura, ndikakwira Jerusarema kundovona Kefasi, ndikagara naye mazuva anegumi namashanu.
19. Asi handina kuvona mumwe wavaapostora, asi Jakobho bedzi, munun’una waShe.
20. Izvi zvandinokunyorerai, tarirai, pamberi paMwari handirevi nhema.
21. Ipapo ndakasvika kunyika dzeSiria neKirikia.
22. Asi ndakanga ndisingazikanwi pachiso nekereke dzeJudhea dziri munaKristu.
23. asi vakanga vanzwa bedzi, kuti uya, waititambudza kare, zvino woparidza kutenda kwaaiparadza kare;
24. vakarumbidza Mwari mandiri.

      Galatians (1/6)