| ← Ezra (9/10) → |
| 1. | Zvino izvi zvakati zvapera, machinda akaswedera kwandiri, akati, "Vanhu vaIsiraeri, navapirisiti, navaRevhi havana kuzviraura pavanhu venyika panezvinonyangadza zvavo, ivo vaKenani, navaHiti, navaPerezi, navaJebhusi, navaAmoni, navaMoabhu, navaIjipiti, navaAmori. |
| 2. | Nokuti vakatora vakunda vavo vave vakadzi vavo navavanakomana vavo; naizvozvo rudzi rutsvene rwakazvivenganisa navanhu venyika; zvirokwazvo maoko amachinda navabati ndiwo akanyanya pakudarika uku." |
| 3. | Zvino ini ndakati ndichizvinzwa, ndikabvarura nguvo yangu nejasi rangu, ndikataura vhudzi romusoro wangu nendebvu dzangu, ndikagara pasi ndakakanuka. |
| 4. | Ipapo vakaungana kwandiri vose vakanga vachidedera nokuda kwamashoko aMwari waIsiraeri pamusoro pokudarika kwavatapwa; ndikagara pasi ndakakanuka kusvikira panguva yechipiriso chamadekwana. |
| 5. | Zvino panguva yechipiriso chamadekwana ndikasimuka pakuzvininipisa kwangu, ndichine nguvo yangu nejasi rangu zvakabvaruka; ndikawira pasi namabvi angu, ndikatambanudzira maoko angu kuna Jehovha Mwari wangu; |
| 6. | ndikati, "Haiwa, Mwari wangu, ndinonyara, ndinotsveruka kusimudzira chiso changu kwamuri Mwari wangu; nokuti zvivi zvedu zvadarika misoro yedu, mhosva yedu yakakwira kusvikira kudenga. |
| 7. | Kubva pamazuva amadzibaba edu takapara mhaka kwazvo kusvikira nhasi; zvino nokuda kwezvivi isu namadzimambo edu, navapirisiti vedu, takaiswa mumaoko amadzimambo enyika, tiurawe nomunondo, titapwe, nokuparadzwa, nokunyadzwa, sapazuva ranhasi. |
| 8. | Zvino takanzwirwa tsitsi naJehovha Mwari wedu nguva duku-duku, akatisiyira vamwe vakapukunyuka, nokutipa mbambo panzvimbo yake tsvene, kuti Mwari wedu avhenekere meso edu, nokutiponesa paduku pauranda hwedu. |
| 9. | Nokuti tiri varanda; kunyange zvakadaro Mwari haana kutirasha pauranda hwedu, asi akatinzwisa tsitsi pamberi pamadzimambo ePerisia, akatiponesazve, kuti timutsezve imba yaMwari wedu, nokugadzira matongo ayo, nokutipa rusvingo paJudha napaJerusaremu. |
| 10. | "Zvino Mwari wedu, tichareveiko shure kwaizvozvi? Nokuti takarasha mirairo yenyu, |
| 11. | yamakatiraira navaranda venyu vaporofita, muchiti, Nyika kwamunoenda, kuzoiita yenyu, inyika yakasvibiswa nokuipa kwavanhu venyika idzo, nemhaka yezvinonyangadza zvavo, zvakaizadza namatsvina avo kubva parutivi rumwe kusvikira panorumwe rutivi. |
| 12. | Naizvozvo zvino, regai kupa vanakomana vavo vakunda venyu, kana kutora vakunda vavo kupa vanakomana venyu, kana kuvatsvakira rugare nomufaro nokusingaperi; kuti muve nesimba, mudye zvakanaka zvenyika, mugoisiyira vana venyu ive nhaka yavo nokusingaperi.' |
| 13. | "Zvatakaitirwa izvi zvose nokuda kwamabasa edu akaipa, uye nokuda kwemhosva dzedu huru, imi Mwari wedu zvamusina kutirova zvakaringana zvakaipa zvedu, mukatisiyira vamwe vakadai. |
| 14. | "Zvino tingapamhidzazve kudarika mirairo yenyu here, nokushamwaridzana navanhu vanoita izvi zvinonyangadza here? Hamungazotitsamwiri kusvikira matiparadza here, kusvikira kusina akasiyiwa, kana akapukunyuka? |
| 15. | Jehovha, Mwari waIsiraeri, imi makarurama; nokuti tasiyirwa vamwe vakapukunyuka, sezvazvakaita nhasi; tarirai tiri pamberi penyu nemhosva dzedu, nokuti hakuna angamira pamberi penyu nokuda kwechinhu ichi." |
| ← Ezra (9/10) → |